UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah At-Talaq - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ إِذَا طَلَّقۡتُمُ ٱلنِّسَآءَ فَطَلِّقُوهُنَّ لِعِدَّتِهِنَّ وَأَحۡصُواْ ٱلۡعِدَّةَۖ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ رَبَّكُمۡۖ لَا تُخۡرِجُوهُنَّ مِنۢ بُيُوتِهِنَّ وَلَا يَخۡرُجۡنَ إِلَّآ أَن يَأۡتِينَ بِفَٰحِشَةٖ مُّبَيِّنَةٖۚ وَتِلۡكَ حُدُودُ ٱللَّهِۚ وَمَن يَتَعَدَّ حُدُودَ ٱللَّهِ فَقَدۡ ظَلَمَ نَفۡسَهُۥۚ لَا تَدۡرِي لَعَلَّ ٱللَّهَ يُحۡدِثُ بَعۡدَ ذَٰلِكَ أَمۡرٗا

Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Kana uchiramba vakadzi, varambe nenguva yavo yakatarwa (Iddah), uye verenga nguva (Iddah) yavo zvakanaka. Uye ityai Allah, Tenzi wenyu. Uye imi musavaburitsa mudzimba dzavo kana ivo kubuda pachavo, kusara kwekuti vaita chitadzo chiri pachena (hupombwe). Uye iyi ndiyo mirairo yaAllah. Uye uyo anotsaudzira mirairo yaAllah, zvirokwazvo anenge azvitadzira pachake. Hauzivi (iwe murambi wemukadzi wake) kuti pamwe Allah vanogona kuunza chiitiko chitsva mushure mezvo (kukudzorera mukadzi kana kwange kuri kurambana kwekutanga kana kwechipiri)
Surah At-Talaq, Verse 1


فَإِذَا بَلَغۡنَ أَجَلَهُنَّ فَأَمۡسِكُوهُنَّ بِمَعۡرُوفٍ أَوۡ فَارِقُوهُنَّ بِمَعۡرُوفٖ وَأَشۡهِدُواْ ذَوَيۡ عَدۡلٖ مِّنكُمۡ وَأَقِيمُواْ ٱلشَّهَٰدَةَ لِلَّهِۚ ذَٰلِكُمۡ يُوعَظُ بِهِۦ مَن كَانَ يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِۚ وَمَن يَتَّقِ ٱللَّهَ يَجۡعَل لَّهُۥ مَخۡرَجٗا

Saka kana vapedza nguva yavo yakatarwa, vatorei mune zvakanaka, kana kuti mosiyana mune zvakanaka. Uye torai vapupuri vaviri vakanaka mukati menyu (maMuslim). Uye ivai munopika naAllah. Iyi ndiyo rairo kune uyo anotenda naAllah uye muzuva rekupedzisira. Uye uyo anotya Allah, vachamugadzirira nzira yekubuda nayo (mumatambudziko)
Surah At-Talaq, Verse 2


وَيَرۡزُقۡهُ مِنۡ حَيۡثُ لَا يَحۡتَسِبُۚ وَمَن يَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِ فَهُوَ حَسۡبُهُۥٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ بَٰلِغُ أَمۡرِهِۦۚ قَدۡ جَعَلَ ٱللَّهُ لِكُلِّ شَيۡءٖ قَدۡرٗا

Uye vachamupa raramo kubva kune zvaakanga asingafungiri. Uye uyo anovimba naAllah, zvino vanomuitira zvaanoda. Zvirokwazvo, Allah vachadzadzikisa chinangwa chavo. Zvirokwazvo Allah vakatara raramo pazvinhu zvose
Surah At-Talaq, Verse 3


وَٱلَّـٰٓـِٔي يَئِسۡنَ مِنَ ٱلۡمَحِيضِ مِن نِّسَآئِكُمۡ إِنِ ٱرۡتَبۡتُمۡ فَعِدَّتُهُنَّ ثَلَٰثَةُ أَشۡهُرٖ وَٱلَّـٰٓـِٔي لَمۡ يَحِضۡنَۚ وَأُوْلَٰتُ ٱلۡأَحۡمَالِ أَجَلُهُنَّ أَن يَضَعۡنَ حَمۡلَهُنَّۚ وَمَن يَتَّقِ ٱللَّهَ يَجۡعَل لَّهُۥ مِنۡ أَمۡرِهِۦ يُسۡرٗا

Uye avo vevakadzi venyu vasingachatsiki mwedzi, Iddah (Nguva yakatarwa) yavo kana musingagutsikani, imwedzi mitatu; uye avo vasingaendi kumwedzi (kutsika, nekuti vadiki, nguva yavo imwedzi mitatu, kunze keavo vakafirwa – Qur’aan 2: 234). Uye avo vakazvitakura (varambwa kana kuti vafirwa nevarume), nguva yavo kusvikira vabetserwa; uye uyo anotya Allah achiita mabasa avo, vachaita kuti hupenyu hwake huve nyore
Surah At-Talaq, Verse 4


ذَٰلِكَ أَمۡرُ ٱللَّهِ أَنزَلَهُۥٓ إِلَيۡكُمۡۚ وَمَن يَتَّقِ ٱللَّهَ يُكَفِّرۡ عَنۡهُ سَيِّـَٔاتِهِۦ وَيُعۡظِمۡ لَهُۥٓ أَجۡرًا

Iyi ndiyo mitemo yaAllah yavanodzikisa kwamuri; uye uyo anotya Allah achiita mabasa avo, vachamukanganwira zvitadzo zvake, uye vowedzera mubairo wake
Surah At-Talaq, Verse 5


