Surah Al-Araf - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓمٓصٓ
Alif – Laam – Meem – Swaad. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Al-Araf, Verse 1
كِتَٰبٌ أُنزِلَ إِلَيۡكَ فَلَا يَكُن فِي صَدۡرِكَ حَرَجٞ مِّنۡهُ لِتُنذِرَ بِهِۦ وَذِكۡرَىٰ لِلۡمُؤۡمِنِينَ
Iri Gwaro (Qur’aan) rakadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)), naizvozvo usava nekushushikana mukati memoyo wako kubva mariri, kuti uve unoyambira (vanhu) naro, uye iyeuchidzo kune vanotenda
Surah Al-Araf, Verse 2
ٱتَّبِعُواْ مَآ أُنزِلَ إِلَيۡكُم مِّن رَّبِّكُمۡ وَلَا تَتَّبِعُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَۗ قَلِيلٗا مَّا تَذَكَّرُونَ
Iti Muhammad (SAW) kuvanamati vezvidhori): “Teverai zvakadzikiswa kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Qur’aan ne Sunnah), uye musave munotevera maAwliya (avo vanokukurudzirai kuti muve munosanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata) kusara kwavo (Allah). Zvishoma ndizvo zvamunorangarira!”
Surah Al-Araf, Verse 3
وَكَم مِّن قَرۡيَةٍ أَهۡلَكۡنَٰهَا فَجَآءَهَا بَأۡسُنَا بَيَٰتًا أَوۡ هُمۡ قَآئِلُونَ
Uye madhorobha mangani atakaparadza (nekuda kwezvivi zvavo)? Mutongo wedu wakauya kwavari usiku kana kuti varere nguva dzemasikati
Surah Al-Araf, Verse 4
فَمَا كَانَ دَعۡوَىٰهُمۡ إِذۡ جَآءَهُم بَأۡسُنَآ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ إِنَّا كُنَّا ظَٰلِمِينَ
Hapana zvavakataura mushure mekunge mutongo wedu wauya kwavari kusara kwekuti: “Zvirokwazvo, takanga tiri vatadzi.”
Surah Al-Araf, Verse 5
فَلَنَسۡـَٔلَنَّ ٱلَّذِينَ أُرۡسِلَ إِلَيۡهِمۡ وَلَنَسۡـَٔلَنَّ ٱلۡمُرۡسَلِينَ
Zvirokwazvo, tichava tinobvunza avo (vanhu) vakaritumirwa (Bhuku), uye zvirokwazvo, tichava tinobvunza vatumwa
Surah Al-Araf, Verse 6
فَلَنَقُصَّنَّ عَلَيۡهِم بِعِلۡمٖۖ وَمَا كُنَّا غَآئِبِينَ
Zvirokwazvo, tichavaudza (nyaya yavo yose) neruzivo, uye zvirokwazvo, hatina kunge tisipo (taivapo nguva dzose)
Surah Al-Araf, Verse 7
وَٱلۡوَزۡنُ يَوۡمَئِذٍ ٱلۡحَقُّۚ فَمَن ثَقُلَتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ
Uye kuyera kwezuva iroro (zuva rekutongwa) kuchange kuri (kuyera) kwechokwadi. Naizvozvo kune avo vachange vaine chikero (chemabasa akanaka) chichange chichirema, vachava vanobudirira (nekupinda Paradhiso)
Surah Al-Araf, Verse 8
وَمَنۡ خَفَّتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُم بِمَا كَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يَظۡلِمُونَ
Uye kune avo vachange vaine chikero chichange chisingaremi, avo ndivo vachave nekusabudirira pachezvavo (nekupinda kuGehena) nokuda kwekuramba kwavo zviratidzo zvedu
Surah Al-Araf, Verse 9
وَلَقَدۡ مَكَّنَّـٰكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَجَعَلۡنَا لَكُمۡ فِيهَا مَعَٰيِشَۗ قَلِيلٗا مَّا تَشۡكُرُونَ
Uye zvirokwazvo, takava tinokuisai panyika tikava tinokugadzirirai raramo mairi. Asi kutenda kwamunopa kushoma
Surah Al-Araf, Verse 10
وَلَقَدۡ خَلَقۡنَٰكُمۡ ثُمَّ صَوَّرۡنَٰكُمۡ ثُمَّ قُلۡنَا لِلۡمَلَـٰٓئِكَةِ ٱسۡجُدُواْ لِأٓدَمَ فَسَجَدُوٓاْ إِلَّآ إِبۡلِيسَ لَمۡ يَكُن مِّنَ ٱلسَّـٰجِدِينَ
Uye zvirokwazvo, takava tinokusikai (baba venyu Adam) uye tikakupai chimiro (chimiro chakanaka chokuva munhu); tikabva taudza ngirozi: “Pfugamirai Adam”, uye dzikava dzinopfugama, kusara kwaIblees (Satani), akaramba kuva pane avo vakapfugama
Surah Al-Araf, Verse 11
قَالَ مَا مَنَعَكَ أَلَّا تَسۡجُدَ إِذۡ أَمَرۡتُكَۖ قَالَ أَنَا۠ خَيۡرٞ مِّنۡهُ خَلَقۡتَنِي مِن نَّارٖ وَخَلَقۡتَهُۥ مِن طِينٖ
(Allah) Vakati: “Chii chakukanganisa kuti usave unopfugama mushure mekunge ndakukomekedza?” Iblees akati: “Ini ndiri nani pane iye (Adam), makava munondisika kubva kumoto, uye iye mukava munomusika kubva kuvhu.”
Surah Al-Araf, Verse 12
قَالَ فَٱهۡبِطۡ مِنۡهَا فَمَا يَكُونُ لَكَ أَن تَتَكَبَّرَ فِيهَا فَٱخۡرُجۡ إِنَّكَ مِنَ ٱلصَّـٰغِرِينَ
(Allah) Vakati: “(Iwe Iblees (Dhiyabhorosi)) Dzika pasi kubva mariri (Paradhiso), haisi kodzero yako kuti uve unozvitutumadza mariri. Chibuda, zvirokwazvo uri muboka reavo vakadzikisirwa.”
Surah Al-Araf, Verse 13
قَالَ أَنظِرۡنِيٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ
(Iblees) Akati: “Ndipei nguva kusvika zuva iro ravachamutswa (zuva rokutongwa).”
Surah Al-Araf, Verse 14
قَالَ إِنَّكَ مِنَ ٱلۡمُنظَرِينَ
(Allah) Vakati: “Uri mumwe weavo vachave vanopihwa nguva (yekurarama).”
Surah Al-Araf, Verse 15
قَالَ فَبِمَآ أَغۡوَيۡتَنِي لَأَقۡعُدَنَّ لَهُمۡ صِرَٰطَكَ ٱلۡمُسۡتَقِيمَ
Iblees (Dhiyabhorosi)) Akati: “Nokuda kwekuti maita kuti ndive akarasika, zvirokwazvo, ndichavagarira (vanhu) munzira yenyu yakatwasuka.”
Surah Al-Araf, Verse 16
ثُمَّ لَأٓتِيَنَّهُم مِّنۢ بَيۡنِ أَيۡدِيهِمۡ وَمِنۡ خَلۡفِهِمۡ وَعَنۡ أَيۡمَٰنِهِمۡ وَعَن شَمَآئِلِهِمۡۖ وَلَا تَجِدُ أَكۡثَرَهُمۡ شَٰكِرِينَ
“Nokudaro ndichava ndinouya kwavari kubva mberi kwavo uye mumashure mavo, kubva kurudyi kwavo uye nokuruboshwe kwavo, uye hamusi kuzowana vakawanda vavo vari avo vanotenda (havasi kuzoita basa renyu).”
Surah Al-Araf, Verse 17
قَالَ ٱخۡرُجۡ مِنۡهَا مَذۡءُومٗا مَّدۡحُورٗاۖ لَّمَن تَبِعَكَ مِنۡهُمۡ لَأَمۡلَأَنَّ جَهَنَّمَ مِنكُمۡ أَجۡمَعِينَ
(Allah) Vakati (kuna Iblees): “Buda mariri (Paradhiso) uchidzikisirwa nekudzingwa. Kune uyo kubva mavari (vanhu) achakutevedzera, zvomene ndichazadza Gehena nemi mose.”
Surah Al-Araf, Verse 18
وَيَـٰٓـَٔادَمُ ٱسۡكُنۡ أَنتَ وَزَوۡجُكَ ٱلۡجَنَّةَ فَكُلَا مِنۡ حَيۡثُ شِئۡتُمَا وَلَا تَقۡرَبَا هَٰذِهِ ٱلشَّجَرَةَ فَتَكُونَا مِنَ ٱلظَّـٰلِمِينَ
“Uye iwe Adam! Gara iwe nomukadzi wako muParadhiso, uye modya zvamunoda mariri, asi musave munosvika pedyo nomuti uyu munozova vamwe vevatadzi.”
Surah Al-Araf, Verse 19
فَوَسۡوَسَ لَهُمَا ٱلشَّيۡطَٰنُ لِيُبۡدِيَ لَهُمَا مَا وُۥرِيَ عَنۡهُمَا مِن سَوۡءَٰتِهِمَا وَقَالَ مَا نَهَىٰكُمَا رَبُّكُمَا عَنۡ هَٰذِهِ ٱلشَّجَرَةِ إِلَّآ أَن تَكُونَا مَلَكَيۡنِ أَوۡ تَكُونَا مِنَ ٱلۡخَٰلِدِينَ
Iblees (Satani) akabva azevezera mavari kuti avabuditsire pachena zvakavanzwa kwavari kubva kunhengo dzavo dzakavandika; (Satani) akati: “Tenzi venyu havana kukurambidzai muti uyu kusara kwekuti munozoita ngirozi kana kuti hamuzofi zvachose.”
Surah Al-Araf, Verse 20
وَقَاسَمَهُمَآ إِنِّي لَكُمَا لَمِنَ ٱلنَّـٰصِحِينَ
Uye (Satani) akapika naAllah kwavari (achiti): “Zvirokwazvo, ndiri mumwe weavo vanokushuvirai rombo rakanaka.”
Surah Al-Araf, Verse 21
فَدَلَّىٰهُمَا بِغُرُورٖۚ فَلَمَّا ذَاقَا ٱلشَّجَرَةَ بَدَتۡ لَهُمَا سَوۡءَٰتُهُمَا وَطَفِقَا يَخۡصِفَانِ عَلَيۡهِمَا مِن وَرَقِ ٱلۡجَنَّةِۖ وَنَادَىٰهُمَا رَبُّهُمَآ أَلَمۡ أَنۡهَكُمَا عَن تِلۡكُمَا ٱلشَّجَرَةِ وَأَقُل لَّكُمَآ إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ لَكُمَا عَدُوّٞ مُّبِينٞ
Nokudaro akavabvisa mugwara (raAllah) nenyengedzo. Pavakangoravira muti uyu, izvo zvakanga zvakavandika pamuviri yavo (nhengo dzakavandika) zvakabva zvabuda pachena kwavari, vachibva vatanga kuzvivanza nemashizha emuParadhiso. Uye Tenzi vavo vakava vanodeedzera kwavari (vachiti): “Handina here kukurambidzai muti uyu ndikakuudzai kuti: ‘Zvirokwazvo Satani muvengi ari pachena kwamuri?’”
Surah Al-Araf, Verse 22
قَالَا رَبَّنَا ظَلَمۡنَآ أَنفُسَنَا وَإِن لَّمۡ تَغۡفِرۡ لَنَا وَتَرۡحَمۡنَا لَنَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ
Vakati (Adam naHawwa (Evha)): “Tenzi vedu! Tava tinozvikanganisira pachezvedu. Mukasatiregerera mova munoisa tsitsi dzenyu patiri, zvirokwazvo, tichave vamwe veavo vakarasikirwa.”
Surah Al-Araf, Verse 23
قَالَ ٱهۡبِطُواْ بَعۡضُكُمۡ لِبَعۡضٍ عَدُوّٞۖ وَلَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُسۡتَقَرّٞ وَمَتَٰعٌ إِلَىٰ حِينٖ
(Allah) Vakati: “Dzikai pasi, mumwe ari muvengi wemumwe (Adam, Hawwa (Evha), naSatani). Pasi ndipo pachava nzvimbo yenyu yekugara uye yemafaro kwenguva diki.”
Surah Al-Araf, Verse 24
قَالَ فِيهَا تَحۡيَوۡنَ وَفِيهَا تَمُوتُونَ وَمِنۡهَا تُخۡرَجُونَ
(Allah) Vakati: “Muchagara imomo (pasi rino), uye mariri ndimo mamuchafira, uye mariri ndimo mamuchamutsirwa (zuva rekutongwa).”
Surah Al-Araf, Verse 25
يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ قَدۡ أَنزَلۡنَا عَلَيۡكُمۡ لِبَاسٗا يُوَٰرِي سَوۡءَٰتِكُمۡ وَرِيشٗاۖ وَلِبَاسُ ٱلتَّقۡوَىٰ ذَٰلِكَ خَيۡرٞۚ ذَٰلِكَ مِنۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ لَعَلَّهُمۡ يَذَّكَّرُونَ
Imi vana vaAdam! Takava tinodzikisa mbatya kwamuri kuti muve munovanza nhengo dzenyu uye seshongedzo, uye mbatya dzine huremu (kutya Allah), idzo ndidzo dzakanaka. Izvi zviratidzo zvaAllah kuti vangangorangarira (vosiya mabasa akaipa uye votevedzera chokwadi)
Surah Al-Araf, Verse 26
يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ لَا يَفۡتِنَنَّكُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ كَمَآ أَخۡرَجَ أَبَوَيۡكُم مِّنَ ٱلۡجَنَّةِ يَنزِعُ عَنۡهُمَا لِبَاسَهُمَا لِيُرِيَهُمَا سَوۡءَٰتِهِمَآۚ إِنَّهُۥ يَرَىٰكُمۡ هُوَ وَقَبِيلُهُۥ مِنۡ حَيۡثُ لَا تَرَوۡنَهُمۡۗ إِنَّا جَعَلۡنَا ٱلشَّيَٰطِينَ أَوۡلِيَآءَ لِلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ
Imi vana vaAdam! Musave munoita kuti Shaitwaan (Satani) akunyengedzei, sekubuditsa kwaakaita vabereki venyu (Adam naHawwa (Evha)) muParadhiso, achivabvisa mbatya dzavo, kuti avaratidze nhengo dzavo dzakavandika. Zvirokwazvo, iye nedzinza rake vanokuonai vari kwamusingakwanise kuvaona. Zvirokwazvo, takaita kuti vanaDhiyabhorosi vave shamwari dzeavo vasingatendi
Surah Al-Araf, Verse 27
وَإِذَا فَعَلُواْ فَٰحِشَةٗ قَالُواْ وَجَدۡنَا عَلَيۡهَآ ءَابَآءَنَا وَٱللَّهُ أَمَرَنَا بِهَاۗ قُلۡ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَأۡمُرُ بِٱلۡفَحۡشَآءِۖ أَتَقُولُونَ عَلَى ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ
Uye kana vachinge vaita Al-Faahishah (zvinonyadzisa, kutenderera Ka’bah vasina kupfeka, uye hupombwe) vanoti: “Takaona madzibaba edu achizviita, uye Allah vakazvikomekedza kwatiri.” Iti: “Zvirokwazvo, (Allah) havambokomekedzi Faahishah (zvinonyadzisa). Munotaura here pamusoro paAllah zvamusingazive?”
Surah Al-Araf, Verse 28
قُلۡ أَمَرَ رَبِّي بِٱلۡقِسۡطِۖ وَأَقِيمُواْ وُجُوهَكُمۡ عِندَ كُلِّ مَسۡجِدٖ وَٱدۡعُوهُ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَۚ كَمَا بَدَأَكُمۡ تَعُودُونَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu vakava vanokomekedza ruenzaniso uye (vakati) munofanira kutarisa ivo chete munzvimbo yose yekunamatira muminamato, uye mova munovakumbira (Allah) muchiita chitendero chavo chete. Sekukusikai kwavakaita pakutanga, muchava munodzoka kuupenyu (Pazuva Rekutongwa).”
Surah Al-Araf, Verse 29
فَرِيقًا هَدَىٰ وَفَرِيقًا حَقَّ عَلَيۡهِمُ ٱلضَّلَٰلَةُۚ إِنَّهُمُ ٱتَّخَذُواْ ٱلشَّيَٰطِينَ أَوۡلِيَآءَ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَيَحۡسَبُونَ أَنَّهُم مُّهۡتَدُونَ
Vakatungamira boka, uye rimwe boka raikodzera kurasika; (nokuda kwekuti) zvirokwazvo vakatora vanaDhiyabhorosi sevabatsiri kunze kwaAllah, uye vanofunga kuti vakatungamirirwa
Surah Al-Araf, Verse 30
۞يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ خُذُواْ زِينَتَكُمۡ عِندَ كُلِّ مَسۡجِدٖ وَكُلُواْ وَٱشۡرَبُواْ وَلَا تُسۡرِفُوٓاْۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُسۡرِفِينَ
Imi vana vaAdam! Zvishongedzei (nekupfeka mbatya dzakachena) panzvimbo yose yokunamatira, uye idyai nekunwa uye musave munoshandisa (hupfumi) zvakapfurikidza (kutambisa), zvirokwazvo (Allah) havadi avo vanoshandisa (hupfumi) zvakapfurikidza
Surah Al-Araf, Verse 31
قُلۡ مَنۡ حَرَّمَ زِينَةَ ٱللَّهِ ٱلَّتِيٓ أَخۡرَجَ لِعِبَادِهِۦ وَٱلطَّيِّبَٰتِ مِنَ ٱلرِّزۡقِۚ قُلۡ هِيَ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا خَالِصَةٗ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ كَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٖ يَعۡلَمُونَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiani akarambidza kuzvishongedza nembatya dzakapihwa naAllah, dzavakagadzirira varanda vavo, uye zvakachena kubva kuchikafu?” Iti: “Ndezve avo vanotenda muupenyu hwepano pasi, uye zvichange zviri zvavo chete (vanotenda) pazuva rokumutswa.” Saizvozvo tinotsanangura maAyaat (mitemo yeIslaam) zvizere kune avo vane ruzivo
Surah Al-Araf, Verse 32
قُلۡ إِنَّمَا حَرَّمَ رَبِّيَ ٱلۡفَوَٰحِشَ مَا ظَهَرَ مِنۡهَا وَمَا بَطَنَ وَٱلۡإِثۡمَ وَٱلۡبَغۡيَ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَأَن تُشۡرِكُواْ بِٱللَّهِ مَا لَمۡ يُنَزِّلۡ بِهِۦ سُلۡطَٰنٗا وَأَن تَقُولُواْ عَلَى ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakarambidza Al-Fawaahish (Zvinonyadzisa) kunyangwe zvichiitwa pachena kana pakavandika, zvivi (zvemhando dzose), udzvanyiriri usina kodzero, kusanganisa Allah (mukunamata) nezvimwe zvisikwa zvavasina kupa mvumo, uye kutaura pamusoro paAllah zvamusina ruzivo nazvo.”
Surah Al-Araf, Verse 33
وَلِكُلِّ أُمَّةٍ أَجَلٞۖ فَإِذَا جَآءَ أَجَلُهُمۡ لَا يَسۡتَأۡخِرُونَ سَاعَةٗ وَلَا يَسۡتَقۡدِمُونَ
Uye boka rose rine nguva yaro yakatarwa; uye kana nguva yaro ichinge yasvika, (Allah) havamboinonotsa kana kuiwedzera neawa (kana kanguva kadiki)
Surah Al-Araf, Verse 34
يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ إِمَّا يَأۡتِيَنَّكُمۡ رُسُلٞ مِّنكُمۡ يَقُصُّونَ عَلَيۡكُمۡ ءَايَٰتِي فَمَنِ ٱتَّقَىٰ وَأَصۡلَحَ فَلَا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ
Imi vana vaAdam! Kana vatumwa vachinge vauya kwamuri kubva mamuri, vachikuverengerai ndima dzangu, uye kune uyo anotya (Allah) uye oita mabasa akanaka, kwavari kuchange kusina kutya kana kusuruvara
Surah Al-Araf, Verse 35
وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَٱسۡتَكۡبَرُواْ عَنۡهَآ أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ
Asi avo vanoramba zviratidzo zvedu uye vozvitutumadza mazviri, ivavo ndivo vagari vekumoto, vachagara imomo zvachose
Surah Al-Araf, Verse 36
فَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا أَوۡ كَذَّبَ بِـَٔايَٰتِهِۦٓۚ أُوْلَـٰٓئِكَ يَنَالُهُمۡ نَصِيبُهُم مِّنَ ٱلۡكِتَٰبِۖ حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُنَا يَتَوَفَّوۡنَهُمۡ قَالُوٓاْ أَيۡنَ مَا كُنتُمۡ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِۖ قَالُواْ ضَلُّواْ عَنَّا وَشَهِدُواْ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ أَنَّهُمۡ كَانُواْ كَٰفِرِينَ
Ndeupi anonyanyodzvinyirira pane uyo anogadzira manyepo pamusoro paAllah kana anoramba zviratidzo zvavo? Ivavo vachawana chidimbu chavo chakatarwa (zvakanaka zvehupenyu hwepasi rino) kubva muBhuku, kusvikira vatumwa vedu (ngirozi yerufu nevabatsiri vayo) vauya kwavari kuzotora mweya yavo, dzichati (ngirozi): “Ko varipi avo vamaikumbira nekunamata kunze kwaAllah?” Vachapindura vachiti: “Vatsakatika kwatiri.” Uye vachava vanozvipupurira pachezvavo, kuti zvirokwazvo vakanga vasiri vatendi
Surah Al-Araf, Verse 37
قَالَ ٱدۡخُلُواْ فِيٓ أُمَمٖ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِكُم مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِ فِي ٱلنَّارِۖ كُلَّمَا دَخَلَتۡ أُمَّةٞ لَّعَنَتۡ أُخۡتَهَاۖ حَتَّىٰٓ إِذَا ٱدَّارَكُواْ فِيهَا جَمِيعٗا قَالَتۡ أُخۡرَىٰهُمۡ لِأُولَىٰهُمۡ رَبَّنَا هَـٰٓؤُلَآءِ أَضَلُّونَا فَـَٔاتِهِمۡ عَذَابٗا ضِعۡفٗا مِّنَ ٱلنَّارِۖ قَالَ لِكُلّٖ ضِعۡفٞ وَلَٰكِن لَّا تَعۡلَمُونَ
(Allah) Vachati: “Pindai muzvikwata zvemapoka evakanga varipo musati mavepo evanhu neJinn mumoto.” Pose panopinda boka idzva, richatuka rimwe raro rakapfuura, kusvika vaunganidzwa vose mumoto. Vekupedzisira vavo vachati kune vekutanga vavo: “Tenzi vedu! Ava ndivo vakatirasisa, naizvozvo vapei mutongo wakapetwa kaviri kubva kumoto.” Vachati (Allah): “Umwe neumwe ane (mutongo) wakapetwa kaviri asi hamuzivi.”
Surah Al-Araf, Verse 38
وَقَالَتۡ أُولَىٰهُمۡ لِأُخۡرَىٰهُمۡ فَمَا كَانَ لَكُمۡ عَلَيۡنَا مِن فَضۡلٖ فَذُوقُواْ ٱلۡعَذَابَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡسِبُونَ
Vekutanga vavo vachati kune vekupedzisira vavo: “Makanga musiri nani panesu, naizvozvo ravirai mutongo nokuda kwezvamaiwana.”
Surah Al-Araf, Verse 39
إِنَّ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَٱسۡتَكۡبَرُواْ عَنۡهَا لَا تُفَتَّحُ لَهُمۡ أَبۡوَٰبُ ٱلسَّمَآءِ وَلَا يَدۡخُلُونَ ٱلۡجَنَّةَ حَتَّىٰ يَلِجَ ٱلۡجَمَلُ فِي سَمِّ ٱلۡخِيَاطِۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُجۡرِمِينَ
Zvirokwazvo, avo vanoramba zviratidzo zvedu uye vozvitutumadza mazviri, havazombozarurirwi misuwo yekudenga, uye havazombopindi Paradhiso kusvikira ngamera yapinda nepaburi retsono (izvo zvisingaitiki). Saizvozvo tinobhadhara vatadzi
Surah Al-Araf, Verse 40
لَهُم مِّن جَهَنَّمَ مِهَادٞ وَمِن فَوۡقِهِمۡ غَوَاشٖۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلظَّـٰلِمِينَ
Vachave nemubhedha wemoto, uye pamusoro pavo pachave nezvifukidzo zvemoto. Saizvozvo tinobhadhara vanoita mabasa akaipa
Surah Al-Araf, Verse 41
وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ لَا نُكَلِّفُ نَفۡسًا إِلَّا وُسۡعَهَآ أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ
Asi avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah), uye voita mabasa akanaka, hatipi munhu mutoro kusara kwewaanokwanisa kutakura, ivavo vachava vagari vekuParadhiso. Vachagara imomo zvachose
Surah Al-Araf, Verse 42
وَنَزَعۡنَا مَا فِي صُدُورِهِم مِّنۡ غِلّٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهِمُ ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ وَقَالُواْ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي هَدَىٰنَا لِهَٰذَا وَمَا كُنَّا لِنَهۡتَدِيَ لَوۡلَآ أَنۡ هَدَىٰنَا ٱللَّهُۖ لَقَدۡ جَآءَتۡ رُسُلُ رَبِّنَا بِٱلۡحَقِّۖ وَنُودُوٓاْ أَن تِلۡكُمُ ٱلۡجَنَّةُ أُورِثۡتُمُوهَا بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Uye tichabvisa ruvengo mumoyo yavo (rwavakanga vainaro muhupenyu hwepano pasi); nzizi dzichiyerera pasi pavo, uye vachati: “Kurumbidzwa nekutenda kwose ngakuve kuna Allah, avo vakatitungamirira kune izvi, tingadai tisina kuwana nhungamiro, dai Allah vasina kutitungamirira! Zvirokwazvo, vatumwa vaTenzi vedu vakava vanouya nechokwadi.” Uye zvichave zvinoshevedzerwa kwavari: “Iri ndiro Paradhiso ramuchagara senhaka nokuda kweizvo zvamaiita.”
Surah Al-Araf, Verse 43
وَنَادَىٰٓ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ أَصۡحَٰبَ ٱلنَّارِ أَن قَدۡ وَجَدۡنَا مَا وَعَدَنَا رَبُّنَا حَقّٗا فَهَلۡ وَجَدتُّم مَّا وَعَدَ رَبُّكُمۡ حَقّٗاۖ قَالُواْ نَعَمۡۚ فَأَذَّنَ مُؤَذِّنُۢ بَيۡنَهُمۡ أَن لَّعۡنَةُ ٱللَّهِ عَلَى ٱلظَّـٰلِمِينَ
Uye vagari vemuParadhiso vachashevedzera kune vagari vemumoto (vachiti): “Tave tinowana zviri chokwadi izvo Tenzi vedu zvavakativimbisa; mave munowana zviri chokwadi here izvo Tenzi venyu zvavakakuvimbisai?” Vachati (vagari vemumoto): “Hongu.” Nokudaro mushevedzeri pakati pavo achashevedzera: “Kurengera kwaAllah kuri pane vatadzi.”
Surah Al-Araf, Verse 44
ٱلَّذِينَ يَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَيَبۡغُونَهَا عِوَجٗا وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ كَٰفِرُونَ
Avo vaidzivirira (vanhu) kubva munzira yaAllah, uye vachitsvaga nzira dzokuiipisa, uye vakanga vasingatendi muhupenyu hunotevera
Surah Al-Araf, Verse 45
وَبَيۡنَهُمَا حِجَابٞۚ وَعَلَى ٱلۡأَعۡرَافِ رِجَالٞ يَعۡرِفُونَ كُلَّۢا بِسِيمَىٰهُمۡۚ وَنَادَوۡاْ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ أَن سَلَٰمٌ عَلَيۡكُمۡۚ لَمۡ يَدۡخُلُوهَا وَهُمۡ يَطۡمَعُونَ
Uye pakati pavo pachava nemupingo (Hijaab) uye paAl-A’raaf (pamudhuri murefu refu) pachange pane vanhu (mabasa avo akanaka neakaipa achange akaenzana pachikero), vachange vachiziva vose (vagari vemuParadhiso uye vemumoto) nenharidzo dzavo (vagari vekuParadhiso nezviso zvavo zvakachena, uye vagari vekumoto nezviso zvavo zvakasviba). Uye vachashevedzera kuvagari vekuParadhsio vachiti: “Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri)”, uye panguva iyoyo ivo (vanhu vepamudhuri murefu) vanenge vasati varipinda (Paradhiso), asi vaine tarisiro yokuripinda
Surah Al-Araf, Verse 46
۞وَإِذَا صُرِفَتۡ أَبۡصَٰرُهُمۡ تِلۡقَآءَ أَصۡحَٰبِ ٱلنَّارِ قَالُواْ رَبَّنَا لَا تَجۡعَلۡنَا مَعَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ
Uye maziso avo paacharatidzwa kuvagari vekumoto, vachati: “Tenzi vedu! Musave munotiisa pamwechete nevatadzi.”
Surah Al-Araf, Verse 47
وَنَادَىٰٓ أَصۡحَٰبُ ٱلۡأَعۡرَافِ رِجَالٗا يَعۡرِفُونَهُم بِسِيمَىٰهُمۡ قَالُواْ مَآ أَغۡنَىٰ عَنكُمۡ جَمۡعُكُمۡ وَمَا كُنتُمۡ تَسۡتَكۡبِرُونَ
Uye vanhu vepaAl-A’raaf (mudhuri murefu) vachashevedzera kune vanhu vavachaziva nokuda kwenharidzo dzavo vachiti: “Chii chamawana nohuwandu hwenyu (uye nehupfumi wakawanda), uye nokuzvitutumadza kwenyu?”
Surah Al-Araf, Verse 48
أَهَـٰٓؤُلَآءِ ٱلَّذِينَ أَقۡسَمۡتُمۡ لَا يَنَالُهُمُ ٱللَّهُ بِرَحۡمَةٍۚ ٱدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ لَا خَوۡفٌ عَلَيۡكُمۡ وَلَآ أَنتُمۡ تَحۡزَنُونَ
Ndivo here, avo veavo vamaipikira kuti Allah havasi kuzovaratidza tsitsi? (Tarisai! Zvakanzi kwavari): “Pindai muParadhiso, hapana kutya kuchave kwamuri, kana kubatikana.”
Surah Al-Araf, Verse 49
وَنَادَىٰٓ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ أَنۡ أَفِيضُواْ عَلَيۡنَا مِنَ ٱلۡمَآءِ أَوۡ مِمَّا رَزَقَكُمُ ٱللَّهُۚ قَالُوٓاْ إِنَّ ٱللَّهَ حَرَّمَهُمَا عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ
Uye vagari vekumoto vachashevedzera kuvagari vekuParadhsio: “Dirai mvura matiri kana chii zvacho chamakapihwa naAllah.” Vachati (vagari vemuParadhiso): “Zvirokwazvo, Allah vakave vanozvirambidza kune avo vasingatendi.”
Surah Al-Araf, Verse 50
ٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ دِينَهُمۡ لَهۡوٗا وَلَعِبٗا وَغَرَّتۡهُمُ ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَاۚ فَٱلۡيَوۡمَ نَنسَىٰهُمۡ كَمَا نَسُواْ لِقَآءَ يَوۡمِهِمۡ هَٰذَا وَمَا كَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يَجۡحَدُونَ
“Avo vaitora zvitendero zvavo semuvaraidzo uye sechinhu chekutamba nacho, uye hupenyu hwepano pasi hwakavanyengedza.” Naizvozvo zuva rino tichavakanganwa sekukanganwa kwavakaita kusangana kwezuva rino, uye nekuramba kwavaiita zviratidzo zvedu
Surah Al-Araf, Verse 51
وَلَقَدۡ جِئۡنَٰهُم بِكِتَٰبٖ فَصَّلۡنَٰهُ عَلَىٰ عِلۡمٍ هُدٗى وَرَحۡمَةٗ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Zvirokwazvo, takava tinovaunzira Gwaro (Qur’aan) ratakatsanangura zvizere neruzivo, nhungamiri uye setsitsi kune vanhu vanotenda
Surah Al-Araf, Verse 52
هَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا تَأۡوِيلَهُۥۚ يَوۡمَ يَأۡتِي تَأۡوِيلُهُۥ يَقُولُ ٱلَّذِينَ نَسُوهُ مِن قَبۡلُ قَدۡ جَآءَتۡ رُسُلُ رَبِّنَا بِٱلۡحَقِّ فَهَل لَّنَا مِن شُفَعَآءَ فَيَشۡفَعُواْ لَنَآ أَوۡ نُرَدُّ فَنَعۡمَلَ غَيۡرَ ٱلَّذِي كُنَّا نَعۡمَلُۚ قَدۡ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ
Pane chavangamirire here kunze kwemagumo azvo? Zuva richauya kuzadzikiswa kwemagumo, avo vaimborifuratira mushure vachati: “Zvirokwazvo, vatumwa vaTenzi vedu vakauya nechokwadi, iyezvino pane vamiriri vedu here kuti vave vanotimirira? Kana kuti tingadzorerwe here (panyika) kuti tinoita mabasa (akanaka) kwete ayo (akaipa) ataimboita?” Zvirokwazvo, vakave vanorasikirwa (vakazviparadza) pachezvavo, uye neizvo zvavaiwedzeredza (kunamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah) zvave zvinoshaika kwavari
Surah Al-Araf, Verse 53
إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يُغۡشِي ٱلَّيۡلَ ٱلنَّهَارَ يَطۡلُبُهُۥ حَثِيثٗا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ وَٱلنُّجُومَ مُسَخَّرَٰتِۭ بِأَمۡرِهِۦٓۗ أَلَا لَهُ ٱلۡخَلۡقُ وَٱلۡأَمۡرُۗ تَبَارَكَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndiAllah, avo vakave vanosika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakabva vazvigadza pachigaro chehumambo (nenzira inoenderana nehumambo hwavo). Vanounza usiku kuti uve unofugidza masikati, uchiwatsvaga nekukurumidza, uye (vakasika) zuva, mwedzi, nyenyedzi dzichitevedzera mirairo yavo. Zvirokwazvo, ndivo muridzi wekusika nemirairo. Vakakomborerwa ndiAllah, Tenzi vepasi rose
Surah Al-Araf, Verse 54
ٱدۡعُواْ رَبَّكُمۡ تَضَرُّعٗا وَخُفۡيَةًۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُعۡتَدِينَ
Deedzai (namatai) Tenzi venyu zvine kuzvininipisa uye chinyararire. Havadi avo vanodarikidza mwero
Surah Al-Araf, Verse 55
وَلَا تُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ بَعۡدَ إِصۡلَٰحِهَا وَٱدۡعُوهُ خَوۡفٗا وَطَمَعًاۚ إِنَّ رَحۡمَتَ ٱللَّهِ قَرِيبٞ مِّنَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Musava munoita huori panyika, mushure mekunge pagadziridzwa, uye vadaidzei (Allah) mune kutya netarisiro. Zvirokwazvo, tsitsi dzaAllah dziri pedyo peavo vanoita zvakanaka
Surah Al-Araf, Verse 56
وَهُوَ ٱلَّذِي يُرۡسِلُ ٱلرِّيَٰحَ بُشۡرَۢا بَيۡنَ يَدَيۡ رَحۡمَتِهِۦۖ حَتَّىٰٓ إِذَآ أَقَلَّتۡ سَحَابٗا ثِقَالٗا سُقۡنَٰهُ لِبَلَدٖ مَّيِّتٖ فَأَنزَلۡنَا بِهِ ٱلۡمَآءَ فَأَخۡرَجۡنَا بِهِۦ مِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِۚ كَذَٰلِكَ نُخۡرِجُ ٱلۡمَوۡتَىٰ لَعَلَّكُمۡ تَذَكَّرُونَ
Zvirokwazvo, ndivo vanotumira mhepo ichiratidza rombo ranaka pamberi petsitsi dzavo (mvura). Kusvikira yatakura makore akaremerwa (nemvura), tinowatumira kune nzvimbo iyo yakaoma, uye tinokonzera mvura kuti ive inodzika ikoko. Uye tinoburitsa nayo (mvura) mhando yese yemichero. Saizvozvo tichave tinomutsa avo vakafa, kuti mungava munorangarira
Surah Al-Araf, Verse 57
وَٱلۡبَلَدُ ٱلطَّيِّبُ يَخۡرُجُ نَبَاتُهُۥ بِإِذۡنِ رَبِّهِۦۖ وَٱلَّذِي خَبُثَ لَا يَخۡرُجُ إِلَّا نَكِدٗاۚ كَذَٰلِكَ نُصَرِّفُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٖ يَشۡكُرُونَ
Uye ivhu rakanaka zvirimwa zvaro zvinobuda nemvumo yaTenzi wazvo; uye iro rakashata hazvibudi kusara (kwezvishoma) zvichinetseka. Kudaro tinotsanangura zviratidzo zvedu zvakawanda kune vanhu vanotenda
Surah Al-Araf, Verse 58
لَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا نُوحًا إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ فَقَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓ إِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٖ
Zvirokwazvo, takava tinotumira Nowa kuvanhu vake, uye akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo. Zvechokwadi ndinokutyirai mutongo wezuva guru (Qiyaamah)!”
Surah Al-Araf, Verse 59
قَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِهِۦٓ إِنَّا لَنَرَىٰكَ فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ
Vatungamiriri vevanhu vake vakati: “Zvirokwazvo, tinoona kuti wakarasika zviri pachena.”
Surah Al-Araf, Verse 60
قَالَ يَٰقَوۡمِ لَيۡسَ بِي ضَلَٰلَةٞ وَلَٰكِنِّي رَسُولٞ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
(Nowa) Akati: “Imi vanhu vanhu! Hapana kurasika mandiri, asi ndiri mutumwa kubva kuna Tenzi vepasi rose!”
Surah Al-Araf, Verse 61
أُبَلِّغُكُمۡ رِسَٰلَٰتِ رَبِّي وَأَنصَحُ لَكُمۡ وَأَعۡلَمُ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ
“Ndirikusvitsa kwamuri mashoko aTenzi vangu, uye ndichikupai yambiro yakanaka. Uye ndinoziva kubva kuna Allah izvo zvamusingazivi.”
Surah Al-Araf, Verse 62
أَوَعَجِبۡتُمۡ أَن جَآءَكُمۡ ذِكۡرٞ مِّن رَّبِّكُمۡ عَلَىٰ رَجُلٖ مِّنكُمۡ لِيُنذِرَكُمۡ وَلِتَتَّقُواْ وَلَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ
“Munoshamiswa here kuti kwauya yeuchidzo kubva kuna Tenzi venyu kuburikidza nemurume pakati penyu, kuti akuyambirei kuti mungave munotya Allah, uye kuti zvimwe mungagamuchire nyasha dzavo?”
Surah Al-Araf, Verse 63
فَكَذَّبُوهُ فَأَنجَيۡنَٰهُ وَٱلَّذِينَ مَعَهُۥ فِي ٱلۡفُلۡكِ وَأَغۡرَقۡنَا ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَآۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمًا عَمِينَ
Asi vakamuramba, saka takamununura pamwechete neavo vaiva naye mungarava, uye takanyudza (mumvura) avo vakaramba zviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, vakanga vari mapofu
Surah Al-Araf, Verse 64
۞وَإِلَىٰ عَادٍ أَخَاهُمۡ هُودٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۚ أَفَلَا تَتَّقُونَ
Uye kumaAad takatumira mukoma wavo Hud. Akati (Hud): “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Ko hamutyi (Allah) here?”
Surah Al-Araf, Verse 65
قَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦٓ إِنَّا لَنَرَىٰكَ فِي سَفَاهَةٖ وَإِنَّا لَنَظُنُّكَ مِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ
Vatungamiriri veavo vaisatenda kubva kuvanhu vake vakati: “Zvirokwazvo, tinokuona uri muurema (ubenzi), uye zvirokwazvo, tinofunga kuti uri mumwe wevanyepi.”
Surah Al-Araf, Verse 66
قَالَ يَٰقَوۡمِ لَيۡسَ بِي سَفَاهَةٞ وَلَٰكِنِّي رَسُولٞ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
(Hud) Akati: “Imi vanhu vanhu! Hamuna urema mandiri, asi ndiri mutumwa kubva kuna Tenzi vepasi rose.”
Surah Al-Araf, Verse 67
أُبَلِّغُكُمۡ رِسَٰلَٰتِ رَبِّي وَأَنَا۠ لَكُمۡ نَاصِحٌ أَمِينٌ
“Ndirikusvitsa kwamuri mashoko aTenzi vangu, uye ndiri muyambiri akavimbika kwamuri.”
Surah Al-Araf, Verse 68
أَوَعَجِبۡتُمۡ أَن جَآءَكُمۡ ذِكۡرٞ مِّن رَّبِّكُمۡ عَلَىٰ رَجُلٖ مِّنكُمۡ لِيُنذِرَكُمۡۚ وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ جَعَلَكُمۡ خُلَفَآءَ مِنۢ بَعۡدِ قَوۡمِ نُوحٖ وَزَادَكُمۡ فِي ٱلۡخَلۡقِ بَصۜۡطَةٗۖ فَٱذۡكُرُوٓاْ ءَالَآءَ ٱللَّهِ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ
“Munoshamiswa here kuti kwauya yeuchidzo kwamuri kubva kuna Tenzi venyu kuburikidza nemurume pakati penyu kuti akuyambirei? Uye yeukai kuti (Allah) vakakuitai vatevedzeri mushure mevanhu vaNowa, uye vakakuwedzerai muzvimiro. Naizvozvo rangarirai nyasha dzaAllah kuti muve munobudirira.”
Surah Al-Araf, Verse 69
قَالُوٓاْ أَجِئۡتَنَا لِنَعۡبُدَ ٱللَّهَ وَحۡدَهُۥ وَنَذَرَ مَا كَانَ يَعۡبُدُ ءَابَآؤُنَا فَأۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ
Vakati: “Wauya kwatiri kuti tive tinonamata Allah voga uye tosiya izvo zvainamatwa nemadzibaba edu here? Saka tiunzire izvo zvauri kutivimbisa kana uri mumwe wevanotaura chokwadi.”
Surah Al-Araf, Verse 70
قَالَ قَدۡ وَقَعَ عَلَيۡكُم مِّن رَّبِّكُمۡ رِجۡسٞ وَغَضَبٌۖ أَتُجَٰدِلُونَنِي فِيٓ أَسۡمَآءٖ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّا نَزَّلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٖۚ فَٱنتَظِرُوٓاْ إِنِّي مَعَكُم مِّنَ ٱلۡمُنتَظِرِينَ
(Hud) Akati: “Marwadzo uye kutsamwa kwave kunokuwirai kubva kuna Tenzi venyu. Munopokana neni here pamusoro pemazita amakadoma, imi nemadzibaba enyu, zvisina mvumo kubva kuna Allah? Naizvozvo mirirai, ndinemi pane avo vanomirira.”
Surah Al-Araf, Verse 71
فَأَنجَيۡنَٰهُ وَٱلَّذِينَ مَعَهُۥ بِرَحۡمَةٖ مِّنَّا وَقَطَعۡنَا دَابِرَ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَاۖ وَمَا كَانُواْ مُؤۡمِنِينَ
Naizvozvo takamununura pamwechete neavo vaiva naye nokuda kwetsitsi kubva kwatiri, uye takadambura midzi yeavo vairamba zviratidzo zvedu, uye vakanga vasiri vatendi
Surah Al-Araf, Verse 72
وَإِلَىٰ ثَمُودَ أَخَاهُمۡ صَٰلِحٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ قَدۡ جَآءَتۡكُم بَيِّنَةٞ مِّن رَّبِّكُمۡۖ هَٰذِهِۦ نَاقَةُ ٱللَّهِ لَكُمۡ ءَايَةٗۖ فَذَرُوهَا تَأۡكُلۡ فِيٓ أَرۡضِ ٱللَّهِۖ وَلَا تَمَسُّوهَا بِسُوٓءٖ فَيَأۡخُذَكُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Uye kumaThamood, takava tinotumira mukoma wavo Swaalih. Akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Zvirokwazvo, kwave kunouya kwamuri chiratidzo chiri pachena (kubuda kwengamera hombe kubva mugomo) kubva kuna Tenzi venyu. Ngamera hadzi iyi yaAllah chiratidzo kwamuri. Nokudaro iregei ichifura munyika yaAllah, uye hamufaniri kuikanganisa, kana kuti mungangowanikwa nomutongo mukuru.”
Surah Al-Araf, Verse 73
وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ جَعَلَكُمۡ خُلَفَآءَ مِنۢ بَعۡدِ عَادٖ وَبَوَّأَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ تَتَّخِذُونَ مِن سُهُولِهَا قُصُورٗا وَتَنۡحِتُونَ ٱلۡجِبَالَ بُيُوتٗاۖ فَٱذۡكُرُوٓاْ ءَالَآءَ ٱللَّهِ وَلَا تَعۡثَوۡاْ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُفۡسِدِينَ
“Uye rangarirai pavakakuitai vatevedzeri mushure memaAad (vanhu verudzi rwemaAad) uye vakakupai pekugara munyika, mukava munovaka dzimba mumabani, uye mukagadzira dzimba mumakomo. Naizvozvo rangarirai nyasha dzaAllah (makomborero aAllah), uye musave munotenderera muchikonzera huori panyika.”
Surah Al-Araf, Verse 74
قَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ لِلَّذِينَ ٱسۡتُضۡعِفُواْ لِمَنۡ ءَامَنَ مِنۡهُمۡ أَتَعۡلَمُونَ أَنَّ صَٰلِحٗا مُّرۡسَلٞ مِّن رَّبِّهِۦۚ قَالُوٓاْ إِنَّا بِمَآ أُرۡسِلَ بِهِۦ مُؤۡمِنُونَ
Vatungamiriri veavo vakanga vachizvitutumadza kubva muvanhu vake vakati kune avo vainge vasina simba, kune avo vaitenda: “Munozviziva here kuti Swaalih ave anotumwa naTenzi vake?” Vakati: “Zvirokwazvo, tinotenda muneizvo zvaakatumwa nazvo.”
Surah Al-Araf, Verse 75
قَالَ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُوٓاْ إِنَّا بِٱلَّذِيٓ ءَامَنتُم بِهِۦ كَٰفِرُونَ
Avo vaizvitutumadza vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi mune izvo zvamuri kutenda mazviri.”
Surah Al-Araf, Verse 76
فَعَقَرُواْ ٱلنَّاقَةَ وَعَتَوۡاْ عَنۡ أَمۡرِ رَبِّهِمۡ وَقَالُواْ يَٰصَٰلِحُ ٱئۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ
Naizvozvo vakave vanouraya ngamera hadzi iya, uye (nokuda kwekushaya hunhu) vakatyora mirairo yaTenzi vavo, uye vakati: “Iwe Swaalih! Chiunza izvo zvawaitivimbisa kana uri muzvirokwazvo mutumwa (hwaAllah).”
Surah Al-Araf, Verse 77
فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلرَّجۡفَةُ فَأَصۡبَحُواْ فِي دَارِهِمۡ جَٰثِمِينَ
Naizvozvo kundengendeka kwenyika kwakavabata, vakasiiwa vakatambarara vakapfugama mudzimba dzavo (misoro yavo yakatarisa pasi)
Surah Al-Araf, Verse 78
فَتَوَلَّىٰ عَنۡهُمۡ وَقَالَ يَٰقَوۡمِ لَقَدۡ أَبۡلَغۡتُكُمۡ رِسَالَةَ رَبِّي وَنَصَحۡتُ لَكُمۡ وَلَٰكِن لَّا تُحِبُّونَ ٱلنَّـٰصِحِينَ
Nokudaro (Swaalih) akavafuratira, uye akati: “Imi vanhu vangu! Ndakave ndinosvitsa mashoko aTenzi vangu kwamuri, uye ndikakupai yambiro yakanaka asi hamudi vanoyambira zvakanaka.”
Surah Al-Araf, Verse 79
وَلُوطًا إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦٓ أَتَأۡتُونَ ٱلۡفَٰحِشَةَ مَا سَبَقَكُم بِهَا مِنۡ أَحَدٖ مِّنَ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Uye (rangarirai) Loti, paakati kuvanhu vake: “Munoita here chitadzo chakaipisisa chisina kumboitwa mushure menyu nani zvake pasi rose?”
Surah Al-Araf, Verse 80
إِنَّكُمۡ لَتَأۡتُونَ ٱلرِّجَالَ شَهۡوَةٗ مِّن دُونِ ٱلنِّسَآءِۚ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٞ مُّسۡرِفُونَ
“Zvirokwazvo, munopedzera shungu dzenyu kuvarume (pabonde) muchisiya vakadzi. Saka muri vanhu vanodarikidza mwero.”
Surah Al-Araf, Verse 81
وَمَا كَانَ جَوَابَ قَوۡمِهِۦٓ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ أَخۡرِجُوهُم مِّن قَرۡيَتِكُمۡۖ إِنَّهُمۡ أُنَاسٞ يَتَطَهَّرُونَ
Uye havana mhinduro yavakapa kusara kwekuti: “Vaburitsei muguta renyu, zvirokwazvo, ava vanhu vanoda kuzvichenura (kubva muzvitadzo)!”
Surah Al-Araf, Verse 82
فَأَنجَيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥٓ إِلَّا ٱمۡرَأَتَهُۥ كَانَتۡ مِنَ ٱلۡغَٰبِرِينَ
Naizvozvo, takamuchengetedza iye nemhuri yake, kusara kwemukadzi wake, akanga ari mumwe weavo vakasara (vachipihwa mutongo)
Surah Al-Araf, Verse 83
وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهِم مَّطَرٗاۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُجۡرِمِينَ
Uye takava tinonaisa kwavari mvura (yematombo). Naizvozvo cherechedzai kuti akange akaita sei magumo evapari vemhosva (vatadzi)
Surah Al-Araf, Verse 84
وَإِلَىٰ مَدۡيَنَ أَخَاهُمۡ شُعَيۡبٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ قَدۡ جَآءَتۡكُم بَيِّنَةٞ مِّن رَّبِّكُمۡۖ فَأَوۡفُواْ ٱلۡكَيۡلَ وَٱلۡمِيزَانَ وَلَا تَبۡخَسُواْ ٱلنَّاسَ أَشۡيَآءَهُمۡ وَلَا تُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ بَعۡدَ إِصۡلَٰحِهَاۚ ذَٰلِكُمۡ خَيۡرٞ لَّكُمۡ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ
Uye ku (vanhu veku) Madyan, takava tinotumira mukoma wavo Shuaib. Akati kwavari: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Zvirokwazvo, humboo huri pachena hwave hunouya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo ipai chiero chakakwana uye neuremu hwakakwana, uye musave munokanganisira vanhu muzvinhu zvavo, uye musave munokonzeresa zvakaipa munyika mushure mekunge yagadziriswa, izvi zvinova zvakanaka kwamuri kana muri vatendi.”
Surah Al-Araf, Verse 85
وَلَا تَقۡعُدُواْ بِكُلِّ صِرَٰطٖ تُوعِدُونَ وَتَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ مَنۡ ءَامَنَ بِهِۦ وَتَبۡغُونَهَا عِوَجٗاۚ وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ كُنتُمۡ قَلِيلٗا فَكَثَّرَكُمۡۖ وَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُفۡسِدِينَ
“Uye musava munogara munzira dzose, mutyityidzira uye muchidzivirira kubva munzira yaAllah avo vanotenda mavari, uye muchitsvaga nzira dzokuiipisa. Uye rangarirai pamakanga muri vashoma, uye vakakuitai kuti muwande. Uye cherechedzai kuti akange akaita sei magumo eavo vaiita huori (zvakaipa, mhirizhonga).”
Surah Al-Araf, Verse 86
وَإِن كَانَ طَآئِفَةٞ مِّنكُمۡ ءَامَنُواْ بِٱلَّذِيٓ أُرۡسِلۡتُ بِهِۦ وَطَآئِفَةٞ لَّمۡ يُؤۡمِنُواْ فَٱصۡبِرُواْ حَتَّىٰ يَحۡكُمَ ٱللَّهُ بَيۡنَنَاۚ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلۡحَٰكِمِينَ
“Uye kana paine boka pakati penyu rinotenda mune izvo zvandakatumwa uye neiro risingatendi, naizvozvo ivai munotsungirira kusvika Allah vave vanotonga pakati pedu, uye ndivo mutongi wepamusoro-soro.”
Surah Al-Araf, Verse 87
۞قَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ لَنُخۡرِجَنَّكَ يَٰشُعَيۡبُ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مَعَكَ مِن قَرۡيَتِنَآ أَوۡ لَتَعُودُنَّ فِي مِلَّتِنَاۚ قَالَ أَوَلَوۡ كُنَّا كَٰرِهِينَ
Madzimambo eavo vaizvitutumadza kubva muvanhu vake vakati: “Zvirokwazvo, tichakudzinga, iwe Shuaib, pamwechete neavo vakatenda newe kubva mudhorobha redu, kana kuti zvirokwazvo muchava munodzokera kuchitendero chedu.” Akati: “Kunyange tichizvivenga?”
Surah Al-Araf, Verse 88
قَدِ ٱفۡتَرَيۡنَا عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا إِنۡ عُدۡنَا فِي مِلَّتِكُم بَعۡدَ إِذۡ نَجَّىٰنَا ٱللَّهُ مِنۡهَاۚ وَمَا يَكُونُ لَنَآ أَن نَّعُودَ فِيهَآ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُ رَبُّنَاۚ وَسِعَ رَبُّنَا كُلَّ شَيۡءٍ عِلۡمًاۚ عَلَى ٱللَّهِ تَوَكَّلۡنَاۚ رَبَّنَا ٱفۡتَحۡ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَ قَوۡمِنَا بِٱلۡحَقِّ وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡفَٰتِحِينَ
“Zvirokwazvo tinenge tagadzira manyepo pamusoro paAllah kana tikadzokera kuchitendero chenyu, mushure mekunge Allah vatinunura kubva machiri (chitendero). Uye hazvisi zvedu kuti tive tinodzokera kwachiri kunze kwekuti Allah, Tenzi vedu, vachida. Tenzi vedu vane ruzivo rwezvose (ruzivo rwavo rwunokunda zvose). Kuna Allah tinoisa vimbo yedu. Tenzi vedu! Tongai pakati pedu nevanhu vedu muchokwadi, uye muri pamusoro peavo vanopa mutongo.”
Surah Al-Araf, Verse 89
وَقَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ لَئِنِ ٱتَّبَعۡتُمۡ شُعَيۡبًا إِنَّكُمۡ إِذٗا لَّخَٰسِرُونَ
Madzimambo eavo vaisatenda kubva muvanhu vake vakati (kuvanhu vavo): “Mukatevera Shuaib, zvirokwazvo, muchava vanhu vakarasikirwa!”
Surah Al-Araf, Verse 90
فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلرَّجۡفَةُ فَأَصۡبَحُواْ فِي دَارِهِمۡ جَٰثِمِينَ
Naizvozvo kundengendeka kwenyika kwakavabata vakasiiwa vakatambarara vakapfugama mudzimba dzavo (misoro yavo yakatarisa pasi)
Surah Al-Araf, Verse 91
ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ شُعَيۡبٗا كَأَن لَّمۡ يَغۡنَوۡاْ فِيهَاۚ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ شُعَيۡبٗا كَانُواْ هُمُ ٱلۡخَٰسِرِينَ
Avo vakaramba Shuaib, vakaita sekunge havana kunge vagara imomo (mudzimba dzavo). Avo vakaramba Shuaib vakave vanhu vakarasikirwa
Surah Al-Araf, Verse 92
فَتَوَلَّىٰ عَنۡهُمۡ وَقَالَ يَٰقَوۡمِ لَقَدۡ أَبۡلَغۡتُكُمۡ رِسَٰلَٰتِ رَبِّي وَنَصَحۡتُ لَكُمۡۖ فَكَيۡفَ ءَاسَىٰ عَلَىٰ قَوۡمٖ كَٰفِرِينَ
Zvakare (Shuaib) akavafuratira, uye akati: “Imi vanhu vangu! Ndakave zvirokwazvo ndinosvitsa mashoko aTenzi vangu kwamuri uye ndakave ndinokuyambirai. Naizvozvo ndingashushikane sei neavo vanhu vasingatendi.”
Surah Al-Araf, Verse 93
وَمَآ أَرۡسَلۡنَا فِي قَرۡيَةٖ مِّن نَّبِيٍّ إِلَّآ أَخَذۡنَآ أَهۡلَهَا بِٱلۡبَأۡسَآءِ وَٱلضَّرَّآءِ لَعَلَّهُمۡ يَضَّرَّعُونَ
Uye hatina kutumira muporofita kudhorobha ripi zvaro (vakave vanomuramba), kusara kwekuti takavaranga vanhu varo kuburikidza nenhamo yakanyanyisa uye kurasikirwa neutano, kuti zvimwe vangazvininipise pachezvavo (uye vokumbira ruregerero kuna Allah)
Surah Al-Araf, Verse 94
ثُمَّ بَدَّلۡنَا مَكَانَ ٱلسَّيِّئَةِ ٱلۡحَسَنَةَ حَتَّىٰ عَفَواْ وَّقَالُواْ قَدۡ مَسَّ ءَابَآءَنَا ٱلضَّرَّآءُ وَٱلسَّرَّآءُ فَأَخَذۡنَٰهُم بَغۡتَةٗ وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ
Mushure maizvozvo, takashandura zvakaipa kuve zvakanaka, kusvikira vawedzera muhuwandu uye neupfumi, uye vakati: “Madzibaba edu akawirwa nezvakaipa pamwechete nezvakanaka.” Naizvozvo takavaparadza vasingafungiri
Surah Al-Araf, Verse 95
وَلَوۡ أَنَّ أَهۡلَ ٱلۡقُرَىٰٓ ءَامَنُواْ وَٱتَّقَوۡاْ لَفَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَرَكَٰتٖ مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَٰكِن كَذَّبُواْ فَأَخَذۡنَٰهُم بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ
Uye dai vanhu vemumadhorobha vakatenda uye nekutya (Allah), zvirokwazvo, dai takavazarurira makomborero kubva kudenga uye nepanyika, asi vakaramba (vatumwa). Nokudaro takavaranga pamusana peizvo zvavaiwana (kusatenda nezvitadzo)
Surah Al-Araf, Verse 96
أَفَأَمِنَ أَهۡلُ ٱلۡقُرَىٰٓ أَن يَأۡتِيَهُم بَأۡسُنَا بَيَٰتٗا وَهُمۡ نَآئِمُونَ
Saka vanhu vemumadhorobha vanonzwa kusununguka here kubva mukuuya kwemutongo wedu panguva dzemanheru apo pavanenge vakarara
Surah Al-Araf, Verse 97
أَوَأَمِنَ أَهۡلُ ٱلۡقُرَىٰٓ أَن يَأۡتِيَهُم بَأۡسُنَا ضُحٗى وَهُمۡ يَلۡعَبُونَ
Kana kuti vanhu vemumadhorobha vanonzwa kusununguka here kubva mukuuya kwemutongo wedu panguva dzemasikati apo pavanenge vachitamba
Surah Al-Araf, Verse 98
أَفَأَمِنُواْ مَكۡرَ ٱللَّهِۚ فَلَا يَأۡمَنُ مَكۡرَ ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ
Vanonzwa kusununguka here kubva muhurongwa hwaAllah? Hapana anonzwa kusununguka kubva muhurongwa hwaAllah, kusara kweavo vanhu vakarasikirwa
Surah Al-Araf, Verse 99
أَوَلَمۡ يَهۡدِ لِلَّذِينَ يَرِثُونَ ٱلۡأَرۡضَ مِنۢ بَعۡدِ أَهۡلِهَآ أَن لَّوۡ نَشَآءُ أَصَبۡنَٰهُم بِذُنُوبِهِمۡۚ وَنَطۡبَعُ عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ فَهُمۡ لَا يَسۡمَعُونَ
Hazvina kujeka here kune avo vakagara nyika nhaka mushure mevanhu vayo (vaivapo ivo vasati vavapo), kuti dai taida, tingadai takavaparadza nokuda kwezvivi zvavo. Uye tikava tinovhara moyo yavo kuti vasave vanonzwa
Surah Al-Araf, Verse 100
تِلۡكَ ٱلۡقُرَىٰ نَقُصُّ عَلَيۡكَ مِنۡ أَنۢبَآئِهَاۚ وَلَقَدۡ جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَمَا كَانُواْ لِيُؤۡمِنُواْ بِمَا كَذَّبُواْ مِن قَبۡلُۚ كَذَٰلِكَ يَطۡبَعُ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِ ٱلۡكَٰفِرِينَ
Ayo aiva madhorobha nyaya yavo tirikukuudza (Muhammad (SAW)). Uye zvirokwazvo, vatumwa vavo vakauya kwavari nehumboo uri pachena, asi havana kuve vanotenda mune zvavakaramba pakutanga. Saizvozvo, Allah vanovhara moyo yeavo vasingatendi
Surah Al-Araf, Verse 101
وَمَا وَجَدۡنَا لِأَكۡثَرِهِم مِّنۡ عَهۡدٖۖ وَإِن وَجَدۡنَآ أَكۡثَرَهُمۡ لَفَٰسِقِينَ
Uye vazhinji vavo, hatina kuwana chokwadi muzvitsidzo zvavo, asi vazhinji vavo takavaona zvirokwazvo vari vatadzi
Surah Al-Araf, Verse 102
ثُمَّ بَعَثۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِم مُّوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَآ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَظَلَمُواْ بِهَاۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُفۡسِدِينَ
Nokudaro, mushure mavo takatumira Musa nezviratidzo zvedu kuna Farawo nemadzishe ake, asi vakazviramba. Naizvozvo chionai kuti akange ari sei magumo evakonzeri venyonga-nyonga
Surah Al-Araf, Verse 103
وَقَالَ مُوسَىٰ يَٰفِرۡعَوۡنُ إِنِّي رَسُولٞ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Uye Musa akati: “Iwe Farawo! Zvirokwazvo, ndiri mutumwa kubva kuna Tenzi vepasi rose.”
Surah Al-Araf, Verse 104
حَقِيقٌ عَلَىٰٓ أَن لَّآ أَقُولَ عَلَى ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡحَقَّۚ قَدۡ جِئۡتُكُم بِبَيِّنَةٖ مِّن رَّبِّكُمۡ فَأَرۡسِلۡ مَعِيَ بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ
“Zvakakodzera kwandiri kuti hapana chandinotaura pamusoro paAllah kusara kwechokwadi. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu nehumboo uri pachena. Naizvozvo itai kuti vana veIzirairi vaende pamwechete neni.”
Surah Al-Araf, Verse 105
قَالَ إِن كُنتَ جِئۡتَ بِـَٔايَةٖ فَأۡتِ بِهَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ
(Farawo) Akati: “Kana wauya nechiratidzo, tiratidze, kana uri umwe weavo vanotaura chokwadi.”
Surah Al-Araf, Verse 106
فَأَلۡقَىٰ عَصَاهُ فَإِذَا هِيَ ثُعۡبَانٞ مُّبِينٞ
Nokudaro Musa akakanda tsvimbo yake, uye tarirai, yakasanduka kuva nyoka iri pachena
Surah Al-Araf, Verse 107
وَنَزَعَ يَدَهُۥ فَإِذَا هِيَ بَيۡضَآءُ لِلنَّـٰظِرِينَ
Akaburitsa ruoko rwake, uye tarirai, rwakava ruchena (nemwenje) kune vaiona
Surah Al-Araf, Verse 108
قَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِ فِرۡعَوۡنَ إِنَّ هَٰذَا لَسَٰحِرٌ عَلِيمٞ
Madzimambo kubva kuvanhu vaFarawo vakati: “Zvirokwazvo, iyi ihambura inoziva chaizvo.”
Surah Al-Araf, Verse 109
يُرِيدُ أَن يُخۡرِجَكُم مِّنۡ أَرۡضِكُمۡۖ فَمَاذَا تَأۡمُرُونَ
“Ari kuda kukuburitsai munyika yenyu, saka mune yambiro ipi?”
Surah Al-Araf, Verse 110
قَالُوٓاْ أَرۡجِهۡ وَأَخَاهُ وَأَرۡسِلۡ فِي ٱلۡمَدَآئِنِ حَٰشِرِينَ
Vakati: “Munonotse, iye namukoma wake, uye wotumira vashevedzeri kumaguta kunounganidza.”
Surah Al-Araf, Verse 111
يَأۡتُوكَ بِكُلِّ سَٰحِرٍ عَلِيمٖ
“Wouya kwauri nehambura dzinoziva chaizvo.”
Surah Al-Araf, Verse 112
وَجَآءَ ٱلسَّحَرَةُ فِرۡعَوۡنَ قَالُوٓاْ إِنَّ لَنَا لَأَجۡرًا إِن كُنَّا نَحۡنُ ٱلۡغَٰلِبِينَ
Uye, naizvozo hambura dzakauya kuna Farawo dzikati: “Zvirokwazvo, pane muripo kwatiri kana tave tinokunda?”
Surah Al-Araf, Verse 113
قَالَ نَعَمۡ وَإِنَّكُمۡ لَمِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ
(Farawo) Akati: “Hongu, muchave muri vanhu vepedyo (kwandiri).”
Surah Al-Araf, Verse 114
قَالُواْ يَٰمُوسَىٰٓ إِمَّآ أَن تُلۡقِيَ وَإِمَّآ أَن نَّكُونَ نَحۡنُ ٱلۡمُلۡقِينَ
Vakati: “Iwe Musa! Unokanda (pekutanga), kana isu tive tinokanda pekutanga?”
Surah Al-Araf, Verse 115
قَالَ أَلۡقُواْۖ فَلَمَّآ أَلۡقَوۡاْ سَحَرُوٓاْ أَعۡيُنَ ٱلنَّاسِ وَٱسۡتَرۡهَبُوهُمۡ وَجَآءُو بِسِحۡرٍ عَظِيمٖ
(Musa) Akati: “Tangai kukanda imi.” Uye pavakakanda vakashinhira maziso evanhu vachizadza garudzo (kutya) mavari, uye vakaratidza chitsinga chikuru
Surah Al-Araf, Verse 116
۞وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ أَنۡ أَلۡقِ عَصَاكَۖ فَإِذَا هِيَ تَلۡقَفُ مَا يَأۡفِكُونَ
Uye takave tinoti kuna Musa: “Kanda tsvimbo yako,” uye tarirai, yakamedza manyepo ose akanga aratidzwa (kuvanhu)
Surah Al-Araf, Verse 117
فَوَقَعَ ٱلۡحَقُّ وَبَطَلَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Ipapo chokwadi chakabva chabuda pachena, uye zvose zvavakaita zvakabva zvashaya basa
Surah Al-Araf, Verse 118
فَغُلِبُواْ هُنَالِكَ وَٱنقَلَبُواْ صَٰغِرِينَ
Nokudaro vakabva vakundwa ipapo uye vakabva vanyadziswa
Surah Al-Araf, Verse 119
وَأُلۡقِيَ ٱلسَّحَرَةُ سَٰجِدِينَ
Uye vatsinga vose vakabva vagwadama
Surah Al-Araf, Verse 120
قَالُوٓاْ ءَامَنَّا بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Vakati: “Tinotenda muna Tenzi vepasi rose.”
Surah Al-Araf, Verse 121
رَبِّ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ
“Tenzi vaMusa naAroni.”
Surah Al-Araf, Verse 122
قَالَ فِرۡعَوۡنُ ءَامَنتُم بِهِۦ قَبۡلَ أَنۡ ءَاذَنَ لَكُمۡۖ إِنَّ هَٰذَا لَمَكۡرٞ مَّكَرۡتُمُوهُ فِي ٱلۡمَدِينَةِ لِتُخۡرِجُواْ مِنۡهَآ أَهۡلَهَاۖ فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ
Farawo akati: “Matenda maari (Musa) ndisati ndakupai mvumo. Zvechokwadi, iri ndiro bangano ramaronga muguta kuti mubuditse vanhu vari mariri, asi muchazoziva zvenyu.”
Surah Al-Araf, Verse 123
لَأُقَطِّعَنَّ أَيۡدِيَكُمۡ وَأَرۡجُلَكُم مِّنۡ خِلَٰفٖ ثُمَّ لَأُصَلِّبَنَّكُمۡ أَجۡمَعِينَ
“Zvirokwazvo, ndichakudamburai maoko nemakumbo enyu kubva kumativi akasiyana (gumbo rekuruboshwe neruoko rekurudyi, kana kuti gumbo rekurudyi neruoko rwekuruboshwe) nekukurovererai mose (pamichinjikwa).”
Surah Al-Araf, Verse 124
قَالُوٓاْ إِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا مُنقَلِبُونَ
Vakati: “Zvirokwazvo, tinenge tichidzokera kuna Tenzi vedu.”
Surah Al-Araf, Verse 125
وَمَا تَنقِمُ مِنَّآ إِلَّآ أَنۡ ءَامَنَّا بِـَٔايَٰتِ رَبِّنَا لَمَّا جَآءَتۡنَاۚ رَبَّنَآ أَفۡرِغۡ عَلَيۡنَا صَبۡرٗا وَتَوَفَّنَا مُسۡلِمِينَ
“Uye unotora chitsividzo kwatiri nekuda kwekuti tatenda muzviratidzo zvaTenzi vedu mushure mekunge zvasvika kwatiri! Tenzi vedu! Ivai munoisa kutsungirira matiri, uye moita kuti tife tiri maMuslim (Vanozvipira kutevedzera mitemo yaAllah).”
Surah Al-Araf, Verse 126
وَقَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِ فِرۡعَوۡنَ أَتَذَرُ مُوسَىٰ وَقَوۡمَهُۥ لِيُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَيَذَرَكَ وَءَالِهَتَكَۚ قَالَ سَنُقَتِّلُ أَبۡنَآءَهُمۡ وَنَسۡتَحۡيِۦ نِسَآءَهُمۡ وَإِنَّا فَوۡقَهُمۡ قَٰهِرُونَ
Madzimambo kubva kuvanhu vaFarawo vakati: “Uchasiya here Musa nevanhu vake vachikonzera nyonga-nyonga panyika, uye vachisiya iwe nanamwari vako?” Akati: “Tichava tinouraya vanakomana vavo, uye tosiya vanasikana vavo, uye tine masimba asingatsiviki pamusoro pavo.”
Surah Al-Araf, Verse 127
قَالَ مُوسَىٰ لِقَوۡمِهِ ٱسۡتَعِينُواْ بِٱللَّهِ وَٱصۡبِرُوٓاْۖ إِنَّ ٱلۡأَرۡضَ لِلَّهِ يُورِثُهَا مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦۖ وَٱلۡعَٰقِبَةُ لِلۡمُتَّقِينَ
Musa akati kuvanhu vake: “Tsvagai rubatsiro kuna Allah uye mova munotsungirira. Zvirokwazvo, nyika ndeya Allah. Vanoipa senhaka kune uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo, uye magumo akanaka ndee avo vanotya Allah.”
Surah Al-Araf, Verse 128
قَالُوٓاْ أُوذِينَا مِن قَبۡلِ أَن تَأۡتِيَنَا وَمِنۢ بَعۡدِ مَا جِئۡتَنَاۚ قَالَ عَسَىٰ رَبُّكُمۡ أَن يُهۡلِكَ عَدُوَّكُمۡ وَيَسۡتَخۡلِفَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرَ كَيۡفَ تَعۡمَلُونَ
Vakati: “Isu (vana veIzirairi) takawirwa (takasangana) nematambudziko usati wauya kwatiri, uye kubva pawakauya kwatiri.” Akati: “Zvimwe Tenzi venyu vangangoparadza vavengi venyu, uye vokuitai vagari venhaka panyika, kuti vaone kuti munoshanda sei.”
Surah Al-Araf, Verse 129
وَلَقَدۡ أَخَذۡنَآ ءَالَ فِرۡعَوۡنَ بِٱلسِّنِينَ وَنَقۡصٖ مِّنَ ٱلثَّمَرَٰتِ لَعَلَّهُمۡ يَذَّكَّرُونَ
Uye zvirokwazvo takava tinorwadzisa vanhu vaFarawo nemakore enzara, nekushomeka kwemichero (zvirimwa), kuti zvimwe vangarangarira
Surah Al-Araf, Verse 130
فَإِذَا جَآءَتۡهُمُ ٱلۡحَسَنَةُ قَالُواْ لَنَا هَٰذِهِۦۖ وَإِن تُصِبۡهُمۡ سَيِّئَةٞ يَطَّيَّرُواْ بِمُوسَىٰ وَمَن مَّعَهُۥٓۗ أَلَآ إِنَّمَا طَـٰٓئِرُهُمۡ عِندَ ٱللَّهِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ
Asi pose paiuya chakanaka kwavari vaiti: “Izvi ndezvedu.” Uye vakawirwa nechakaipa vaichipomera kuminyama vakanangana naMusa neavo vanaye. Tarisai! Zvirokwazvo, minyama yavo ina Allah asi vazhinji vavo havazivi
Surah Al-Araf, Verse 131
وَقَالُواْ مَهۡمَا تَأۡتِنَا بِهِۦ مِنۡ ءَايَةٖ لِّتَسۡحَرَنَا بِهَا فَمَا نَحۡنُ لَكَ بِمُؤۡمِنِينَ
Uye vakati (kuna Musa): “Chero chiratidzo chaunouya nacho kwatiri kuti uchishandise semapipi ako kwatiri, hatizombofa takatenda mauri.”
Surah Al-Araf, Verse 132
فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلطُّوفَانَ وَٱلۡجَرَادَ وَٱلۡقُمَّلَ وَٱلضَّفَادِعَ وَٱلدَّمَ ءَايَٰتٖ مُّفَصَّلَٰتٖ فَٱسۡتَكۡبَرُواْ وَكَانُواْ قَوۡمٗا مُّجۡرِمِينَ
Naizvozvo takatumira kwavari mafashamu, hwiza, inda, matatya neropa, sezviratidzo zviri pachena, asi vakaramba vakazvitutumadza, uye vaive vamwe veavo vaitadza
Surah Al-Araf, Verse 133
وَلَمَّا وَقَعَ عَلَيۡهِمُ ٱلرِّجۡزُ قَالُواْ يَٰمُوسَى ٱدۡعُ لَنَا رَبَّكَ بِمَا عَهِدَ عِندَكَۖ لَئِن كَشَفۡتَ عَنَّا ٱلرِّجۡزَ لَنُؤۡمِنَنَّ لَكَ وَلَنُرۡسِلَنَّ مَعَكَ بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ
Uye pavakawirwa nemarwadzo vakati: “Iwe Musa! Tikumburire kuna Tenzi vako nokuda kwevimbiso yavo kwauri. Kana ukabvisa marwadzo patiri, zvirokwazvo, tichava tinotenda mauri, uye ticharega vana vaIzirairi vaende newe.”
Surah Al-Araf, Verse 134
فَلَمَّا كَشَفۡنَا عَنۡهُمُ ٱلرِّجۡزَ إِلَىٰٓ أَجَلٍ هُم بَٰلِغُوهُ إِذَا هُمۡ يَنكُثُونَ
Asi patakabvisa marwadzo pavari kwenguva yakatarwa, iyo yavaifanira kusvitsa, uye tarirai, vakaputsa shoko
Surah Al-Araf, Verse 135
فَٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡ فَأَغۡرَقۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡيَمِّ بِأَنَّهُمۡ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَكَانُواْ عَنۡهَا غَٰفِلِينَ
Naizvozvo takatora mubhadharo kwavari. Takavanyudza mugungwa, nokuda kwekuti vakaramba zviratidzo zvedu uye vakanga vasina hanya nazvo
Surah Al-Araf, Verse 136
وَأَوۡرَثۡنَا ٱلۡقَوۡمَ ٱلَّذِينَ كَانُواْ يُسۡتَضۡعَفُونَ مَشَٰرِقَ ٱلۡأَرۡضِ وَمَغَٰرِبَهَا ٱلَّتِي بَٰرَكۡنَا فِيهَاۖ وَتَمَّتۡ كَلِمَتُ رَبِّكَ ٱلۡحُسۡنَىٰ عَلَىٰ بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ بِمَا صَبَرُواْۖ وَدَمَّرۡنَا مَا كَانَ يَصۡنَعُ فِرۡعَوۡنُ وَقَوۡمُهُۥ وَمَا كَانُواْ يَعۡرِشُونَ
Uye takaita kuti vanhu vaitorwa sendonda kuti vave vanogara nhaka zvidimbu zvenzvimbo yekumabvazuva nezvekumadokero zvatakava tinokomborera. Uye shoko raTenzi vako rakajeka rakazadzikiswa kuvana vaIzirairi, nokuda kwekutsungirira kwavo. Uye takaparadza zvachose mabasa makuru ose nezvivakwa zvakanga zvamiswa naFarawo nevanhu vake
Surah Al-Araf, Verse 137
وَجَٰوَزۡنَا بِبَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ ٱلۡبَحۡرَ فَأَتَوۡاْ عَلَىٰ قَوۡمٖ يَعۡكُفُونَ عَلَىٰٓ أَصۡنَامٖ لَّهُمۡۚ قَالُواْ يَٰمُوسَى ٱجۡعَل لَّنَآ إِلَٰهٗا كَمَا لَهُمۡ ءَالِهَةٞۚ قَالَ إِنَّكُمۡ قَوۡمٞ تَجۡهَلُونَ
Uye takava tinoyambutsa vana vaIzirairi gungwa (mune zvakanaka), uye vakauya pane vanhu vakanga vakazvipira kuzvimwe zvidhori zvavo (mukunamata). Vakati: “Iwe Musa! Tigadzirire chimwari sezvimwari zvavanazvo.” (Musa) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivi (Hukuru hwaAllah nezvakamanikidzirwa kwamuri).”
Surah Al-Araf, Verse 138
إِنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ مُتَبَّرٞ مَّا هُمۡ فِيهِ وَبَٰطِلٞ مَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
(Musa akapamhidzira): “Zvirokwazvo, vanhu ava vachaparadzwa nokuda kwezvavarikuita. Uye zvose zvavarikuita hazvina maturo.”
Surah Al-Araf, Verse 139
قَالَ أَغَيۡرَ ٱللَّهِ أَبۡغِيكُمۡ إِلَٰهٗا وَهُوَ فَضَّلَكُمۡ عَلَى ٱلۡعَٰلَمِينَ
Akati: “Ndingakutsvagirei umwe mwari here kunze kwaAllah, vari ivo vakakukomborerai pamusoro pevanhu vose (venguva yenyu).”
Surah Al-Araf, Verse 140
وَإِذۡ أَنجَيۡنَٰكُم مِّنۡ ءَالِ فِرۡعَوۡنَ يَسُومُونَكُمۡ سُوٓءَ ٱلۡعَذَابِ يُقَتِّلُونَ أَبۡنَآءَكُمۡ وَيَسۡتَحۡيُونَ نِسَآءَكُمۡۚ وَفِي ذَٰلِكُم بَلَآءٞ مِّن رَّبِّكُمۡ عَظِيمٞ
Uye (rangarirai) patakakununurai kubva kune vanhu vaFarawo, avo vaikushungurudzai nemutongo wakaipisisa, vachiuraya vanakomana venyu uye vachisiya vanasikana venyu vari vapenyu. Uye mazviri maive nemuedzo mukuru kubva kuna Tenzi venyu
Surah Al-Araf, Verse 141
۞وَوَٰعَدۡنَا مُوسَىٰ ثَلَٰثِينَ لَيۡلَةٗ وَأَتۡمَمۡنَٰهَا بِعَشۡرٖ فَتَمَّ مِيقَٰتُ رَبِّهِۦٓ أَرۡبَعِينَ لَيۡلَةٗۚ وَقَالَ مُوسَىٰ لِأَخِيهِ هَٰرُونَ ٱخۡلُفۡنِي فِي قَوۡمِي وَأَصۡلِحۡ وَلَا تَتَّبِعۡ سَبِيلَ ٱلۡمُفۡسِدِينَ
Uye takava tinotarira (kutemera) Musa makumi matatu ehusiku, uye takapamhidzira gumi (pamusoro), uye akazadzikisa nguva yakatarwa naTenzi vake yemakumi mana ehusiku. Uye Musa akati kuna mukoma vake Aroni: “Nditsive pavanhu vangu, uye shanda nenzira yakanaka (nekukurudzira vanhu kuteerera Allah nekuvanamata vari voga), uye usave unotevedzera nzira yeavo vanokonzera nyonga-nyonga.”
Surah Al-Araf, Verse 142
وَلَمَّا جَآءَ مُوسَىٰ لِمِيقَٰتِنَا وَكَلَّمَهُۥ رَبُّهُۥ قَالَ رَبِّ أَرِنِيٓ أَنظُرۡ إِلَيۡكَۚ قَالَ لَن تَرَىٰنِي وَلَٰكِنِ ٱنظُرۡ إِلَى ٱلۡجَبَلِ فَإِنِ ٱسۡتَقَرَّ مَكَانَهُۥ فَسَوۡفَ تَرَىٰنِيۚ فَلَمَّا تَجَلَّىٰ رَبُّهُۥ لِلۡجَبَلِ جَعَلَهُۥ دَكّٗا وَخَرَّ مُوسَىٰ صَعِقٗاۚ فَلَمَّآ أَفَاقَ قَالَ سُبۡحَٰنَكَ تُبۡتُ إِلَيۡكَ وَأَنَا۠ أَوَّلُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ
Uye Musa paakauya panguva nenzvimbo yakatarwa, uye Tenzi vake vakataura naye, akati: “Imi Tenzi vangu! Zviratidzei kwandiri kuti ndive ndinokuonai.” Allah vakati: “Haukwanisi kundiona asi tarisa pagomo, rikaramba rimire panzvimbo yaro uchandiona.” Naizvozvo Tenzi vake pavakazviratidza pagomo, vakariita kuti rive rinoparara kuita huruva, uye Musa akawira pasi akakomoka (asisazivi zvaaiita). Uye paakanga ava kuziva zvaaiita akati: “Kurumbidzwa ngakuve kwamuri (Allah), ndinotendeuka kwamuri mururegerero, uye ndiri wekutanga wevatendi.”
Surah Al-Araf, Verse 143
قَالَ يَٰمُوسَىٰٓ إِنِّي ٱصۡطَفَيۡتُكَ عَلَى ٱلنَّاسِ بِرِسَٰلَٰتِي وَبِكَلَٰمِي فَخُذۡ مَآ ءَاتَيۡتُكَ وَكُن مِّنَ ٱلشَّـٰكِرِينَ
(Allah) vakati: “Iwe Musa! Ndakusarudza pamusoro pevanhu nemirairo yangu, uye nekutaura kwangu (kwauri). Naizvozvo batisisa pane izvo zvandakupa uye iva mumwe wevanotenda.”
Surah Al-Araf, Verse 144
وَكَتَبۡنَا لَهُۥ فِي ٱلۡأَلۡوَاحِ مِن كُلِّ شَيۡءٖ مَّوۡعِظَةٗ وَتَفۡصِيلٗا لِّكُلِّ شَيۡءٖ فَخُذۡهَا بِقُوَّةٖ وَأۡمُرۡ قَوۡمَكَ يَأۡخُذُواْ بِأَحۡسَنِهَاۚ سَأُوْرِيكُمۡ دَارَ ٱلۡفَٰسِقِينَ
Takava tinomunyorera pamagwaro chidzidzo chinotorwa kubva kuzvinhu zvose uye netsanangudzo izere yezvinhu zvose (uye vakati): “Batisisa izvi zvine simba, uye wova unokurudzira vanhu vako kuti vatore zvakanaka kubva mazviri. Ndichazokuratidzai musha wevanotadza.”
Surah Al-Araf, Verse 145
سَأَصۡرِفُ عَنۡ ءَايَٰتِيَ ٱلَّذِينَ يَتَكَبَّرُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَإِن يَرَوۡاْ كُلَّ ءَايَةٖ لَّا يُؤۡمِنُواْ بِهَا وَإِن يَرَوۡاْ سَبِيلَ ٱلرُّشۡدِ لَا يَتَّخِذُوهُ سَبِيلٗا وَإِن يَرَوۡاْ سَبِيلَ ٱلۡغَيِّ يَتَّخِذُوهُ سَبِيلٗاۚ ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَكَانُواْ عَنۡهَا غَٰفِلِينَ
Ndichava ndinofuratidza zviratidzo zvangu avo vanozvitutumadza panyika, zvisina kodzero, uye kunyange vachiona zviratidzo zvedu zvose havave vanotenda mazviri. Uye kunyange vakaona nzira yakanaka havaitori senzira. Asi vakaona nzira yakarasika vanoitora senzira, nokuda kwekuti vakaramba zviratidzo uye vakanga vasina hanya mazviri
Surah Al-Araf, Verse 146
وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَلِقَآءِ ٱلۡأٓخِرَةِ حَبِطَتۡ أَعۡمَٰلُهُمۡۚ هَلۡ يُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Uye avo vanoramba zviratidzo zvedu uye kusangana pahupenyu uchatevera (zuva rekutongwa), mabasa avo ndiwo asina maturo. Havasi kuzobhadharwa nechimwe chinhu, kusara kwezvavaiita
Surah Al-Araf, Verse 147
وَٱتَّخَذَ قَوۡمُ مُوسَىٰ مِنۢ بَعۡدِهِۦ مِنۡ حُلِيِّهِمۡ عِجۡلٗا جَسَدٗا لَّهُۥ خُوَارٌۚ أَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّهُۥ لَا يُكَلِّمُهُمۡ وَلَا يَهۡدِيهِمۡ سَبِيلًاۘ ٱتَّخَذُوهُ وَكَانُواْ ظَٰلِمِينَ
Uye vanhu vaMusa paakanga asipo, vakagadzira kubva muzvishongedzo zvavo chimufananidzo chemhuru (chekunamata). Chaiva nemuririro (kunge chaikuma). Vaisaona here kuti chaisataura navo kana kuvatungamirira kunzira (yakatwasuka)? Vakachitora (kuti vachinamate) uye vaiva vatadzi
Surah Al-Araf, Verse 148
وَلَمَّا سُقِطَ فِيٓ أَيۡدِيهِمۡ وَرَأَوۡاْ أَنَّهُمۡ قَدۡ ضَلُّواْ قَالُواْ لَئِن لَّمۡ يَرۡحَمۡنَا رَبُّنَا وَيَغۡفِرۡ لَنَا لَنَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ
Uye pavakademba nekuona kuti vakanga varasika, (vakakumbira ruregerero) vakati: “Kana Tenzi vedu vakasatinzwira tsitsi nekutiregerera, zvirokwazvo, tichava vanhu vakarasikirwa.”
Surah Al-Araf, Verse 149
وَلَمَّا رَجَعَ مُوسَىٰٓ إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ غَضۡبَٰنَ أَسِفٗا قَالَ بِئۡسَمَا خَلَفۡتُمُونِي مِنۢ بَعۡدِيٓۖ أَعَجِلۡتُمۡ أَمۡرَ رَبِّكُمۡۖ وَأَلۡقَى ٱلۡأَلۡوَاحَ وَأَخَذَ بِرَأۡسِ أَخِيهِ يَجُرُّهُۥٓ إِلَيۡهِۚ قَالَ ٱبۡنَ أُمَّ إِنَّ ٱلۡقَوۡمَ ٱسۡتَضۡعَفُونِي وَكَادُواْ يَقۡتُلُونَنِي فَلَا تُشۡمِتۡ بِيَ ٱلۡأَعۡدَآءَ وَلَا تَجۡعَلۡنِي مَعَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ
Uye Musa paakadzokera kuvanhu vake, akatsamwa uye akasuwa, akati: “Chinhu chakaipa ndeicho chamaita ndisipo (kunamata chimhuru). Makurumidzira mutemo waTenzi venyu here?” Uye (Musa) akakanda magwaro pasi uye akabata mukoma wake nemusoro wake uye akamudhonzera kwaari. Aroni akati: “Iwe mwana waamai vangu! Zvirokwazvo, vanhu vakandiona sendisina simba uye vaida kutondiuraya, naizvozvo usaita kuti vavengi vafare pamusoro pangu, kana kundiisa pakati pevanhu vanoita mabasa akaipa.”
Surah Al-Araf, Verse 150
قَالَ رَبِّ ٱغۡفِرۡ لِي وَلِأَخِي وَأَدۡخِلۡنَا فِي رَحۡمَتِكَۖ وَأَنتَ أَرۡحَمُ ٱلرَّـٰحِمِينَ
Musa (akati): Imi Tenzi vangu! Ivai munondiregerera nemukoma wangu, uye mova munotiisa mutsitsi dzenyu, nokuti ndimi mune tsitsi dzakanyanya pane avo vanoratidza tsitsi.”
Surah Al-Araf, Verse 151
إِنَّ ٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ ٱلۡعِجۡلَ سَيَنَالُهُمۡ غَضَبٞ مِّن رَّبِّهِمۡ وَذِلَّةٞ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُفۡتَرِينَ
Zvirokwazvo, avo vakava vanotora mhuru (saMwari), kutsamwa kubva kuna Tenzi vavo uye nokudzikisirwa kuchauya kwavari muhupenyu hwepano pasi. Nokudaro tinopa mubairo kune avo vanogadzira manyepo
Surah Al-Araf, Verse 152
وَٱلَّذِينَ عَمِلُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ ثُمَّ تَابُواْ مِنۢ بَعۡدِهَا وَءَامَنُوٓاْ إِنَّ رَبَّكَ مِنۢ بَعۡدِهَا لَغَفُورٞ رَّحِيمٞ
Asi kune avo vakaita mabasa akaipa, mushure mazvo vakazokumbira ruregerero, uye vakatenda, muzvirokwazvo, Tenzi venyu mushure mazvo (zvose) vanoregerera, uye vane tsitsi dzose
Surah Al-Araf, Verse 153
وَلَمَّا سَكَتَ عَن مُّوسَى ٱلۡغَضَبُ أَخَذَ ٱلۡأَلۡوَاحَۖ وَفِي نُسۡخَتِهَا هُدٗى وَرَحۡمَةٞ لِّلَّذِينَ هُمۡ لِرَبِّهِمۡ يَرۡهَبُونَ
Uye hasha dzaMusa padzakadzikira akava anotora magwaro, uye mukunyorwa kwavo makanga muine kutungamiririrwa netsitsi kune avo vanotya Tenzi vavo
Surah Al-Araf, Verse 154
وَٱخۡتَارَ مُوسَىٰ قَوۡمَهُۥ سَبۡعِينَ رَجُلٗا لِّمِيقَٰتِنَاۖ فَلَمَّآ أَخَذَتۡهُمُ ٱلرَّجۡفَةُ قَالَ رَبِّ لَوۡ شِئۡتَ أَهۡلَكۡتَهُم مِّن قَبۡلُ وَإِيَّـٰيَۖ أَتُهۡلِكُنَا بِمَا فَعَلَ ٱلسُّفَهَآءُ مِنَّآۖ إِنۡ هِيَ إِلَّا فِتۡنَتُكَ تُضِلُّ بِهَا مَن تَشَآءُ وَتَهۡدِي مَن تَشَآءُۖ أَنتَ وَلِيُّنَا فَٱغۡفِرۡ لَنَا وَٱرۡحَمۡنَاۖ وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡغَٰفِرِينَ
Uye Musa akasarudza varume makumi manomwe kubva muvanhu vake, panguva yedu uye nenzvimbo yokusanganirana. Uye pavakava vanovingwa nokundengendeka kwenyika akati: “Imi Tenzi vangu! Dai manga muchida, mungadai makavaparadza kumashure ivo neni wacho. Mungatiparadze here nokuda kwemabasa evakaipa pakati pedu? Kuedza kwenyu chete kunoita kuti vamunoda varasike, uye kutungamiririra avo vamunoda. Muri muchengei wedu, naizvozvo tiregererei uye mova netsitsi kwatiri, nokuti ndimi muregereri akanakisisa pane avo vanoregerera.”
Surah Al-Araf, Verse 155
۞وَٱكۡتُبۡ لَنَا فِي هَٰذِهِ ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةٗ وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِ إِنَّا هُدۡنَآ إِلَيۡكَۚ قَالَ عَذَابِيٓ أُصِيبُ بِهِۦ مَنۡ أَشَآءُۖ وَرَحۡمَتِي وَسِعَتۡ كُلَّ شَيۡءٖۚ فَسَأَكۡتُبُهَا لِلَّذِينَ يَتَّقُونَ وَيُؤۡتُونَ ٱلزَّكَوٰةَ وَٱلَّذِينَ هُم بِـَٔايَٰتِنَا يُؤۡمِنُونَ
“Uye motinyorerawo zvakanaka pano panyika, uye nemuhupenyu hwunotevera. Zvirokwazvo, tave tinotarisa kwamuri.” Vakati (Allah): “Mutongo wangu ndichauunza kune uyo wandinoda uye tsitsi dzangu dzinobvumbatira zvinhu zvose. Ndichava ndinodzinyorera (nyasha) kune avo vanotya (Allah), uye vachipa Zakaah (Zvipo kuvarombo); uye avo vanotenda muzviratidzo zvedu;”
Surah Al-Araf, Verse 156
ٱلَّذِينَ يَتَّبِعُونَ ٱلرَّسُولَ ٱلنَّبِيَّ ٱلۡأُمِّيَّ ٱلَّذِي يَجِدُونَهُۥ مَكۡتُوبًا عِندَهُمۡ فِي ٱلتَّوۡرَىٰةِ وَٱلۡإِنجِيلِ يَأۡمُرُهُم بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَيَنۡهَىٰهُمۡ عَنِ ٱلۡمُنكَرِ وَيُحِلُّ لَهُمُ ٱلطَّيِّبَٰتِ وَيُحَرِّمُ عَلَيۡهِمُ ٱلۡخَبَـٰٓئِثَ وَيَضَعُ عَنۡهُمۡ إِصۡرَهُمۡ وَٱلۡأَغۡلَٰلَ ٱلَّتِي كَانَتۡ عَلَيۡهِمۡۚ فَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِهِۦ وَعَزَّرُوهُ وَنَصَرُوهُ وَٱتَّبَعُواْ ٱلنُّورَ ٱلَّذِيٓ أُنزِلَ مَعَهُۥٓ أُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ
“Avo vanotevedzera mutumwa, muporofita asingakwanise kuverenga kana kunyora (Muhammad (SAW)) uyo wavanoona akanyorwa nezvake muTorah uye nemuInjeel (Muvhangeri) mavo, anovakomekedza zvakanaka uye achivarambidza izvo zvakaipa; uye anobvumidza izvo zvinhu zvakachena, uye anorambidza izvo zvakaipa setsvina, anovabvisa mitoro yavo inorema, uye ngetani dzakanga dziri pavari. Naizvozvo avo vanotenda maari (Muhammad (SAW)), vachimukudza, nekumubatsira, uye vachitevera mwenje (Qur’aan) waakatumwa nawo, ndivo vachava vanobudirira.”
Surah Al-Araf, Verse 157
قُلۡ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِ ٱلنَّبِيِّ ٱلۡأُمِّيِّ ٱلَّذِي يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَكَلِمَٰتِهِۦ وَٱتَّبِعُوهُ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Zvirokwazvo, ndave ndinotumwa kwamuri mose semutumwa waAllah, avo vanova muridzi wehumambo hwekudenga nepasi. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa hupenyu uye vanokonzera rufu. Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo, muporofita asingakwanisi kuverenga kana kunyora (Muhammad (SAW)), anotenda munaAllah nemashoko avo (Qur’aan). Naizvozvo muteverei kuti mugova avo vakatungamiririrwa.”
Surah Al-Araf, Verse 158
وَمِن قَوۡمِ مُوسَىٰٓ أُمَّةٞ يَهۡدُونَ بِٱلۡحَقِّ وَبِهِۦ يَعۡدِلُونَ
Uye kubva muvanhu vaMusa, mune boka rinotungamirira (vanhu) muchokwadi uye richikurudzira ruenzaniso imomo
Surah Al-Araf, Verse 159
وَقَطَّعۡنَٰهُمُ ٱثۡنَتَيۡ عَشۡرَةَ أَسۡبَاطًا أُمَمٗاۚ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ إِذِ ٱسۡتَسۡقَىٰهُ قَوۡمُهُۥٓ أَنِ ٱضۡرِب بِّعَصَاكَ ٱلۡحَجَرَۖ فَٱنۢبَجَسَتۡ مِنۡهُ ٱثۡنَتَا عَشۡرَةَ عَيۡنٗاۖ قَدۡ عَلِمَ كُلُّ أُنَاسٖ مَّشۡرَبَهُمۡۚ وَظَلَّلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلۡغَمَٰمَ وَأَنزَلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلۡمَنَّ وَٱلسَّلۡوَىٰۖ كُلُواْ مِن طَيِّبَٰتِ مَا رَزَقۡنَٰكُمۡۚ وَمَا ظَلَمُونَا وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ
Uye takava tinovapatsanura kuva ndudzi gumi nezviviri semapoka (akasiyana). Takava tinoudza Musa apo vanhu vake pavakamubvunza mvura (tichiti): “Rova dombo netsvimbo yako”, nokudaro mvura yakava inobuda kubva muzvitubu gumi nezviviri, boka rimwe nerimwe rakaziva nzvimbo yaro yemvura. Takava tinovafukidza nemumvuri wemakore uye tikatumira kwavari Manna (chikafu chinotapira) neSalwa (Zvihuta) (tichiti): “Idyai kubva mune zvakanaka zvatakupai.” Havana kutikanganisira, asi vakazvinganisira pachavo
Surah Al-Araf, Verse 160
وَإِذۡ قِيلَ لَهُمُ ٱسۡكُنُواْ هَٰذِهِ ٱلۡقَرۡيَةَ وَكُلُواْ مِنۡهَا حَيۡثُ شِئۡتُمۡ وَقُولُواْ حِطَّةٞ وَٱدۡخُلُواْ ٱلۡبَابَ سُجَّدٗا نَّغۡفِرۡ لَكُمۡ خَطِيٓـَٰٔتِكُمۡۚ سَنَزِيدُ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Uye (yeukai) pazvakanzi kwavari: “Garai muguta rino (reJerusarema) uye mova munodya mariri kwese kwamunoda, uye mova munoti: ‘(Imi Allah!) Tiregererei zvitadzo zvedu’, uye mova munopinda mumikova makapfugama. Tichakuregererai zvitadzo zvenyu. Tichava tinowedzera (mubairo) kune avo vanoita mabasa akanaka.”
Surah Al-Araf, Verse 161
فَبَدَّلَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ مِنۡهُمۡ قَوۡلًا غَيۡرَ ٱلَّذِي قِيلَ لَهُمۡ فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ رِجۡزٗا مِّنَ ٱلسَّمَآءِ بِمَا كَانُواْ يَظۡلِمُونَ
Asi avo vaitadza pakati pavo vakasandura shoko ravakanga vaudzwa. Naizvozvo takavatumira marwadzo kubva kudenga nekutadza kwavakaita
Surah Al-Araf, Verse 162
وَسۡـَٔلۡهُمۡ عَنِ ٱلۡقَرۡيَةِ ٱلَّتِي كَانَتۡ حَاضِرَةَ ٱلۡبَحۡرِ إِذۡ يَعۡدُونَ فِي ٱلسَّبۡتِ إِذۡ تَأۡتِيهِمۡ حِيتَانُهُمۡ يَوۡمَ سَبۡتِهِمۡ شُرَّعٗا وَيَوۡمَ لَا يَسۡبِتُونَ لَا تَأۡتِيهِمۡۚ كَذَٰلِكَ نَبۡلُوهُم بِمَا كَانُواْ يَفۡسُقُونَ
Uye iva unovabvunza (Muhammad (SAW)) pamusoro pedhorobha iro rakanga riri pedyo negungwa, pavakapfurikidza mwero maererano neSabata (Mugovera), apo hove dzavo padzaiuya pachena musi weMugovera (Sabata), uye dzainge dzisingauyi kwavari musi wavakanga vasina Sabata. Naizvozvo takava tinoisa miedzo kwavari nokuda kwekusateerera kwavakaita murairo hwaAllah
Surah Al-Araf, Verse 163
وَإِذۡ قَالَتۡ أُمَّةٞ مِّنۡهُمۡ لِمَ تَعِظُونَ قَوۡمًا ٱللَّهُ مُهۡلِكُهُمۡ أَوۡ مُعَذِّبُهُمۡ عَذَابٗا شَدِيدٗاۖ قَالُواْ مَعۡذِرَةً إِلَىٰ رَبِّكُمۡ وَلَعَلَّهُمۡ يَتَّقُونَ
Uye (yeukai) boka pakati pavo parakati: “Munoparidzirei kuvanhu varikuda kuparadzwa naAllah kana kuti vavari kuda kurwadzisa nomutongo wakaomarara?” (Vaparidzi) vakati: “Kuti tive tinozvichenura pamberi paTenzi venyu, uye kuti zvimwe vangave vanotya Allah.”
Surah Al-Araf, Verse 164
فَلَمَّا نَسُواْ مَا ذُكِّرُواْ بِهِۦٓ أَنجَيۡنَا ٱلَّذِينَ يَنۡهَوۡنَ عَنِ ٱلسُّوٓءِ وَأَخَذۡنَا ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ بِعَذَابِۭ بَـِٔيسِۭ بِمَا كَانُواْ يَفۡسُقُونَ
Naizvozvo pavakakanganwa yeuchidzo yakanga yapihwa kwavari, takava tinonunura avo vairambidza zvakaipa, asi takaparadza avo vaiita zvakaipa nomutongo wakaomarara nokuda kwekusateerera mirairo yaAllah
Surah Al-Araf, Verse 165
فَلَمَّا عَتَوۡاْ عَن مَّا نُهُواْ عَنۡهُ قُلۡنَا لَهُمۡ كُونُواْ قِرَدَةً خَٰسِـِٔينَ
Naizvozvo pavakapfurikidza mwero weizvo zvatakavarambidza, takati kwavari: “Ivai tsoko, uye makashoreka nekurambwa.”
Surah Al-Araf, Verse 166
وَإِذۡ تَأَذَّنَ رَبُّكَ لَيَبۡعَثَنَّ عَلَيۡهِمۡ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ مَن يَسُومُهُمۡ سُوٓءَ ٱلۡعَذَابِۗ إِنَّ رَبَّكَ لَسَرِيعُ ٱلۡعِقَابِ وَإِنَّهُۥ لَغَفُورٞ رَّحِيمٞ
Uye (rangarira) Tenzi vako pavakataura kuti vacharamba vachituma kwavari (maJudha), kusvikira zuva rokumutswa, avo vachavatambudza nemarwadzo akaomarara. Zvirokwazvo, Tenzi vako vanopa mutongo nokuchimbidza, uye zvirokwazvo, ndivo vanoregerera zvikuru, vane nyasha zhinji
Surah Al-Araf, Verse 167
وَقَطَّعۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ أُمَمٗاۖ مِّنۡهُمُ ٱلصَّـٰلِحُونَ وَمِنۡهُمۡ دُونَ ذَٰلِكَۖ وَبَلَوۡنَٰهُم بِٱلۡحَسَنَٰتِ وَٱلسَّيِّـَٔاتِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Uye takava tinovapatsanura (maJudha) tichivaisa mumapato akasiyana panyika, vamwe vavo vanoita mabasa akanaka uye vamwe vari kure nazvo. Uye takava tinovaedza nezvakanaka nezvakaipa kuti vave vanodzokera (kuna Allah)
Surah Al-Araf, Verse 168
فَخَلَفَ مِنۢ بَعۡدِهِمۡ خَلۡفٞ وَرِثُواْ ٱلۡكِتَٰبَ يَأۡخُذُونَ عَرَضَ هَٰذَا ٱلۡأَدۡنَىٰ وَيَقُولُونَ سَيُغۡفَرُ لَنَا وَإِن يَأۡتِهِمۡ عَرَضٞ مِّثۡلُهُۥ يَأۡخُذُوهُۚ أَلَمۡ يُؤۡخَذۡ عَلَيۡهِم مِّيثَٰقُ ٱلۡكِتَٰبِ أَن لَّا يَقُولُواْ عَلَى ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡحَقَّ وَدَرَسُواْ مَا فِيهِۗ وَٱلدَّارُ ٱلۡأٓخِرَةُ خَيۡرٞ لِّلَّذِينَ يَتَّقُونَۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ
Mushure mavo vakateverwa nezvizvarwa (zvakaipa), zvakava zvinotora magwaro, asi zvakava zvinozvisarudzira hupenyu hwepano pasi zvichiti: “Zvinhu (zvose zvatinoita) zvichava zvinoregererwa kwatiri.” Uye vakapihwa mukana (zvakare) wakafanana neuyu (wekuita zvinhu zvakaipa) vaiutora. Chitsidzo cheGwaro (Torah) hachina kutorwa kwavari kuti hapana chavachataura pamusoro paAllah kusara kwechokwadi? Uye vadzidza zvazviri mariri (Gwaro). Uye musha wehupenyu huchatevera uri nani kune avo vanotya (Allah)
Surah Al-Araf, Verse 169
وَٱلَّذِينَ يُمَسِّكُونَ بِٱلۡكِتَٰبِ وَأَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَ إِنَّا لَا نُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُصۡلِحِينَ
Uye kune avo vanobatisisa Gwaro uye voita munamato (Swalaah), zvirokwazvo, hatizomborasi mubairo weavo vanoita zvakanaka
Surah Al-Araf, Verse 170
۞وَإِذۡ نَتَقۡنَا ٱلۡجَبَلَ فَوۡقَهُمۡ كَأَنَّهُۥ ظُلَّةٞ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُۥ وَاقِعُۢ بِهِمۡ خُذُواْ مَآ ءَاتَيۡنَٰكُم بِقُوَّةٖ وَٱذۡكُرُواْ مَا فِيهِ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ
Uye (rangarirai) patakavasimudzira gomo sekunge raive gore dema pamusoro pavo sekunge chipfugidzo, uye vakafungidzira kuti pamwe rinovawira. (Takati): “Batisisai pane izvo zvatakupai (Torah), uye morangarira zviri mariri, kuti muve munotya Allah nekuvateerera.”
Surah Al-Araf, Verse 171
وَإِذۡ أَخَذَ رَبُّكَ مِنۢ بَنِيٓ ءَادَمَ مِن ظُهُورِهِمۡ ذُرِّيَّتَهُمۡ وَأَشۡهَدَهُمۡ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ أَلَسۡتُ بِرَبِّكُمۡۖ قَالُواْ بَلَىٰ شَهِدۡنَآۚ أَن تَقُولُواْ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ إِنَّا كُنَّا عَنۡ هَٰذَا غَٰفِلِينَ
Uye (yeuka) apo Tenzi vako (Allah) vakaburitsa kubva muvana vaAdam, kubva kumisana yavo, vana vavo (kana kuti kubva kumusana waAdam vana vake), uye vakavaita kuti vave vanopa huchapupu pachavo (Allah vachiti): “Handisi ini here Tenzi venyu?” Vakati: “Hongu! Tinopa huchapupu”, pamwe nezuva rekumutswa (Qiyaamah) mungazoti: “Zvirokwazvo izvi takanga tisingazvizivi.”
Surah Al-Araf, Verse 172
أَوۡ تَقُولُوٓاْ إِنَّمَآ أَشۡرَكَ ءَابَآؤُنَا مِن قَبۡلُ وَكُنَّا ذُرِّيَّةٗ مِّنۢ بَعۡدِهِمۡۖ أَفَتُهۡلِكُنَا بِمَا فَعَلَ ٱلۡمُبۡطِلُونَ
Kana kuti mungazoti: “Madzitateguru edu ndivo vaisanganisa Allah nezvimwe zvisikwa (muhumwe hwavo) mushure, uye isu takanga tingori vana mushure mavo. Mungatiparadza here nokuda kwezvakaitwa neavo vaitadza?”
Surah Al-Araf, Verse 173
وَكَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ وَلَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Saka naizvozvo tinopenengura maAayaat (humboo) zvizere kuti pamwe vangadzoka (kuchokwadi)
Surah Al-Araf, Verse 174
وَٱتۡلُ عَلَيۡهِمۡ نَبَأَ ٱلَّذِيٓ ءَاتَيۡنَٰهُ ءَايَٰتِنَا فَٱنسَلَخَ مِنۡهَا فَأَتۡبَعَهُ ٱلشَّيۡطَٰنُ فَكَانَ مِنَ ٱلۡغَاوِينَ
Uye verenga kwavari (Muhammad (SAW)) nyaya yeuyo watakapa humboo hwedu, asi akaurasa kure; naizvozvo Dhiyabhorosi akamutevera, uye akazove uyo weavo vakarasika
Surah Al-Araf, Verse 175
وَلَوۡ شِئۡنَا لَرَفَعۡنَٰهُ بِهَا وَلَٰكِنَّهُۥٓ أَخۡلَدَ إِلَى ٱلۡأَرۡضِ وَٱتَّبَعَ هَوَىٰهُۚ فَمَثَلُهُۥ كَمَثَلِ ٱلۡكَلۡبِ إِن تَحۡمِلۡ عَلَيۡهِ يَلۡهَثۡ أَوۡ تَتۡرُكۡهُ يَلۡهَثۚ ذَّـٰلِكَ مَثَلُ ٱلۡقَوۡمِ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَاۚ فَٱقۡصُصِ ٱلۡقَصَصَ لَعَلَّهُمۡ يَتَفَكَّرُونَ
Uye dai taida, taimukwidziridza nahwo (humboo), asi iye akada mafaro enyika uye akatevera zvido zvake. Naizvozvo mucherechedzo wake wakafanana nemucherechedzo weimbwa, ukaitandira kure inoburitsa rurimi panze, kana ukaisiya yakadaro inongoburitsa rurimi panze. Uyu ndiwo mucherechedzo weavo vanoramba humboo hwedu. Naizvozvo vaudze nyaya pamwe vangayeuka
Surah Al-Araf, Verse 176
سَآءَ مَثَلًا ٱلۡقَوۡمُ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَأَنفُسَهُمۡ كَانُواْ يَظۡلِمُونَ
Wakaipa muenzaniso weavo vanoramba humboo hwedu, uye pachavo vaive vanhu vanozvikanganisa (vanozvitadzira)
Surah Al-Araf, Verse 177
مَن يَهۡدِ ٱللَّهُ فَهُوَ ٱلۡمُهۡتَدِيۖ وَمَن يُضۡلِلۡ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ
Uyo (munhu) Allah vanotungamirira, zvirokwazvo ndiye ari mugwara rakatwasuka, uye uyo wavanosiya achirasika, vakadaro ndivo vakarasikirwa
Surah Al-Araf, Verse 178
وَلَقَدۡ ذَرَأۡنَا لِجَهَنَّمَ كَثِيرٗا مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِۖ لَهُمۡ قُلُوبٞ لَّا يَفۡقَهُونَ بِهَا وَلَهُمۡ أَعۡيُنٞ لَّا يُبۡصِرُونَ بِهَا وَلَهُمۡ ءَاذَانٞ لَّا يَسۡمَعُونَ بِهَآۚ أُوْلَـٰٓئِكَ كَٱلۡأَنۡعَٰمِ بَلۡ هُمۡ أَضَلُّۚ أُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡغَٰفِلُونَ
Uye zvirokwazvo, takasikira Gehena maJinn nevanhu vakawanda. Ivo vane moyo asi havanzwisisi nayo, uye vane maziso asi havakwanisi kuona nawo, uye vane nzeve asi havanzwi nadzo (chokwadi). Vanhu vakadaro vakafanana nemombe, asi ivo vakatonyanya kurasika. Vanhu vakadaro ndivo vasingafungi (vasina hanya)
Surah Al-Araf, Verse 179
وَلِلَّهِ ٱلۡأَسۡمَآءُ ٱلۡحُسۡنَىٰ فَٱدۡعُوهُ بِهَاۖ وَذَرُواْ ٱلَّذِينَ يُلۡحِدُونَ فِيٓ أَسۡمَـٰٓئِهِۦۚ سَيُجۡزَوۡنَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Uye Allah ndivo vane mazita akanaka, naizvozvo vadaidzei nawo, uye mosiyana neavo vanoramba mazita avo. Vachapiwa mubairo wezvavaiita
Surah Al-Araf, Verse 180
وَمِمَّنۡ خَلَقۡنَآ أُمَّةٞ يَهۡدُونَ بِٱلۡحَقِّ وَبِهِۦ يَعۡدِلُونَ
Uye kune avo vatakasika, pane vanhu vanotungamira muchokwadi, uye nacho vanotonga zvakafanira
Surah Al-Araf, Verse 181
وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا سَنَسۡتَدۡرِجُهُم مِّنۡ حَيۡثُ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye avo vanoramba humbooo hwedu, tichavaparadza (tichavaranga) zvishoma nezvishoma nemutongo wavasingafungiri
Surah Al-Araf, Verse 182
وَأُمۡلِي لَهُمۡۚ إِنَّ كَيۡدِي مَتِينٌ
Uye ndichavasiya kwekanguva; zvirokwazvo hurongwa hwangu hwakasimba
Surah Al-Araf, Verse 183
أَوَلَمۡ يَتَفَكَّرُواْۗ مَا بِصَاحِبِهِم مِّن جِنَّةٍۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا نَذِيرٞ مُّبِينٌ
Havarangariri here? Hapana kuumwe wavo (Muhammad (SAW)) kupenga. Haasi kunze kwemuyambiri ari pachena
Surah Al-Araf, Verse 184
أَوَلَمۡ يَنظُرُواْ فِي مَلَكُوتِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا خَلَقَ ٱللَّهُ مِن شَيۡءٖ وَأَنۡ عَسَىٰٓ أَن يَكُونَ قَدِ ٱقۡتَرَبَ أَجَلُهُمۡۖ فَبِأَيِّ حَدِيثِۭ بَعۡدَهُۥ يُؤۡمِنُونَ
Havatarisi here muhumambo hwekudenga nepanyika uye zvinhu zvese Allah zvavakasika; uye pamwe zvingava kuti kuguma kwehupenyu hwavo kwava pedyo. Saka ndeapi mashoko avachatenda mushure meaya
Surah Al-Araf, Verse 185
مَن يُضۡلِلِ ٱللَّهُ فَلَا هَادِيَ لَهُۥۚ وَيَذَرُهُمۡ فِي طُغۡيَٰنِهِمۡ يَعۡمَهُونَ
Uyo munhu Allah wavanorasisa, hakuna anogona kumutungamira; uye anovasiya mukuterereka kwavo vasingaoni
Surah Al-Araf, Verse 186
يَسۡـَٔلُونَكَ عَنِ ٱلسَّاعَةِ أَيَّانَ مُرۡسَىٰهَاۖ قُلۡ إِنَّمَا عِلۡمُهَا عِندَ رَبِّيۖ لَا يُجَلِّيهَا لِوَقۡتِهَآ إِلَّا هُوَۚ ثَقُلَتۡ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ لَا تَأۡتِيكُمۡ إِلَّا بَغۡتَةٗۗ يَسۡـَٔلُونَكَ كَأَنَّكَ حَفِيٌّ عَنۡهَاۖ قُلۡ إِنَّمَا عِلۡمُهَا عِندَ ٱللَّهِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Vanokubvunza nezvenguva (zuva rekumutswa) (vachiti): “Nguva yacho yakatarwa iriko rinhi?” Iti: “Ruzivo rwacho rwuna Tenzi vangu (Allah). Hakuna anoburitsa pachena nguva yacho kusara kwaivo (Allah). (Nguva yacho) Mutoro wayo unorema kumatenga nekunyika. (Nguva yacho) haizombouyi kwamuri asi kunze kokuti makavarairwa.” Vanokubvunza sokunge iwe une ruzivo nezvayo. Iti: “Ruzivo rwayo runa Allah (voga), asi vanhu vazhinji havazvizivi.”
Surah Al-Araf, Verse 187
قُل لَّآ أَمۡلِكُ لِنَفۡسِي نَفۡعٗا وَلَا ضَرًّا إِلَّا مَا شَآءَ ٱللَّهُۚ وَلَوۡ كُنتُ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ لَٱسۡتَكۡثَرۡتُ مِنَ ٱلۡخَيۡرِ وَمَا مَسَّنِيَ ٱلسُّوٓءُۚ إِنۡ أَنَا۠ إِلَّا نَذِيرٞ وَبَشِيرٞ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Handina kana simba rekubetsera kana kurwadzisa pachangu, asi kunze kwekuti kana Allah vachida. Dai ndaiva noruzivo rwezvisingaoneki ndaiunganidza hupfumi hwakawanda, uye hapana chakaipa chaindiwana. Ndinongori muyambiri chete, uye muunzi wezvakanaka kune avo vanotenda.”
Surah Al-Araf, Verse 188
۞هُوَ ٱلَّذِي خَلَقَكُم مِّن نَّفۡسٖ وَٰحِدَةٖ وَجَعَلَ مِنۡهَا زَوۡجَهَا لِيَسۡكُنَ إِلَيۡهَاۖ فَلَمَّا تَغَشَّىٰهَا حَمَلَتۡ حَمۡلًا خَفِيفٗا فَمَرَّتۡ بِهِۦۖ فَلَمَّآ أَثۡقَلَت دَّعَوَا ٱللَّهَ رَبَّهُمَا لَئِنۡ ءَاتَيۡتَنَا صَٰلِحٗا لَّنَكُونَنَّ مِنَ ٱلشَّـٰكِرِينَ
(Allah) Ndivo vakakusikai kubva kumunhu mumwechete (Adam), uye vakasika kubva kwaari mudzimai wake (Hawwa (Evha)) kuti ave anofara nekugara naye. Paakasangana (murume asingatendi kubva kuvana vaAdam) naye (mukadzi wake asingatendi) pabonde akatakura pamuviri zvisina matambudziko. Uye pakakura pamuviri, vakakumbira Allah, Tenzi vavo (vachiti): “Kana mukatipa akanaka (mwana), zvirokwazvo, tichava avo vevanotenda.”
Surah Al-Araf, Verse 189
فَلَمَّآ ءَاتَىٰهُمَا صَٰلِحٗا جَعَلَا لَهُۥ شُرَكَآءَ فِيمَآ ءَاتَىٰهُمَاۚ فَتَعَٰلَى ٱللَّهُ عَمَّا يُشۡرِكُونَ
Zvino (Allah) pavakavapa (murume nemukadzi wake vasingatendi) mwana akanaka, vakavapa (Allah) vabatsiri mune izvo zvavakanaga vavapa. Asi Allah vari pamusoro peizvo zvavanovasanganisa nazvo sevabatsiri
Surah Al-Araf, Verse 190
أَيُشۡرِكُونَ مَا لَا يَخۡلُقُ شَيۡـٔٗا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ
Varikusanganisa here naAllah avo vasingakwanisi kusika chimwe chinhu asi ivo vakatosikwawo
Surah Al-Araf, Verse 191
وَلَا يَسۡتَطِيعُونَ لَهُمۡ نَصۡرٗا وَلَآ أَنفُسَهُمۡ يَنصُرُونَ
Hapana rubatsiro rwavanokwanisa kuvapa, kana pachavo kuzvibetsera
Surah Al-Araf, Verse 192
وَإِن تَدۡعُوهُمۡ إِلَى ٱلۡهُدَىٰ لَا يَتَّبِعُوكُمۡۚ سَوَآءٌ عَلَيۡكُمۡ أَدَعَوۡتُمُوهُمۡ أَمۡ أَنتُمۡ صَٰمِتُونَ
Uye kana mukavasheedzera kuchokwadi, havakuteverei. Zvakafanana kwamuri kuvasheedza kana kunyarara
Surah Al-Araf, Verse 193
إِنَّ ٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ عِبَادٌ أَمۡثَالُكُمۡۖ فَٱدۡعُوهُمۡ فَلۡيَسۡتَجِيبُواْ لَكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Zvirokwazvo, avo vamunosheedza kunze kwaAllah varanda vakafanana nemi. Naizvozvo vasheedzei vagokudairai kana muri pachokwadi
Surah Al-Araf, Verse 194
أَلَهُمۡ أَرۡجُلٞ يَمۡشُونَ بِهَآۖ أَمۡ لَهُمۡ أَيۡدٖ يَبۡطِشُونَ بِهَآۖ أَمۡ لَهُمۡ أَعۡيُنٞ يُبۡصِرُونَ بِهَآۖ أَمۡ لَهُمۡ ءَاذَانٞ يَسۡمَعُونَ بِهَاۗ قُلِ ٱدۡعُواْ شُرَكَآءَكُمۡ ثُمَّ كِيدُونِ فَلَا تُنظِرُونِ
Vane makumbo here avanofamba nawo? Kana kuti vane maoko here avanobata nawo? Kana kuti vane maziso here avanoona nawo? Kana kuti vane nzeve here dzavanonzwa nadzo? Iti (Muhammad (SAW)): “Daidzai shamwari dzenyu dzamunosanganisa naAllah uye mondirongera (zvakaipa), uye musandipa nguva!”
Surah Al-Araf, Verse 195
إِنَّ وَلِـِّۧيَ ٱللَّهُ ٱلَّذِي نَزَّلَ ٱلۡكِتَٰبَۖ وَهُوَ يَتَوَلَّى ٱلصَّـٰلِحِينَ
“Zvirokwazvo, muchengeti wangu ndiAllah avo vakadzikisa Bhuku (Qur’aan), uye ndivo vanochengeta avo vanoita mabasa akanaka.”
Surah Al-Araf, Verse 196
وَٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ لَا يَسۡتَطِيعُونَ نَصۡرَكُمۡ وَلَآ أَنفُسَهُمۡ يَنصُرُونَ
“Uye avo vamunodaidza kunze kwaAllah havakwanisi kukubatsirai kana kuzvibatsira pachavo.”
Surah Al-Araf, Verse 197
وَإِن تَدۡعُوهُمۡ إِلَى ٱلۡهُدَىٰ لَا يَسۡمَعُواْۖ وَتَرَىٰهُمۡ يَنظُرُونَ إِلَيۡكَ وَهُمۡ لَا يُبۡصِرُونَ
“Uye kana mukavadaidzira kuchokwadi havanzwi, uye unovaona vakakutarisa asi havaoni.”
Surah Al-Araf, Verse 198
خُذِ ٱلۡعَفۡوَ وَأۡمُرۡ بِٱلۡعُرۡفِ وَأَعۡرِضۡ عَنِ ٱلۡجَٰهِلِينَ
Iva unoratidza ruregerero, uye kurudzira zvakanaka, uye furatira avo vasingazivi (usavaranga)
Surah Al-Araf, Verse 199
وَإِمَّا يَنزَغَنَّكَ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ نَزۡغٞ فَٱسۡتَعِذۡ بِٱللَّهِۚ إِنَّهُۥ سَمِيعٌ عَلِيمٌ
Uye kana kuzevezera kwakashata kwauya kwauri kubva kuna Dhiyabhorosi, tsvaga chengetedzo kubva kuna Allah. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvose
Surah Al-Araf, Verse 200
إِنَّ ٱلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْ إِذَا مَسَّهُمۡ طَـٰٓئِفٞ مِّنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ تَذَكَّرُواْ فَإِذَا هُم مُّبۡصِرُونَ
Zvirokwazvo, avo vanotya Allah, kana zvakaipa zvikauya kwavari kubva kuna Dhiyabhorosi, vanorangarira (Allah), uye vanobva vaona (chokwadi)
Surah Al-Araf, Verse 201
وَإِخۡوَٰنُهُمۡ يَمُدُّونَهُمۡ فِي ٱلۡغَيِّ ثُمَّ لَا يُقۡصِرُونَ
Uye madzikoma avo (vanaDhiyabhorosi) vanovawedzera kutadza, zvakare havaregeri
Surah Al-Araf, Verse 202
وَإِذَا لَمۡ تَأۡتِهِم بِـَٔايَةٖ قَالُواْ لَوۡلَا ٱجۡتَبَيۡتَهَاۚ قُلۡ إِنَّمَآ أَتَّبِعُ مَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّ مِن رَّبِّيۚ هَٰذَا بَصَآئِرُ مِن رَّبِّكُمۡ وَهُدٗى وَرَحۡمَةٞ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Uye ukasavaunzira chishamiso vanoti: “Sei usina kutiunzira chishamiso?” Iti: “Zvirokwazvo, ndinongotevera chete izvo zvakadzikiswa kwandiri kubva kunaTenzi vangu. Iri (Qur’aan) ndihwo humboo kubva kuna Tenzi venyu, nekutungamirwa uye tsitsi kuvanhu vanotenda.”
Surah Al-Araf, Verse 203
وَإِذَا قُرِئَ ٱلۡقُرۡءَانُ فَٱسۡتَمِعُواْ لَهُۥ وَأَنصِتُواْ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ
Uye kana Qur’aan richiverengwa ivai munoriteerera, uye monyarara kuti pamwe mungaratidzwe tsitsi (naAllah)
Surah Al-Araf, Verse 204
وَٱذۡكُر رَّبَّكَ فِي نَفۡسِكَ تَضَرُّعٗا وَخِيفَةٗ وَدُونَ ٱلۡجَهۡرِ مِنَ ٱلۡقَوۡلِ بِٱلۡغُدُوِّ وَٱلۡأٓصَالِ وَلَا تَكُن مِّنَ ٱلۡغَٰفِلِينَ
Uye rangarira Tenzi vako pachezvako uchizvininipisa nekutya, uye neizwi riripasi mangwanani nemanheru, uye usave umwe veavo vasina hanya
Surah Al-Araf, Verse 205
إِنَّ ٱلَّذِينَ عِندَ رَبِّكَ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ عَنۡ عِبَادَتِهِۦ وَيُسَبِّحُونَهُۥ وَلَهُۥ يَسۡجُدُونَۤ۩
Zvirokwazvo, avo vana Tenzi vako (ngirozi) havazvitutumadze mukuvanamata, asi vanovarumbidza uye vanovapfugamira
Surah Al-Araf, Verse 206