Surah Al-Araf Verse 189 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Araf۞هُوَ ٱلَّذِي خَلَقَكُم مِّن نَّفۡسٖ وَٰحِدَةٖ وَجَعَلَ مِنۡهَا زَوۡجَهَا لِيَسۡكُنَ إِلَيۡهَاۖ فَلَمَّا تَغَشَّىٰهَا حَمَلَتۡ حَمۡلًا خَفِيفٗا فَمَرَّتۡ بِهِۦۖ فَلَمَّآ أَثۡقَلَت دَّعَوَا ٱللَّهَ رَبَّهُمَا لَئِنۡ ءَاتَيۡتَنَا صَٰلِحٗا لَّنَكُونَنَّ مِنَ ٱلشَّـٰكِرِينَ
(Allah) Ndivo vakakusikai kubva kumunhu mumwechete (Adam), uye vakasika kubva kwaari mudzimai wake (Hawwa (Evha)) kuti ave anofara nekugara naye. Paakasangana (murume asingatendi kubva kuvana vaAdam) naye (mukadzi wake asingatendi) pabonde akatakura pamuviri zvisina matambudziko. Uye pakakura pamuviri, vakakumbira Allah, Tenzi vavo (vachiti): “Kana mukatipa akanaka (mwana), zvirokwazvo, tichava avo vevanotenda.”