UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah At-Taghabun - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


يُسَبِّحُ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ لَهُ ٱلۡمُلۡكُ وَلَهُ ٱلۡحَمۡدُۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٌ

Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Humambo ndehwavo, uye rumbidzo nekutenda kwese ndekwavo, uye (Allah) vane simba pamusoro pezvinhu zvose
Surah At-Taghabun, Verse 1


هُوَ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ فَمِنكُمۡ كَافِرٞ وَمِنكُم مُّؤۡمِنٞۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٌ

Ndivo (Allah) vakakusikai, naizvozvo vamwe venyu havatendi uye vamwe venyu vanotenda. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita
Surah At-Taghabun, Verse 2


خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِٱلۡحَقِّ وَصَوَّرَكُمۡ فَأَحۡسَنَ صُوَرَكُمۡۖ وَإِلَيۡهِ ٱلۡمَصِيرُ

Vakasika matenga nenyika muchokwadi, uye vakakuumbai ndokubva vaita maumbirwo enyu kuti ave akanaka. Uye kwavari ndiko kune magumo ekupedzisira
Surah At-Taghabun, Verse 3


يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَيَعۡلَمُ مَا تُسِرُّونَ وَمَا تُعۡلِنُونَۚ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ

(Allah) vanoziva zvose zviri kumatenga uye zvose zviri panyika, uye vanoziva zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena. Uye Allah vanoziva zvose zviri muhana
Surah At-Taghabun, Verse 4


أَلَمۡ يَأۡتِكُمۡ نَبَؤُاْ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَبۡلُ فَذَاقُواْ وَبَالَ أَمۡرِهِمۡ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ

Hadzina kusvika kwamuri here nhau dzeavo vasina kutenda mumashure? Naizvozvo vakaravira magumo emabasa avo akaipa (kusatenda kwavo), uye vachawana mutongo unorwadza
Surah At-Taghabun, Verse 5


ذَٰلِكَ بِأَنَّهُۥ كَانَت تَّأۡتِيهِمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَقَالُوٓاْ أَبَشَرٞ يَهۡدُونَنَا فَكَفَرُواْ وَتَوَلَّواْۖ وَّٱسۡتَغۡنَى ٱللَّهُۚ وَٱللَّهُ غَنِيٌّ حَمِيدٞ

Nokuda kwekuti vatumwa vavo vakauya kwavari nezviratidzo zviri pachena, asi vakati: “Varume zvavo vangatitungamira?” Naizvozvo havana kutenda ndokubva vafuratira (chokwadi). Uye Allah vakanga vasingadi rubetsero rwavo. Uye Allah ndivo mupfumi (hapana chavanoda), muridzi werumbidzo dzese
Surah At-Taghabun, Verse 6


زَعَمَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَن لَّن يُبۡعَثُواْۚ قُلۡ بَلَىٰ وَرَبِّي لَتُبۡعَثُنَّ ثُمَّ لَتُنَبَّؤُنَّ بِمَا عَمِلۡتُمۡۚ وَذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ

Avo vasingatendi vanofungidzira kuti havasi kuzomutswa. Iti (Muhammad(SAW)): Hongu! Ndinopika naTenzi vangu, kuti zvirokwazvo muchamutswa, uye muchazoudzwa izvo zvamaiita, uye izvozvo zviri nyore kuna Allah
Surah At-Taghabun, Verse 7


فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَٱلنُّورِ ٱلَّذِيٓ أَنزَلۡنَاۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٞ

Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nechiedza chatakatumira (Qur’aan iri). Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita
Surah At-Taghabun, Verse 8


يَوۡمَ يَجۡمَعُكُمۡ لِيَوۡمِ ٱلۡجَمۡعِۖ ذَٰلِكَ يَوۡمُ ٱلتَّغَابُنِۗ وَمَن يُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ وَيَعۡمَلۡ صَٰلِحٗا يُكَفِّرۡ عَنۡهُ سَيِّـَٔاتِهِۦ وَيُدۡخِلۡهُ جَنَّـٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۚ ذَٰلِكَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ

