Surah AL-Infitar - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
إِذَا ٱلسَّمَآءُ ٱنفَطَرَتۡ
Apo denga parichapatsanurwa
Surah AL-Infitar, Verse 1
وَإِذَا ٱلۡكَوَاكِبُ ٱنتَثَرَتۡ
Uye apo nyeredzi padzichadonha dzakamwararira (dzakafararira)
Surah AL-Infitar, Verse 2
وَإِذَا ٱلۡبِحَارُ فُجِّرَتۡ
Uye apo nzizi padzichazarisa (padzichapfachukira)
Surah AL-Infitar, Verse 3
وَإِذَا ٱلۡقُبُورُ بُعۡثِرَتۡ
Uye apo makuva paachashandurwa (achiburitsa zvinenge zviri maari)
Surah AL-Infitar, Verse 4
عَلِمَتۡ نَفۡسٞ مَّا قَدَّمَتۡ وَأَخَّرَتۡ
(Ipapo) Munhu achaziva zvaakaita uye zvaakasiya (zvaasina kuita)
Surah AL-Infitar, Verse 5
يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡإِنسَٰنُ مَا غَرَّكَ بِرَبِّكَ ٱلۡكَرِيمِ
Iwe munhu! Chii chakuita kuti ushaye hanya nezvaTenzi vako, vanoremekedzwa
Surah AL-Infitar, Verse 6
ٱلَّذِي خَلَقَكَ فَسَوَّىٰكَ فَعَدَلَكَ
Avo vakakusika, vakakupa chimiro chakanaka, uye vakakupa zvakaenzanirana
Surah AL-Infitar, Verse 7
فِيٓ أَيِّ صُورَةٖ مَّا شَآءَ رَكَّبَكَ
Mune ipi nzira yavaida, vakakuisa (vakakuunza) pamwechete
Surah AL-Infitar, Verse 8
كَلَّا بَلۡ تُكَذِّبُونَ بِٱلدِّينِ
Asi munoramba Ad-Deen (zuva rekutongwa)
Surah AL-Infitar, Verse 9
وَإِنَّ عَلَيۡكُمۡ لَحَٰفِظِينَ
Uye zvirokwazvo pamusoro penyu (pane ngirozi dzakasarudzwa) kuti dzikutarisei
Surah AL-Infitar, Verse 10
كِرَامٗا كَٰتِبِينَ
Kiraaman (dzinoremekedzeka) Kaatibeen dzichinyora pasi (mabasa enyu)
Surah AL-Infitar, Verse 11
يَعۡلَمُونَ مَا تَفۡعَلُونَ
Dzinoziva zvose zvamunoita
Surah AL-Infitar, Verse 12
إِنَّ ٱلۡأَبۡرَارَ لَفِي نَعِيمٖ
Zvirokwazvo, Al-Abraar (vatendi vatsvene) vachava mumufaro (Paradhiso)
Surah AL-Infitar, Verse 13
وَإِنَّ ٱلۡفُجَّارَ لَفِي جَحِيمٖ
Uye zvirokwazvo, Al-Fujjaar (vatadzi) vachava mumoto unopisa
Surah AL-Infitar, Verse 14
يَصۡلَوۡنَهَا يَوۡمَ ٱلدِّينِ
Vachapindamo, voravira marimi awo (moto) anopisa pazuva rekutongwa
Surah AL-Infitar, Verse 15
وَمَا هُمۡ عَنۡهَا بِغَآئِبِينَ
Uye imomo havazomboshaikwi
Surah AL-Infitar, Verse 16
وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا يَوۡمُ ٱلدِّينِ
Uye chii chichaita kuti uzive chinonzi zuva rekutongwa
Surah AL-Infitar, Verse 17
ثُمَّ مَآ أَدۡرَىٰكَ مَا يَوۡمُ ٱلدِّينِ
Zvakare, chii chichaita kuti uzive zuva rekutongwa
Surah AL-Infitar, Verse 18
يَوۡمَ لَا تَمۡلِكُ نَفۡسٞ لِّنَفۡسٖ شَيۡـٔٗاۖ وَٱلۡأَمۡرُ يَوۡمَئِذٖ لِّلَّهِ
Zuva iro hapana munhu achange aine simba rekuiitira mumwe chii zvacho, uye mutongo, zuva iroro uchange uina Allah
Surah AL-Infitar, Verse 19