Surah Al-Maarij - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
سَأَلَ سَآئِلُۢ بِعَذَابٖ وَاقِعٖ
Mubvunzi akabvunza maererano nemutongo uchaitika
Surah Al-Maarij, Verse 1
لِّلۡكَٰفِرِينَ لَيۡسَ لَهُۥ دَافِعٞ
Kune vasingatendi, uyo usina anokwanisa kuudzivirira
Surah Al-Maarij, Verse 2
مِّنَ ٱللَّهِ ذِي ٱلۡمَعَارِجِ
Kubva kuna Allah, Tenzi venzira dzekukwira
Surah Al-Maarij, Verse 3
تَعۡرُجُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ وَٱلرُّوحُ إِلَيۡهِ فِي يَوۡمٖ كَانَ مِقۡدَارُهُۥ خَمۡسِينَ أَلۡفَ سَنَةٖ
Ngirozi neRooh (Gabriel) dzinokwira kwavari pazuva rakaenzana nemakore zvuru makumi mashanu
Surah Al-Maarij, Verse 4
فَٱصۡبِرۡ صَبۡرٗا جَمِيلًا
Naizvozvo tsungirira (Iwe Muhammad (SAW)) kutsungirira kwakanaka
Surah Al-Maarij, Verse 5
إِنَّهُمۡ يَرَوۡنَهُۥ بَعِيدٗا
Zvirokwazvo, vanouona (mutongo) seuri kure
Surah Al-Maarij, Verse 6
وَنَرَىٰهُ قَرِيبٗا
Asi tinouona uri padyo
Surah Al-Maarij, Verse 7
يَوۡمَ تَكُونُ ٱلسَّمَآءُ كَٱلۡمُهۡلِ
Zuva iro denga richaita kunge marara emafuta akavira
Surah Al-Maarij, Verse 8
وَتَكُونُ ٱلۡجِبَالُ كَٱلۡعِهۡنِ
Uye makomo achaita kunge marara eshinda
Surah Al-Maarij, Verse 9
وَلَا يَسۡـَٔلُ حَمِيمٌ حَمِيمٗا
Uye hapana shamwari ichabvunza shamwari
Surah Al-Maarij, Verse 10
يُبَصَّرُونَهُمۡۚ يَوَدُّ ٱلۡمُجۡرِمُ لَوۡ يَفۡتَدِي مِنۡ عَذَابِ يَوۡمِئِذِۭ بِبَنِيهِ
Kunyangwe vachange vachionana (pazuva rokutongwa, asi hapana achataudza mumwe kana kubvunza). Mutadzi achashuvira kuzvibhadharira kubva kune marwadzo ezuva iroro nevana vake
Surah Al-Maarij, Verse 11
وَصَٰحِبَتِهِۦ وَأَخِيهِ
Uye mukadzi wake nemukoma wake
Surah Al-Maarij, Verse 12
وَفَصِيلَتِهِ ٱلَّتِي تُـٔۡوِيهِ
Uye nehama dzake dzaimuchengeta
Surah Al-Maarij, Verse 13
وَمَن فِي ٱلۡأَرۡضِ جَمِيعٗا ثُمَّ يُنجِيهِ
Uye nevese vari panyika kuti vamubatsire (vamununure)
Surah Al-Maarij, Verse 14
كَلَّآۖ إِنَّهَا لَظَىٰ
Hazvigoneke! Zvirokwazvo, uchange uri moto wekuGehena
Surah Al-Maarij, Verse 15
نَزَّاعَةٗ لِّلشَّوَىٰ
Uchitora (uchipisa) nyama yemusoro
Surah Al-Maarij, Verse 16
تَدۡعُواْ مَنۡ أَدۡبَرَ وَتَوَلَّىٰ
Uchisheedza uyo akafuratira nemusana wake nechiso chake (achisiya kutenda)
Surah Al-Maarij, Verse 17
وَجَمَعَ فَأَوۡعَىٰٓ
Achiunganidza (hupfumi) uye achiuvanza (kubva mukupa munzira yaAllah)
Surah Al-Maarij, Verse 18
۞إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ خُلِقَ هَلُوعًا
Zvirokwazvo, munhu akasikwa ane kusatsungirira
Surah Al-Maarij, Verse 19
إِذَا مَسَّهُ ٱلشَّرُّ جَزُوعٗا
Kana zvakaipa zvamubata anonyunyuta
Surah Al-Maarij, Verse 20
وَإِذَا مَسَّهُ ٱلۡخَيۡرُ مَنُوعًا
Uye kana zvakanaka zvamubata anonyima
Surah Al-Maarij, Verse 21
إِلَّا ٱلۡمُصَلِّينَ
Kusara kweavo vanonamata (vanoita Swalaah)
Surah Al-Maarij, Verse 22
ٱلَّذِينَ هُمۡ عَلَىٰ صَلَاتِهِمۡ دَآئِمُونَ
Avo vanobatisisa minamato yavo
Surah Al-Maarij, Verse 23
وَٱلَّذِينَ فِيٓ أَمۡوَٰلِهِمۡ حَقّٞ مَّعۡلُومٞ
Uye avo muhupfumi hwavo munekodzero dzinozivikana
Surah Al-Maarij, Verse 24
لِّلسَّآئِلِ وَٱلۡمَحۡرُومِ
Kune anokumbira uye anoshaya (anorasikirwa nehupfumi wake uye upenyu womuomera)
Surah Al-Maarij, Verse 25
وَٱلَّذِينَ يُصَدِّقُونَ بِيَوۡمِ ٱلدِّينِ
Uye avo vanotenda muzuva rekutongwa
