Surah Al-Araf Verse 160 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafوَقَطَّعۡنَٰهُمُ ٱثۡنَتَيۡ عَشۡرَةَ أَسۡبَاطًا أُمَمٗاۚ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ إِذِ ٱسۡتَسۡقَىٰهُ قَوۡمُهُۥٓ أَنِ ٱضۡرِب بِّعَصَاكَ ٱلۡحَجَرَۖ فَٱنۢبَجَسَتۡ مِنۡهُ ٱثۡنَتَا عَشۡرَةَ عَيۡنٗاۖ قَدۡ عَلِمَ كُلُّ أُنَاسٖ مَّشۡرَبَهُمۡۚ وَظَلَّلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلۡغَمَٰمَ وَأَنزَلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلۡمَنَّ وَٱلسَّلۡوَىٰۖ كُلُواْ مِن طَيِّبَٰتِ مَا رَزَقۡنَٰكُمۡۚ وَمَا ظَلَمُونَا وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ
Uye takava tinovapatsanura kuva ndudzi gumi nezviviri semapoka (akasiyana). Takava tinoudza Musa apo vanhu vake pavakamubvunza mvura (tichiti): “Rova dombo netsvimbo yako”, nokudaro mvura yakava inobuda kubva muzvitubu gumi nezviviri, boka rimwe nerimwe rakaziva nzvimbo yaro yemvura. Takava tinovafukidza nemumvuri wemakore uye tikatumira kwavari Manna (chikafu chinotapira) neSalwa (Zvihuta) (tichiti): “Idyai kubva mune zvakanaka zvatakupai.” Havana kutikanganisira, asi vakazvinganisira pachavo