Surah Al-Araf Verse 69 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafأَوَعَجِبۡتُمۡ أَن جَآءَكُمۡ ذِكۡرٞ مِّن رَّبِّكُمۡ عَلَىٰ رَجُلٖ مِّنكُمۡ لِيُنذِرَكُمۡۚ وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ جَعَلَكُمۡ خُلَفَآءَ مِنۢ بَعۡدِ قَوۡمِ نُوحٖ وَزَادَكُمۡ فِي ٱلۡخَلۡقِ بَصۜۡطَةٗۖ فَٱذۡكُرُوٓاْ ءَالَآءَ ٱللَّهِ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ
“Munoshamiswa here kuti kwauya yeuchidzo kwamuri kubva kuna Tenzi venyu kuburikidza nemurume pakati penyu kuti akuyambirei? Uye yeukai kuti (Allah) vakakuitai vatevedzeri mushure mevanhu vaNowa, uye vakakuwedzerai muzvimiro. Naizvozvo rangarirai nyasha dzaAllah kuti muve munobudirira.”