UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah At-Tahrim - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ لِمَ تُحَرِّمُ مَآ أَحَلَّ ٱللَّهُ لَكَۖ تَبۡتَغِي مَرۡضَاتَ أَزۡوَٰجِكَۚ وَٱللَّهُ غَفُورٞ رَّحِيمٞ

Iwe muporofita! Nemhaka yei uchirambidza izvo zvakabvumidzwa kwauri naAllah, uchida kufadza vakadzi vako? Uye Allah vanoregerera, vane tsitsi
Surah At-Tahrim, Verse 1


قَدۡ فَرَضَ ٱللَّهُ لَكُمۡ تَحِلَّةَ أَيۡمَٰنِكُمۡۚ وَٱللَّهُ مَوۡلَىٰكُمۡۖ وَهُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡحَكِيمُ

Zvirokwazvo Allah vakatokukomekedzai (imi vanhu) kuti musunungure mhiko dzenyu. Uye Allah ndivo muchengeti wenyu, uye ndivo vane ruzivo, uye huchenjeri
Surah At-Tahrim, Verse 2


وَإِذۡ أَسَرَّ ٱلنَّبِيُّ إِلَىٰ بَعۡضِ أَزۡوَٰجِهِۦ حَدِيثٗا فَلَمَّا نَبَّأَتۡ بِهِۦ وَأَظۡهَرَهُ ٱللَّهُ عَلَيۡهِ عَرَّفَ بَعۡضَهُۥ وَأَعۡرَضَ عَنۢ بَعۡضٖۖ فَلَمَّا نَبَّأَهَا بِهِۦ قَالَتۡ مَنۡ أَنۢبَأَكَ هَٰذَاۖ قَالَ نَبَّأَنِيَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡخَبِيرُ

Uye (rangarirai) apo muporofita (Muhammad (SAW)) akavandudza mashoko kune umwe wevakadzi vake (Hafsah), ndokubva iye (mukadzi) azvitaura (kuna Aishah). Uye Allah vakaita kuti azvizive. Akamuudza chidimbu akasiya chidimbu. Zvino iye (muporofita) paakamuudza nezvazvo akati: “Ndiani akuudza izvozvo?” Iye akati: “Muzivi wazvose, ane ruzivo chairwo (Allah) ndiye andiudza.”
Surah At-Tahrim, Verse 3


إِن تَتُوبَآ إِلَى ٱللَّهِ فَقَدۡ صَغَتۡ قُلُوبُكُمَاۖ وَإِن تَظَٰهَرَا عَلَيۡهِ فَإِنَّ ٱللَّهَ هُوَ مَوۡلَىٰهُ وَجِبۡرِيلُ وَصَٰلِحُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَۖ وَٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ بَعۡدَ ذَٰلِكَ ظَهِيرٌ

Kana imi muri vaviri (Aishah naHafsah) mukasakumbira ruregerero kuna Allah, zvirokwazvo moyo yenyu inenge yabatana (kupikisa muporofita). Uye kana imi mukabetserana maringe naye (Kupikisana naye), zvirokwazvo Allah ndivo muchengeti wake, naGabriel, uye nevatendi vanoita zvakanaka; uye pamusoro pezvo, nengirozi dzinomubetsera
Surah At-Tahrim, Verse 4


عَسَىٰ رَبُّهُۥٓ إِن طَلَّقَكُنَّ أَن يُبۡدِلَهُۥٓ أَزۡوَٰجًا خَيۡرٗا مِّنكُنَّ مُسۡلِمَٰتٖ مُّؤۡمِنَٰتٖ قَٰنِتَٰتٖ تَـٰٓئِبَٰتٍ عَٰبِدَٰتٖ سَـٰٓئِحَٰتٖ ثَيِّبَٰتٖ وَأَبۡكَارٗا

Pamwe Tenzi vake, kana iye akakurambai, vanogona kumupa vamwe vakadzi vasiri imi, vari nani kudarika imi, maMuslim (vanozvipira kuna Allah), vatendi, vanoteerera (Allah), vanokumbira Allah ruregerero, vanonamata Allah nemoyo wese, vanotsanya (kana vakatama munzira yaAllah), vakamboroorwa uye mhandara
Surah At-Tahrim, Verse 5


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ قُوٓاْ أَنفُسَكُمۡ وَأَهۡلِيكُمۡ نَارٗا وَقُودُهَا ٱلنَّاسُ وَٱلۡحِجَارَةُ عَلَيۡهَا مَلَـٰٓئِكَةٌ غِلَاظٞ شِدَادٞ لَّا يَعۡصُونَ ٱللَّهَ مَآ أَمَرَهُمۡ وَيَفۡعَلُونَ مَا يُؤۡمَرُونَ

Imi vanotenda! Zvinunurei imi nemhuri dzenyu kubva kumoto uyo huni dzacho vanhu nematombo, pamusoro pawo pane ngirozi dzakasimba dzakakasharara, dzisingaiti zvokusateerera Allah pane izvo zvaanodzikomekedza, uye dzinoita izvo zvinenge zvakomekedzerwa
Surah At-Tahrim, Verse 6


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَا تَعۡتَذِرُواْ ٱلۡيَوۡمَۖ إِنَّمَا تُجۡزَوۡنَ مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ

Imi vasingatendi (mu Islaam)! Musape kana zvikonzero zuva ranhasi. Zvirokwazo murikupiwa mubairo wezvamakaita
Surah At-Tahrim, Verse 7


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ تُوبُوٓاْ إِلَى ٱللَّهِ تَوۡبَةٗ نَّصُوحًا عَسَىٰ رَبُّكُمۡ أَن يُكَفِّرَ عَنكُمۡ سَيِّـَٔاتِكُمۡ وَيُدۡخِلَكُمۡ جَنَّـٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ يَوۡمَ لَا يُخۡزِي ٱللَّهُ ٱلنَّبِيَّ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مَعَهُۥۖ نُورُهُمۡ يَسۡعَىٰ بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَبِأَيۡمَٰنِهِمۡ يَقُولُونَ رَبَّنَآ أَتۡمِمۡ لَنَا نُورَنَا وَٱغۡفِرۡ لَنَآۖ إِنَّكَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ

Imi vanotenda! Kumbirai ruregerero kuna Allah zvakakwana! Pamwe Tenzi venyu vachakukanganwirai zvitadzo zvenyu, uye vachakupinzai mumapindu ayo pasi pawo pane nzizi dzinoyerera. Zuva iro Allah havazi kuzonyadzisa muporofita (Muhammad (SAW)) neavo vanotenda pamwe naye. Chiedza chavo chichimhanya mberi kwavo uye nekurudyi rwavo. Vachange vachiti: “Tenzi vedu! Zadzikisai chiedza chedu (kusvikira tayambuka As-Siraat (bhiriji riri pamusoro peGehena)) uye tiregerereiwo. Zvirokwazvo imi munokwanisa kuita zvose.”
Surah At-Tahrim, Verse 8


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ جَٰهِدِ ٱلۡكُفَّارَ وَٱلۡمُنَٰفِقِينَ وَٱغۡلُظۡ عَلَيۡهِمۡۚ وَمَأۡوَىٰهُمۡ جَهَنَّمُۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ

Iwe muporofita(Muhammad (SAW))! Shinga pamberi pevasingatendi nevanyengedzi, uye wokasharara kwavari; uye kuGehena ndiko kwavachagara, uye zvirokwazvo ndiwo magumo akashata
Surah At-Tahrim, Verse 9


ضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلٗا لِّلَّذِينَ كَفَرُواْ ٱمۡرَأَتَ نُوحٖ وَٱمۡرَأَتَ لُوطٖۖ كَانَتَا تَحۡتَ عَبۡدَيۡنِ مِنۡ عِبَادِنَا صَٰلِحَيۡنِ فَخَانَتَاهُمَا فَلَمۡ يُغۡنِيَا عَنۡهُمَا مِنَ ٱللَّهِ شَيۡـٔٗا وَقِيلَ ٱدۡخُلَا ٱلنَّارَ مَعَ ٱلدَّـٰخِلِينَ

Allah vanopa muenzaniso kune avo vasingatendi: Mukadzi waNowa nemukadzi waLoti. Vakanga vari pasi pevaranda vedu vaviri vatsvene asi vakavabhanya (varume vavo nekuramba chitendero chavo). Uye (Nowa naLoti) havana kukwanisa kuvadzivirira kubva kuna Allah, uye zvakanzi: “Pindai mumoto pamwe nevarikupinda mumoto!”
Surah At-Tahrim, Verse 10


وَضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلٗا لِّلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱمۡرَأَتَ فِرۡعَوۡنَ إِذۡ قَالَتۡ رَبِّ ٱبۡنِ لِي عِندَكَ بَيۡتٗا فِي ٱلۡجَنَّةِ وَنَجِّنِي مِن فِرۡعَوۡنَ وَعَمَلِهِۦ وَنَجِّنِي مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ

Uye Allah vakapa mufananidzo kune avo vanotenda: Mukadzi waFarawo apo akati: “Tenzi vangu! Ndivakirei imba kwamuri muParadhiso, uye ndinunurei kubva kuna Farawo nemabasa ake, uyezve ndinunureiwo kubva kune vanhu vanotadza.”
Surah At-Tahrim, Verse 11


وَمَرۡيَمَ ٱبۡنَتَ عِمۡرَٰنَ ٱلَّتِيٓ أَحۡصَنَتۡ فَرۡجَهَا فَنَفَخۡنَا فِيهِ مِن رُّوحِنَا وَصَدَّقَتۡ بِكَلِمَٰتِ رَبِّهَا وَكُتُبِهِۦ وَكَانَتۡ مِنَ ٱلۡقَٰنِتِينَ

Uye naMaria mwanasikana waImraan uyo akachengetedza hunhu hwake. Uye takafemera maari (mumbasha dzaakange akapfeka) kubva mumweya wedu (Gabriel), uye akabvuma mashoko aTenzi vake (akatenda mushoko raAllah rekuti: “Ivapo!” – uye akavapo Jesu mwanakomana waMaria mutumwa waAllah), uye (akabvuma) mabhuku avo, uye akanga ari weavo vanoteerera (Allah)
Surah At-Tahrim, Verse 12


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 65
>> Surah 67

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai