Surah Al-Araf Verse 73 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Arafوَإِلَىٰ ثَمُودَ أَخَاهُمۡ صَٰلِحٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ قَدۡ جَآءَتۡكُم بَيِّنَةٞ مِّن رَّبِّكُمۡۖ هَٰذِهِۦ نَاقَةُ ٱللَّهِ لَكُمۡ ءَايَةٗۖ فَذَرُوهَا تَأۡكُلۡ فِيٓ أَرۡضِ ٱللَّهِۖ وَلَا تَمَسُّوهَا بِسُوٓءٖ فَيَأۡخُذَكُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Uye kumaThamood, takava tinotumira mukoma wavo Swaalih. Akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Zvirokwazvo, kwave kunouya kwamuri chiratidzo chiri pachena (kubuda kwengamera hombe kubva mugomo) kubva kuna Tenzi venyu. Ngamera hadzi iyi yaAllah chiratidzo kwamuri. Nokudaro iregei ichifura munyika yaAllah, uye hamufaniri kuikanganisa, kana kuti mungangowanikwa nomutongo mukuru.”