Surah Al-Araf Verse 158 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafقُلۡ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِ ٱلنَّبِيِّ ٱلۡأُمِّيِّ ٱلَّذِي يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَكَلِمَٰتِهِۦ وَٱتَّبِعُوهُ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Zvirokwazvo, ndave ndinotumwa kwamuri mose semutumwa waAllah, avo vanova muridzi wehumambo hwekudenga nepasi. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa hupenyu uye vanokonzera rufu. Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo, muporofita asingakwanisi kuverenga kana kunyora (Muhammad (SAW)), anotenda munaAllah nemashoko avo (Qur’aan). Naizvozvo muteverei kuti mugova avo vakatungamiririrwa.”