Surah Al-Araf Verse 85 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafوَإِلَىٰ مَدۡيَنَ أَخَاهُمۡ شُعَيۡبٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ قَدۡ جَآءَتۡكُم بَيِّنَةٞ مِّن رَّبِّكُمۡۖ فَأَوۡفُواْ ٱلۡكَيۡلَ وَٱلۡمِيزَانَ وَلَا تَبۡخَسُواْ ٱلنَّاسَ أَشۡيَآءَهُمۡ وَلَا تُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ بَعۡدَ إِصۡلَٰحِهَاۚ ذَٰلِكُمۡ خَيۡرٞ لَّكُمۡ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ
Uye ku (vanhu veku) Madyan, takava tinotumira mukoma wavo Shuaib. Akati kwavari: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Zvirokwazvo, humboo huri pachena hwave hunouya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo ipai chiero chakakwana uye neuremu hwakakwana, uye musave munokanganisira vanhu muzvinhu zvavo, uye musave munokonzeresa zvakaipa munyika mushure mekunge yagadziriswa, izvi zvinova zvakanaka kwamuri kana muri vatendi.”