أَسۡكِنُوهُنَّ مِنۡ حَيۡثُ سَكَنتُم مِّن وُجۡدِكُمۡ وَلَا تُضَآرُّوهُنَّ لِتُضَيِّقُواْ عَلَيۡهِنَّۚ وَإِن كُنَّ أُوْلَٰتِ حَمۡلٖ فَأَنفِقُواْ عَلَيۡهِنَّ حَتَّىٰ يَضَعۡنَ حَمۡلَهُنَّۚ فَإِنۡ أَرۡضَعۡنَ لَكُمۡ فَـَٔاتُوهُنَّ أُجُورَهُنَّ وَأۡتَمِرُواْ بَيۡنَكُم بِمَعۡرُوفٖۖ وَإِن تَعَاسَرۡتُمۡ فَسَتُرۡضِعُ لَهُۥٓ أُخۡرَىٰ

Vagarisei (vakadzi varambwa) pamunogarawo imi, sezvamunokwanisawo kuwana, uye musavarwadzise muchivashungurudza (kuti vagosiya misha yenyu). Asi kana vakazvitakura vachengetei kusvikira vasununguka pamuviri pavo. Uye kana vakayamwisa vana venyu, vapei mugove wavo, uye umwe wenyu ngaatambire yambiro yeumwe mune zvakanaka. Asi kana mukaomeserana, umwe mukadzi anokwanisa kuvayamwisira (baba vemwana)
Surah At-Talaq, Verse 6


لِيُنفِقۡ ذُو سَعَةٖ مِّن سَعَتِهِۦۖ وَمَن قُدِرَ عَلَيۡهِ رِزۡقُهُۥ فَلۡيُنفِقۡ مِمَّآ ءَاتَىٰهُ ٱللَّهُۚ لَا يُكَلِّفُ ٱللَّهُ نَفۡسًا إِلَّا مَآ ءَاتَىٰهَاۚ سَيَجۡعَلُ ٱللَّهُ بَعۡدَ عُسۡرٖ يُسۡرٗا

Mupfumi ngaachengete zvichienderana nekuwana kwake; uye uyo anowana zvishoma ngaachengete zvichiendarana nezvaakapiwa naAllah. Allah havaisi musengwa pamunhu kudarika izvo zvavakamupa. Allah vachaunza rugare mushure mematambudziko
Surah At-Talaq, Verse 7


وَكَأَيِّن مِّن قَرۡيَةٍ عَتَتۡ عَنۡ أَمۡرِ رَبِّهَا وَرُسُلِهِۦ فَحَاسَبۡنَٰهَا حِسَابٗا شَدِيدٗا وَعَذَّبۡنَٰهَا عَذَابٗا نُّكۡرٗا

Uye maguta akawanda akatsaudzira mirairo yaTenzi wavo uye vatumwa vavo. Naizvozvo takawapa mutongo wakaoma (pasi rino), uye tichavaranga nemurango unorwadza chaizvo (muhupenyu unotevera)
Surah At-Talaq, Verse 8


فَذَاقَتۡ وَبَالَ أَمۡرِهَا وَكَانَ عَٰقِبَةُ أَمۡرِهَا خُسۡرًا

Naizvozvo vakaravira magumo emabasa avo akashata, uye magumo emabasa avo kurasikirwa (pasi rino nekudenga)
Surah At-Talaq, Verse 9


أَعَدَّ ٱللَّهُ لَهُمۡ عَذَابٗا شَدِيدٗاۖ فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ يَـٰٓأُوْلِي ٱلۡأَلۡبَٰبِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْۚ قَدۡ أَنزَلَ ٱللَّهُ إِلَيۡكُمۡ ذِكۡرٗا

Allah vakavagadzirira mutongo (unorwadza) wakaoma. Saka ityai Allah, imi vanonzwisisa, avo vanotenda! Zvirokwazvo Allah vadzikisa rangaridzo kwamuri (Qur’aan iri)
Surah At-Talaq, Verse 10


رَّسُولٗا يَتۡلُواْ عَلَيۡكُمۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ مُبَيِّنَٰتٖ لِّيُخۡرِجَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ مِنَ ٱلظُّلُمَٰتِ إِلَى ٱلنُّورِۚ وَمَن يُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ وَيَعۡمَلۡ صَٰلِحٗا يُدۡخِلۡهُ جَنَّـٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۖ قَدۡ أَحۡسَنَ ٱللَّهُ لَهُۥ رِزۡقًا

(Vakatuma zvakare) mutumwa (Muhammad (SAW)) anokuverengerai zviratidzo zvaAllah (Qur’aan) zviri pachena, kuitira kuti vagoburitsa avo vanotenda neavo vanoita mabasa akanaka kubva murima (kusatenda) kuenda kune chiedza (Islaam). Uye uyo anotenda muna Allah uye achiita zvakanaka, (Allah) vachamupinza mubindu (Paradhiso) iro rine nzizi dzinoerera pasi paro kuti agogara imomo zvachose. Zvirokwazvo Allah vachamupa raramo yakanaka
Surah At-Talaq, Verse 11


ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ سَبۡعَ سَمَٰوَٰتٖ وَمِنَ ٱلۡأَرۡضِ مِثۡلَهُنَّۖ يَتَنَزَّلُ ٱلۡأَمۡرُ بَيۡنَهُنَّ لِتَعۡلَمُوٓاْ أَنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ وَأَنَّ ٱللَّهَ قَدۡ أَحَاطَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عِلۡمَۢا

NdiAllah vakasika matenga manomwe uye nenyika yakafanana nawo (nomwe). Mutemo wavo unodzika pakati pavo (matenga nenyika), kuitira kuti muzive kuti Allah vane simba pamusoro pezvinhu zvose, uye zvirokwazvo kuti Allah vakakomberedza zvinhu zvose neruzivo rwavo
Surah At-Talaq, Verse 12


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 64
>> Surah 66

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai