UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Mutaffifin - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


وَيۡلٞ لِّلۡمُطَفِّفِينَ

Matambudziko kune Al-Mutwaffifoon (avo vanobiridzira, vanopa zvishoma pakuera nepauremu)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 1


ٱلَّذِينَ إِذَا ٱكۡتَالُواْ عَلَى ٱلنَّاسِ يَسۡتَوۡفُونَ

Avo kana vachitambira mupimo kubva kuvanhu vanoda mupimo wakazara
Surah Al-Mutaffifin, Verse 2


وَإِذَا كَالُوهُمۡ أَو وَّزَنُوهُمۡ يُخۡسِرُونَ

Uye kana vachipa nemupimo kana huremu kune (vamwe) vanhu vanopa zvishoma
Surah Al-Mutaffifin, Verse 3


أَلَا يَظُنُّ أُوْلَـٰٓئِكَ أَنَّهُم مَّبۡعُوثُونَ

Havafungi here kuti vachamutswa
Surah Al-Mutaffifin, Verse 4


لِيَوۡمٍ عَظِيمٖ

Pazuva guru
Surah Al-Mutaffifin, Verse 5


يَوۡمَ يَقُومُ ٱلنَّاسُ لِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ

Zuva iro vanhu vachamira pamberi paTenzi vepasi rose
Surah Al-Mutaffifin, Verse 6


كَلَّآ إِنَّ كِتَٰبَ ٱلۡفُجَّارِ لَفِي سِجِّينٖ

Kwete! Zvirokwazvo, zvinyorwa zvemabasa evatadzi zviri muSijjeen
Surah Al-Mutaffifin, Verse 7


وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا سِجِّينٞ

Uye chii chinoita kuti uzive kuti Sijjeen chii
Surah Al-Mutaffifin, Verse 8


كِتَٰبٞ مَّرۡقُومٞ

Ibhuku rakanyorwa
Surah Al-Mutaffifin, Verse 9


وَيۡلٞ يَوۡمَئِذٖ لِّلۡمُكَذِّبِينَ

Matambudziko pazuva iroro kune avo vanoramba
Surah Al-Mutaffifin, Verse 10


ٱلَّذِينَ يُكَذِّبُونَ بِيَوۡمِ ٱلدِّينِ

Avo vanoramba zuva rekutongwa
Surah Al-Mutaffifin, Verse 11


وَمَا يُكَذِّبُ بِهِۦٓ إِلَّا كُلُّ مُعۡتَدٍ أَثِيمٍ

Uye hapana anoriramba kusara kweuyo anopfurikidza miganhu (pakusatenda, pakudzvinyirira uye pakusateerera Allah), mutadzi
Surah Al-Mutaffifin, Verse 12


إِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِ ءَايَٰتُنَا قَالَ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ

Kana ndima dzedu dzichiverengwa kwaari anoti: “Inyaya dzevanhu vakare!”
Surah Al-Mutaffifin, Verse 13


كَلَّاۖ بَلۡۜ رَانَ عَلَىٰ قُلُوبِهِم مَّا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ

Kwete! Asi pamoyo yavo pane Raan (chivharo chezvitadzo nemabasa akaipa) avaiwana
Surah Al-Mutaffifin, Verse 14


كَلَّآ إِنَّهُمۡ عَن رَّبِّهِمۡ يَوۡمَئِذٖ لَّمَحۡجُوبُونَ

Kwete! Zvirokwazvo, (vatadzi) vachavharidzirwa kuona Tenzi vavo pazuva iroro
Surah Al-Mutaffifin, Verse 15


ثُمَّ إِنَّهُمۡ لَصَالُواْ ٱلۡجَحِيمِ

Uye zvirokwazvo vachava vanopinda murima remoto weGehena
Surah Al-Mutaffifin, Verse 16


ثُمَّ يُقَالُ هَٰذَا ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تُكَذِّبُونَ

Uye zvichanzi kwavari: “Izvi ndizvo zvamairamba!”
Surah Al-Mutaffifin, Verse 17


كَلَّآ إِنَّ كِتَٰبَ ٱلۡأَبۡرَارِ لَفِي عِلِّيِّينَ

Kwete! Zvirokwazvo, zvinyorwa zvemabasa evatendi zviri muIlliyyoon
Surah Al-Mutaffifin, Verse 18


وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا عِلِّيُّونَ

Uye chii chinoita kuti uzive kuti Illiyyoon chii
Surah Al-Mutaffifin, Verse 19


كِتَٰبٞ مَّرۡقُومٞ

Ibhuku rakanyorwa
Surah Al-Mutaffifin, Verse 20


يَشۡهَدُهُ ٱلۡمُقَرَّبُونَ

Iro rinoitirwa uchapupu nevaripedyo (ngirozi)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 21


إِنَّ ٱلۡأَبۡرَارَ لَفِي نَعِيمٍ

Zvirokwazvo, vatendi (muIslaam) vachange vari mumafaro (Paradhiso)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 22


عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِ يَنظُرُونَ

Pazvigaro, vachitarisa (zvinhu zvose)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 23


تَعