Surah Al-Araf Verse 150 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafوَلَمَّا رَجَعَ مُوسَىٰٓ إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ غَضۡبَٰنَ أَسِفٗا قَالَ بِئۡسَمَا خَلَفۡتُمُونِي مِنۢ بَعۡدِيٓۖ أَعَجِلۡتُمۡ أَمۡرَ رَبِّكُمۡۖ وَأَلۡقَى ٱلۡأَلۡوَاحَ وَأَخَذَ بِرَأۡسِ أَخِيهِ يَجُرُّهُۥٓ إِلَيۡهِۚ قَالَ ٱبۡنَ أُمَّ إِنَّ ٱلۡقَوۡمَ ٱسۡتَضۡعَفُونِي وَكَادُواْ يَقۡتُلُونَنِي فَلَا تُشۡمِتۡ بِيَ ٱلۡأَعۡدَآءَ وَلَا تَجۡعَلۡنِي مَعَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ
Uye Musa paakadzokera kuvanhu vake, akatsamwa uye akasuwa, akati: “Chinhu chakaipa ndeicho chamaita ndisipo (kunamata chimhuru). Makurumidzira mutemo waTenzi venyu here?” Uye (Musa) akakanda magwaro pasi uye akabata mukoma wake nemusoro wake uye akamudhonzera kwaari. Aroni akati: “Iwe mwana waamai vangu! Zvirokwazvo, vanhu vakandiona sendisina simba uye vaida kutondiuraya, naizvozvo usaita kuti vavengi vafare pamusoro pangu, kana kundiisa pakati pevanhu vanoita mabasa akaipa.”