Surah Al-Araf Verse 53 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafهَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا تَأۡوِيلَهُۥۚ يَوۡمَ يَأۡتِي تَأۡوِيلُهُۥ يَقُولُ ٱلَّذِينَ نَسُوهُ مِن قَبۡلُ قَدۡ جَآءَتۡ رُسُلُ رَبِّنَا بِٱلۡحَقِّ فَهَل لَّنَا مِن شُفَعَآءَ فَيَشۡفَعُواْ لَنَآ أَوۡ نُرَدُّ فَنَعۡمَلَ غَيۡرَ ٱلَّذِي كُنَّا نَعۡمَلُۚ قَدۡ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ
Pane chavangamirire here kunze kwemagumo azvo? Zuva richauya kuzadzikiswa kwemagumo, avo vaimborifuratira mushure vachati: “Zvirokwazvo, vatumwa vaTenzi vedu vakauya nechokwadi, iyezvino pane vamiriri vedu here kuti vave vanotimirira? Kana kuti tingadzorerwe here (panyika) kuti tinoita mabasa (akanaka) kwete ayo (akaipa) ataimboita?” Zvirokwazvo, vakave vanorasikirwa (vakazviparadza) pachezvavo, uye neizvo zvavaiwedzeredza (kunamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah) zvave zvinoshaika kwavari