(Rangarirai) Zuva iro (Allah) vachakuunganidzai mose pazuva rekuungana. Ndiro richava zuva rokuwana nekurasikirwa (vatendi vachipinda Paradhiso uye vasingatendi vachipinda Gehena). Uye uyo anotenda muna Allah uye achiita mabasa akanaka, (Allah) vachamukanganwira zvitadzo zvake, uye vachamupinza mumapindu ayo anoerera nzizi pasi pawo, umo vachagara zvachose. Uku ndiko kubudirira kuhombe
Surah At-Taghabun, Verse 9


وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَآ أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِ خَٰلِدِينَ فِيهَاۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ

Uye avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) uye vakaramba zviratidzo zvedu, vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, umo vachagara zvachose. Uye magumo akadaro ndiwo akashata
Surah At-Taghabun, Verse 10


مَآ أَصَابَ مِن مُّصِيبَةٍ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۗ وَمَن يُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ يَهۡدِ قَلۡبَهُۥۚ وَٱللَّهُ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٞ

Hakuna matambudziko anouya asi nokuda kwemvumo yaAllah. Uye wese anotenda kuna Allah, vachatungamira moyo wake (kuchokwadi). Uye Allah vanoziva zvinhu zvose
Surah At-Taghabun, Verse 11


وَأَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَۚ فَإِن تَوَلَّيۡتُمۡ فَإِنَّمَا عَلَىٰ رَسُولِنَا ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ

Uye teererai Allah uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)); asi kana mukafuratira, zvino zvirokwazvo basa remutumwa wedu kuparidza shoko pachena
Surah At-Taghabun, Verse 12


ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۚ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ

Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo). Uye regai vatendi vavimbe naAllah (vega)
Surah At-Taghabun, Verse 13


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِنَّ مِنۡ أَزۡوَٰجِكُمۡ وَأَوۡلَٰدِكُمۡ عَدُوّٗا لَّكُمۡ فَٱحۡذَرُوهُمۡۚ وَإِن تَعۡفُواْ وَتَصۡفَحُواْ وَتَغۡفِرُواْ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ رَّحِيمٌ

Imi vanotenda! Zvirokwazvo mukati mevakadzi venyu nevana venyu pane mhandu dzenyu (vanokudzivirirai kuteerera Allah), naizvozvo vachenjererei! Asi kana mukavasiya uye kuvakanganwira nekuvaregerera, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
Surah At-Taghabun, Verse 14


إِنَّمَآ أَمۡوَٰلُكُمۡ وَأَوۡلَٰدُكُمۡ فِتۡنَةٞۚ وَٱللَّهُ عِندَهُۥٓ أَجۡرٌ عَظِيمٞ

Zvirokwazvo hupfumi hwenyu nevana venyu miedzo chete, apo Allah vane mubairo mukuru (Paradhiso)
Surah At-Taghabun, Verse 15


فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ مَا ٱسۡتَطَعۡتُمۡ وَٱسۡمَعُواْ وَأَطِيعُواْ وَأَنفِقُواْ خَيۡرٗا لِّأَنفُسِكُمۡۗ وَمَن يُوقَ شُحَّ نَفۡسِهِۦ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ

Naizvozvo ityai Allah sekukwanisa kwamunoita; inzwai uye teererai, uye shandisai (hupfumi hwenyu), zvakanaka kwamuri. Uye uyo anonunurwa kubva mukuomera kwemoyo wake, vanhu vakadaro ndivo vachabudirira
Surah At-Taghabun, Verse 16


إِن تُقۡرِضُواْ ٱللَّهَ قَرۡضًا حَسَنٗا يُضَٰعِفۡهُ لَكُمۡ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡۚ وَٱللَّهُ شَكُورٌ حَلِيمٌ

Kana mukapa Allah chikwereti chakanaka (mochishandisa munzira yaAllah), vachachipeta kaviri kwamuri, uye vachakuregererai. Uye Allah vanotenda zvikuru, uye vane moyo munyoro
Surah At-Taghabun, Verse 17


عَٰلِمُ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ

Ndivo muzivi wezvose zvisingaoneki nezvinooneka, mukuru, vane hungwaru wese
Surah At-Taghabun, Verse 18


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 63
>> Surah 65

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai