Surah Al-Araf Verse 172 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafوَإِذۡ أَخَذَ رَبُّكَ مِنۢ بَنِيٓ ءَادَمَ مِن ظُهُورِهِمۡ ذُرِّيَّتَهُمۡ وَأَشۡهَدَهُمۡ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ أَلَسۡتُ بِرَبِّكُمۡۖ قَالُواْ بَلَىٰ شَهِدۡنَآۚ أَن تَقُولُواْ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ إِنَّا كُنَّا عَنۡ هَٰذَا غَٰفِلِينَ
Uye (yeuka) apo Tenzi vako (Allah) vakaburitsa kubva muvana vaAdam, kubva kumisana yavo, vana vavo (kana kuti kubva kumusana waAdam vana vake), uye vakavaita kuti vave vanopa huchapupu pachavo (Allah vachiti): “Handisi ini here Tenzi venyu?” Vakati: “Hongu! Tinopa huchapupu”, pamwe nezuva rekumutswa (Qiyaamah) mungazoti: “Zvirokwazvo izvi takanga tisingazvizivi.”