Surah Al-Araf Verse 37 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafفَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا أَوۡ كَذَّبَ بِـَٔايَٰتِهِۦٓۚ أُوْلَـٰٓئِكَ يَنَالُهُمۡ نَصِيبُهُم مِّنَ ٱلۡكِتَٰبِۖ حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُنَا يَتَوَفَّوۡنَهُمۡ قَالُوٓاْ أَيۡنَ مَا كُنتُمۡ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِۖ قَالُواْ ضَلُّواْ عَنَّا وَشَهِدُواْ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ أَنَّهُمۡ كَانُواْ كَٰفِرِينَ
Ndeupi anonyanyodzvinyirira pane uyo anogadzira manyepo pamusoro paAllah kana anoramba zviratidzo zvavo? Ivavo vachawana chidimbu chavo chakatarwa (zvakanaka zvehupenyu hwepasi rino) kubva muBhuku, kusvikira vatumwa vedu (ngirozi yerufu nevabatsiri vayo) vauya kwavari kuzotora mweya yavo, dzichati (ngirozi): “Ko varipi avo vamaikumbira nekunamata kunze kwaAllah?” Vachapindura vachiti: “Vatsakatika kwatiri.” Uye vachava vanozvipupurira pachezvavo, kuti zvirokwazvo vakanga vasiri vatendi