UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Jumua - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


يُسَبِّحُ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ ٱلۡمَلِكِ ٱلۡقُدُّوسِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَكِيمِ

Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah, Mambo, Mutsvene, Mukuru, Muchenjeri
Surah Al-Jumua, Verse 1


هُوَ ٱلَّذِي بَعَثَ فِي ٱلۡأُمِّيِّـۧنَ رَسُولٗا مِّنۡهُمۡ يَتۡلُواْ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتِهِۦ وَيُزَكِّيهِمۡ وَيُعَلِّمُهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡحِكۡمَةَ وَإِن كَانُواْ مِن قَبۡلُ لَفِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ

Ndivo avo vakatuma kubva mune vasina kudzidza mutumwa (Muhammad (SAW)) mukati mavo, achiverenga ndima dzavo kwavari, uye achivachenura (kubva mukusatenda), uye achivadzidzisa Bhuku (Qur’aan) neruzivo Al-Hikmah (Sunnah: Manamatiro nemagariro aMuhammad (SAW)), kunyange zvazvo vakange vari mukurasika kuri pachena
Surah Al-Jumua, Verse 2


وَءَاخَرِينَ مِنۡهُمۡ لَمَّا يَلۡحَقُواْ بِهِمۡۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ

Uye (vakamutuma Muhammad (SAW)) kune vamwe mukati mavo (maMuslim) avo vasati vave navo (asi vachauya). Uye (Allah) ndivo mukuru, vane huchenjeri wese
Surah Al-Jumua, Verse 3


ذَٰلِكَ فَضۡلُ ٱللَّهِ يُؤۡتِيهِ مَن يَشَآءُۚ وَٱللَّهُ ذُو ٱلۡفَضۡلِ ٱلۡعَظِيمِ

Ndiwo makomborero aAllah avanopa kune wavanoda. Uye Allah ndivo muridzi wemakomborero makuru
Surah Al-Jumua, Verse 4


مَثَلُ ٱلَّذِينَ حُمِّلُواْ ٱلتَّوۡرَىٰةَ ثُمَّ لَمۡ يَحۡمِلُوهَا كَمَثَلِ ٱلۡحِمَارِ يَحۡمِلُ أَسۡفَارَۢاۚ بِئۡسَ مَثَلُ ٱلۡقَوۡمِ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِۚ وَٱللَّهُ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّـٰلِمِينَ

Muenzaniso weavo vakapiwa Torah vobva varega kurichengetedza wakafanana nedhongi rinotakura mabhuku (asi ariwanzwisisi). Wakaipa sei muenzaniso weavo vanoramba zviratidzo zvaAllah. Uye Allah havatungamiri vanhu vanotadza
Surah Al-Jumua, Verse 5


قُلۡ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ هَادُوٓاْ إِن زَعَمۡتُمۡ أَنَّكُمۡ أَوۡلِيَآءُ لِلَّهِ مِن دُونِ ٱلنَّاسِ فَتَمَنَّوُاْ ٱلۡمَوۡتَ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ

Iti (Muhammad (SAW)): “Imi maJudha! Kana imi muchiita sokunge shamwari dzaAllah, kusara kwevanhu vose, chishuvirai rufu kana muri pachokwadi.”
Surah Al-Jumua, Verse 6


وَلَا يَتَمَنَّوۡنَهُۥٓ أَبَدَۢا بِمَا قَدَّمَتۡ أَيۡدِيهِمۡۚ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِٱلظَّـٰلِمِينَ

Asi havamborushuviri (rufu) nokuda kwezvakaitwa nemaoko avo! Uye Allah vanoziva zvikuru vatadzi
Surah Al-Jumua, Verse 7


قُلۡ إِنَّ ٱلۡمَوۡتَ ٱلَّذِي تَفِرُّونَ مِنۡهُ فَإِنَّهُۥ مُلَٰقِيكُمۡۖ ثُمَّ تُرَدُّونَ إِلَىٰ عَٰلِمِ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ فَيُنَبِّئُكُم بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ

Iti (kwavari): “Zvirokwazvo, rufu rwamunotiza, zvirokwazvo rwuchakubatai, muchazodzorerwa zvakare kuna (Allah), muzivi wezvisipo nezvinoonekwa, uye vachakuzivisai (Allah) izvo zvamaiita.”
Surah Al-Jumua, Verse 8


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا نُودِيَ لِلصَّلَوٰةِ مِن يَوۡمِ ٱلۡجُمُعَةِ فَٱسۡعَوۡاْ إِلَىٰ ذِكۡرِ ٱللَّهِ وَذَرُواْ ٱلۡبَيۡعَۚ ذَٰلِكُمۡ خَيۡرٞ لَّكُمۡ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ

Imi vanotenda! Kana Swalaah ikadaidzirwa nemusi weChishanu (munamato weJumu’ah), mhanyirai kundangariro yaAllah (Mharidzo nemunamato weJumu’ah), uye mosiya mabhizimusi (nemamwe mabasa). Ndizvo zvakanaka kwamuri kana muchiziva
Surah Al-Jumua, Verse 9


فَإِذَا قُضِيَتِ ٱلصَّلَوٰةُ فَٱنتَشِرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَٱبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِ ٱللَّهِ وَٱذۡكُرُواْ ٱللَّهَ كَثِيرٗا لَّعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ

Zvino kana munamato weJumu’ah wapera, chipararirai nenyika, uye motsvaga makomborero aAllah (nekushanda), uye morangarira Allah zvakanyanya kuti mugobudirira
Surah Al-Jumua, Verse 10


وَإِذَا رَأَوۡاْ تِجَٰرَةً أَوۡ لَهۡوًا ٱنفَضُّوٓاْ إِلَيۡهَا وَتَرَكُوكَ قَآئِمٗاۚ قُلۡ مَا عِندَ ٱللَّهِ خَيۡرٞ مِّنَ ٱللَّهۡوِ وَمِنَ ٱلتِّجَٰرَةِۚ وَٱللَّهُ خَيۡرُ ٱلرَّـٰزِقِينَ

Uye apo pavakaona bhizimusi kana mutambo (ngoma dzichiridzwa) vakamhanyira kwazviri, uye vakakusiya (Muhammad (SAW)) wakamira (uchiparidza). Iti: “Izvo zvina Allah zvakanaka kupfuura mutambo nemabhizimusi! Uye Allah ndivo mupi akanaka.”
Surah Al-Jumua, Verse 11


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 61
>> Surah 63

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai