Surah Al-Qalam - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
نٓۚ وَٱلۡقَلَمِ وَمَا يَسۡطُرُونَ
Noon. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Ndinopika) nechinyoreso uye (ndinopika) neizvo zvazvinonyora (ngirozi) (mumabhuku emabasa evanhu)
Surah Al-Qalam, Verse 1
مَآ أَنتَ بِنِعۡمَةِ رَبِّكَ بِمَجۡنُونٖ
Iwe (Muhammad (SAW)) nenyasha dzaTenzi vako haupengi
Surah Al-Qalam, Verse 2
وَإِنَّ لَكَ لَأَجۡرًا غَيۡرَ مَمۡنُونٖ
Uye zvirokwazvo, uchawana (Muhammad (SAW)) mubairo usingagumi
Surah Al-Qalam, Verse 3
وَإِنَّكَ لَعَلَىٰ خُلُقٍ عَظِيمٖ
Uye zvirokwazvo, (iwe Muhammad (SAW) ndiwe une tsika dzepamusoro-soro
Surah Al-Qalam, Verse 4
فَسَتُبۡصِرُ وَيُبۡصِرُونَ
Uchawona uyezve vachawona
Surah Al-Qalam, Verse 5
بِأَييِّكُمُ ٱلۡمَفۡتُونُ
Ndeupi pakati penyu asina kukwana (anopenga)
Surah Al-Qalam, Verse 6
إِنَّ رَبَّكَ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَن ضَلَّ عَن سَبِيلِهِۦ وَهُوَ أَعۡلَمُ بِٱلۡمُهۡتَدِينَ
Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muzivi mukuru weavo vakarasika kubva munzira, uye ndivo muzivi mukuru wevari pagwara
Surah Al-Qalam, Verse 7
فَلَا تُطِعِ ٱلۡمُكَذِّبِينَ
Nokudaro (iwe Muhammad (SAW)) usava unoteerera avo vanoramba (kutenda)
Surah Al-Qalam, Verse 8
وَدُّواْ لَوۡ تُدۡهِنُ فَيُدۡهِنُونَ
Vanoshuvira kuti uve unonzwisisana navo (Panyaya dzechitendero). Nokudaro ivo vonzwisisana newe
Surah Al-Qalam, Verse 9
وَلَا تُطِعۡ كُلَّ حَلَّافٖ مَّهِينٍ
Uye (iwe Muhammad (SAW)) usava unoteerera wega wega ari Hallaaf Maheen (uyo anopika zvakanyanya achinyepa kana asina maturo)
Surah Al-Qalam, Verse 10
هَمَّازٖ مَّشَّآءِۭ بِنَمِيمٖ
Uye mupomeri manyepo (munyeyi) anofamba nemakuhwa
Surah Al-Qalam, Verse 11
مَّنَّاعٖ لِّلۡخَيۡرِ مُعۡتَدٍ أَثِيمٍ
Uye mudziviriri wezvakanaka, mutyori wemutemo, mutadzi mukuru
Surah Al-Qalam, Verse 12
عُتُلِّۭ بَعۡدَ ذَٰلِكَ زَنِيمٍ
Uye ane utsinye pamusoro pazvo akazvarwa zvisiri pamutemo
Surah Al-Qalam, Verse 13
أَن كَانَ ذَا مَالٖ وَبَنِينَ
Anga akadaro nokuti anga aine hupfumi nevana
Surah Al-Qalam, Verse 14
إِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِ ءَايَٰتُنَا قَالَ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ
Kana ndima dzedu dzichiverengwa (Qur’aan) kwaari anoti: “Ingano dzevanhu vakare!”
Surah Al-Qalam, Verse 15
سَنَسِمُهُۥ عَلَى ٱلۡخُرۡطُومِ
Tichamuisa muchiso pamhuno
Surah Al-Qalam, Verse 16
إِنَّا بَلَوۡنَٰهُمۡ كَمَا بَلَوۡنَآ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ إِذۡ أَقۡسَمُواْ لَيَصۡرِمُنَّهَا مُصۡبِحِينَ
Zvirokwazvo, tinovaedza semaedzero atakaita vanhu vebindu, pavakapika kukohwa michero mangwanani
Surah Al-Qalam, Verse 17
وَلَا يَسۡتَثۡنُونَ
Vasina kuti: “Kana Allah vakatitendera (Inshaa Allaah).”
Surah Al-Qalam, Verse 18
فَطَافَ عَلَيۡهَا طَآئِفٞ مِّن رَّبِّكَ وَهُمۡ نَآئِمُونَ
Nokudaro wakapfuura napo muenzi (moto) kubva kuna Tenzi vako ivo vakarara
Surah Al-Qalam, Verse 19
فَأَصۡبَحَتۡ كَٱلصَّرِيمِ
Nokudaro (bindu) rakava dema sehusiku hutema
Surah Al-Qalam, Verse 20
فَتَنَادَوۡاْ مُصۡبِحِينَ
Vakashevedzana mangwanani ngwanani
Surah Al-Qalam, Verse 21
أَنِ ٱغۡدُواْ عَلَىٰ حَرۡثِكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰرِمِينَ
Vachiti: “Endai kubindu renyu, kana muchida kukohwa michero.”
Surah Al-Qalam, Verse 22
فَٱنطَلَقُواْ وَهُمۡ يَتَخَٰفَتُونَ
Nokudaro vakasimuka vachitaura chinyararire nezwi riri pasi pasi
Surah Al-Qalam, Verse 23
أَن لَّا يَدۡخُلَنَّهَا ٱلۡيَوۡمَ عَلَيۡكُم مِّسۡكِينٞ
Hakuna murombo achakupindirai mariri zuva ranhasi
Surah Al-Qalam, Verse 24
وَغَدَوۡاْ عَلَىٰ حَرۡدٖ قَٰدِرِينَ
Uye vakaenda mangwanani nechinangwa chakasimba vachifunga kuti vane samba (rokunyima varombo michero)
Surah Al-Qalam, Verse 25
فَلَمَّا رَأَوۡهَا قَالُوٓاْ إِنَّا لَضَآلُّونَ
Asi pavakariwona (bindu) vakati: “Zvirokwazvo, tarasika.”
Surah Al-Qalam, Verse 26
بَلۡ نَحۡنُ مَحۡرُومُونَ
Vakati: “Pamwe zvirokwazvo tiri kudzvinyirirwa (pamuchero)!”
Surah Al-Qalam, Verse 27
قَالَ أَوۡسَطُهُمۡ أَلَمۡ أَقُل لَّكُمۡ لَوۡلَا تُسَبِّحُونَ
Akanaka pakati pavo akati: “Handina kukuudzai here kuti sei musingati kana Allah vachida (Inshaa Allaah)?”
Surah Al-Qalam, Verse 28
قَالُواْ سُبۡحَٰنَ رَبِّنَآ إِنَّا كُنَّا ظَٰلِمِينَ
Vakati: “Rumbidzo ngadzive kuna Tenzi vedu. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.”
Surah Al-Qalam, Verse 29
فَأَقۡبَلَ بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٖ يَتَلَٰوَمُونَ
Vakatendeukirana umwe neumwe pakati pavo vachipomerana
Surah Al-Qalam, Verse 30
قَالُواْ يَٰوَيۡلَنَآ إِنَّا كُنَّا طَٰغِينَ
Vakati: “Marwadzo kwatiri. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.”
Surah Al-Qalam, Verse 31
عَسَىٰ رَبُّنَآ أَن يُبۡدِلَنَا خَيۡرٗا مِّنۡهَآ إِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا رَٰغِبُونَ
“Tinovimba kuti Tenzi vedu vachatipa rinani (bindu) kupfuura iri. Zvechokwadi, tinotendeukira kuna Tenzi vedu (tichishuvira zvakanaka neruregerero nemubairo muhupenyu unotevera).”
Surah Al-Qalam, Verse 32
كَذَٰلِكَ ٱلۡعَذَابُۖ وَلَعَذَابُ ٱلۡأٓخِرَةِ أَكۡبَرُۚ لَوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ
Aya ndiwo marwadzo, asi zvirokwazvo marwadzo ehupenyu hwamangwana makuru dai henyu maiziva
Surah Al-Qalam, Verse 33
إِنَّ لِلۡمُتَّقِينَ عِندَ رَبِّهِمۡ جَنَّـٰتِ ٱلنَّعِيمِ
Zvirokwazvo, kuvatsvene kune mapindu akanaka kuna Tenzi vavo
Surah Al-Qalam, Verse 34
أَفَنَجۡعَلُ ٱلۡمُسۡلِمِينَ كَٱلۡمُجۡرِمِينَ
Tobata here maMuslim (vatendi) sevatadzi
Surah Al-Qalam, Verse 35
مَا لَكُمۡ كَيۡفَ تَحۡكُمُونَ
Mhaka yenyu ndeyeyi? Munotonga sei
Surah Al-Qalam, Verse 36
أَمۡ لَكُمۡ كِتَٰبٞ فِيهِ تَدۡرُسُونَ
Kana kuti mune bhuku ramunodzidza mariri
Surah Al-Qalam, Verse 37
إِنَّ لَكُمۡ فِيهِ لَمَا تَخَيَّرُونَ
Kuti zvirokwazvo kwamuri mariri mune zvose zvamunosarudza
Surah Al-Qalam, Verse 38
أَمۡ لَكُمۡ أَيۡمَٰنٌ عَلَيۡنَا بَٰلِغَةٌ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ إِنَّ لَكُمۡ لَمَا تَحۡكُمُونَ
Kana kuti mune mhiko kubva kwatiri, kusvika pazuva rokutongwa, kuti kwamuri kuchava zvamunotonga
Surah Al-Qalam, Verse 39
سَلۡهُمۡ أَيُّهُم بِذَٰلِكَ زَعِيمٌ
Vabvunzei: “Ndiani pakati pavo achamira pazviri?”
Surah Al-Qalam, Verse 40
أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَآءُ فَلۡيَأۡتُواْ بِشُرَكَآئِهِمۡ إِن كَانُواْ صَٰدِقِينَ
“Kana kuti vane shamwari?” Nokudaro vasiyei vauye neshamwari dzavo kana vari pachokwadi
Surah Al-Qalam, Verse 41
يَوۡمَ يُكۡشَفُ عَن سَاقٖ وَيُدۡعَوۡنَ إِلَى ٱلسُّجُودِ فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ
(Rangarirai) zuva iro gumbo (raAllah) richaburitswa pachena, uye vachadanwa kuti vapfugame (pamberi paAllah), asi vachakundikana (avo vasinganamati kana kuti avo vasinganamati nemoyo wese)
Surah Al-Qalam, Verse 42
خَٰشِعَةً أَبۡصَٰرُهُمۡ تَرۡهَقُهُمۡ ذِلَّةٞۖ وَقَدۡ كَانُواْ يُدۡعَوۡنَ إِلَى ٱلسُّجُودِ وَهُمۡ سَٰلِمُونَ
Maziso avo akadzikiswa uye nyadzi dzakavavhara, nokuti zvirokwazvo vaidanwa kuti vapfugame vari vatano (asi vaitadza kudaro)
Surah Al-Qalam, Verse 43
فَذَرۡنِي وَمَن يُكَذِّبُ بِهَٰذَا ٱلۡحَدِيثِۖ سَنَسۡتَدۡرِجُهُم مِّنۡ حَيۡثُ لَا يَعۡلَمُونَ
Saka ndisiyei neavo vanoramba Qur’aan iri. Tichavaranga zvishoma nezvishoma kubva kumativi avasingazivi
Surah Al-Qalam, Verse 44
وَأُمۡلِي لَهُمۡۚ إِنَّ كَيۡدِي مَتِينٌ
Uye ndichavapa nguva. Zvirokwazvo, hurongwa hwangu hwakakura
Surah Al-Qalam, Verse 45
أَمۡ تَسۡـَٔلُهُمۡ أَجۡرٗا فَهُم مِّن مَّغۡرَمٖ مُّثۡقَلُونَ
Kana kuti (iwe Muhammad (SAW)) uri kuvabvunza mubhadharo, nokudaro vakaomerwa nezvikwereti
Surah Al-Qalam, Verse 46
أَمۡ عِندَهُمُ ٱلۡغَيۡبُ فَهُمۡ يَكۡتُبُونَ
Kana kuti zvisingaonekwi zviri mumaoko avo kuti vazvinyore pasi
Surah Al-Qalam, Verse 47
فَٱصۡبِرۡ لِحُكۡمِ رَبِّكَ وَلَا تَكُن كَصَاحِبِ ٱلۡحُوتِ إِذۡ نَادَىٰ وَهُوَ مَكۡظُومٞ
Saka mirira nekutsungirira hurongwa hwaTenzi vako, uye usava unoita semuvakidzani wehove, paakachema (kwatiri) aine kushushikana kwakanyanya
Surah Al-Qalam, Verse 48
لَّوۡلَآ أَن تَدَٰرَكَهُۥ نِعۡمَةٞ مِّن رَّبِّهِۦ لَنُبِذَ بِٱلۡعَرَآءِ وَهُوَ مَذۡمُومٞ
Dai dzisiri nyasha dzaTenzi vake dzakamusvikira, aisiiwa (mudumbu mehove), asi akanorutsirwa (akakandwa) kumahombe kombe achipomerwa mhosva
Surah Al-Qalam, Verse 49
فَٱجۡتَبَٰهُ رَبُّهُۥ فَجَعَلَهُۥ مِنَ ٱلصَّـٰلِحِينَ
Nokudaro Tenzi vake vakamusarudza uye vakamuita umwe wevatsvene
Surah Al-Qalam, Verse 50
وَإِن يَكَادُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَيُزۡلِقُونَكَ بِأَبۡصَٰرِهِمۡ لَمَّا سَمِعُواْ ٱلذِّكۡرَ وَيَقُولُونَ إِنَّهُۥ لَمَجۡنُونٞ
Uye zvirokwazvo, avo vasingatendi vanoposa zvishoma kukuita kuti utsvedze nekuda kwemaziso avo (aneruvengo) apo pavanonzwa yeuchidzo (Qur’aan), uye vanoti: “Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) munhu anopenga!”
Surah Al-Qalam, Verse 51
وَمَا هُوَ إِلَّا ذِكۡرٞ لِّلۡعَٰلَمِينَ
Asi hapana chiripo kunze kweyeuchidzo kuzvisikwa zvose (vanhu nemaJinn)
Surah Al-Qalam, Verse 52