Surah Al-Araf Verse 143 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafوَلَمَّا جَآءَ مُوسَىٰ لِمِيقَٰتِنَا وَكَلَّمَهُۥ رَبُّهُۥ قَالَ رَبِّ أَرِنِيٓ أَنظُرۡ إِلَيۡكَۚ قَالَ لَن تَرَىٰنِي وَلَٰكِنِ ٱنظُرۡ إِلَى ٱلۡجَبَلِ فَإِنِ ٱسۡتَقَرَّ مَكَانَهُۥ فَسَوۡفَ تَرَىٰنِيۚ فَلَمَّا تَجَلَّىٰ رَبُّهُۥ لِلۡجَبَلِ جَعَلَهُۥ دَكّٗا وَخَرَّ مُوسَىٰ صَعِقٗاۚ فَلَمَّآ أَفَاقَ قَالَ سُبۡحَٰنَكَ تُبۡتُ إِلَيۡكَ وَأَنَا۠ أَوَّلُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ
Uye Musa paakauya panguva nenzvimbo yakatarwa, uye Tenzi vake vakataura naye, akati: “Imi Tenzi vangu! Zviratidzei kwandiri kuti ndive ndinokuonai.” Allah vakati: “Haukwanisi kundiona asi tarisa pagomo, rikaramba rimire panzvimbo yaro uchandiona.” Naizvozvo Tenzi vake pavakazviratidza pagomo, vakariita kuti rive rinoparara kuita huruva, uye Musa akawira pasi akakomoka (asisazivi zvaaiita). Uye paakanga ava kuziva zvaaiita akati: “Kurumbidzwa ngakuve kwamuri (Allah), ndinotendeuka kwamuri mururegerero, uye ndiri wekutanga wevatendi.”