Surah Al-Maarij, Verse 26
وَٱلَّذِينَ هُم مِّنۡ عَذَابِ رَبِّهِم مُّشۡفِقُونَ
Uye avo vanotya mutongo waTenzi vavo
Surah Al-Maarij, Verse 27
إِنَّ عَذَابَ رَبِّهِمۡ غَيۡرُ مَأۡمُونٖ
Zvirokwazvo, mutongo waTenzi vavo ndeuyo usina ani nani angazvidzivirire
Surah Al-Maarij, Verse 28
وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِفُرُوجِهِمۡ حَٰفِظُونَ
Uye avo vanochengetedza nhengo dzavo dzakavanzika (kubva muhupombwe nedzimwe nzira dzisiri pamutemo dzekuzvifadza nadzo)
Surah Al-Maarij, Verse 29
إِلَّا عَلَىٰٓ أَزۡوَٰجِهِمۡ أَوۡ مَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُمۡ فَإِنَّهُمۡ غَيۡرُ مَلُومِينَ
Kunze kwekuvakadzi vavo kana (varandakadzi) vari mumaoko avo ekurudyi. Kwavari hakuna kupomerwa mhosva
Surah Al-Maarij, Verse 30
فَمَنِ ٱبۡتَغَىٰ وَرَآءَ ذَٰلِكَ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡعَادُونَ
Asi uyo achatsvaka zvinopfurikidza ipapo, ndivo avo vatadzi (vanopfurikidza mwero)
Surah Al-Maarij, Verse 31
وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِأَمَٰنَٰتِهِمۡ وَعَهۡدِهِمۡ رَٰعُونَ
Uye avo vanochengeta vimbiso dzavo nemhiko
Surah Al-Maarij, Verse 32
وَٱلَّذِينَ هُم بِشَهَٰدَٰتِهِمۡ قَآئِمُونَ
Uye avo vanomira zvakadzama pauchapupu hwavo
Surah Al-Maarij, Verse 33
وَٱلَّذِينَ هُمۡ عَلَىٰ صَلَاتِهِمۡ يُحَافِظُونَ
Uye avo vanochengetedza zvakanaka minamato yavo (Swalaah)
Surah Al-Maarij, Verse 34
أُوْلَـٰٓئِكَ فِي جَنَّـٰتٖ مُّكۡرَمُونَ
Vakadaro ndivo vachagara muParadhiso vachiremekedzwa
Surah Al-Maarij, Verse 35
فَمَالِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ قِبَلَكَ مُهۡطِعِينَ
Naizvozvo sei avo vasingatendi vachimhanyira kukuteerera (Iwe Muhammad (SAW), kuti vave vanokuramba kana kukuseka
Surah Al-Maarij, Verse 36
عَنِ ٱلۡيَمِينِ وَعَنِ ٱلشِّمَالِ عِزِينَ
(Vakagara) Muzvikwata zvikwata kurudyi nekuruboshwe (kwako iwe Muhammad (SAW)
Surah Al-Maarij, Verse 37
أَيَطۡمَعُ كُلُّ ٱمۡرِيٕٖ مِّنۡهُمۡ أَن يُدۡخَلَ جَنَّةَ نَعِيمٖ
Munhu wese pakati pavo anoshuvira here kupinda Paradhiso remafaro
Surah Al-Maarij, Verse 38
كَلَّآۖ إِنَّا خَلَقۡنَٰهُم مِّمَّا يَعۡلَمُونَ
Kwete! Zvirokwazvo, takavasika kubva kune izvo zvavanoziva
Surah Al-Maarij, Verse 39
فَلَآ أُقۡسِمُ بِرَبِّ ٱلۡمَشَٰرِقِ وَٱلۡمَغَٰرِبِ إِنَّا لَقَٰدِرُونَ
Naizvozvo ndinopika naTenzi vemabvazuva nemadokero kuti zvokwadi tinokwanisa
Surah Al-Maarij, Verse 40
عَلَىٰٓ أَن نُّبَدِّلَ خَيۡرٗا مِّنۡهُمۡ وَمَا نَحۡنُ بِمَسۡبُوقِينَ
Kuunza vamwe vari nani pachinzvimbo chavo; uye hapana vanotikunda
Surah Al-Maarij, Verse 41
فَذَرۡهُمۡ يَخُوضُواْ وَيَلۡعَبُواْ حَتَّىٰ يُلَٰقُواْ يَوۡمَهُمُ ٱلَّذِي يُوعَدُونَ
Naizvozvo vasiyei vachitaura mukuzvikudza nekutamba kudzamara vasangana nezuva ravo iro ravakavimbiswa
Surah Al-Maarij, Verse 42
يَوۡمَ يَخۡرُجُونَ مِنَ ٱلۡأَجۡدَاثِ سِرَاعٗا كَأَنَّهُمۡ إِلَىٰ نُصُبٖ يُوفِضُونَ
Zuva iro ravachabuda mumakuva nekuchimbidza sevari kumhanyira kune chinangwa
Surah Al-Maarij, Verse 43
خَٰشِعَةً أَبۡصَٰرُهُمۡ تَرۡهَقُهُمۡ ذِلَّةٞۚ ذَٰلِكَ ٱلۡيَوۡمُ ٱلَّذِي كَانُواْ يُوعَدُونَ
Maziso avo akatarisa pasi nekutya uye nekuzvininipisa, vakazara nekuzvidzikisira! Iro ndiro zuva ravakavimbiswa
Surah Al-Maarij, Verse 44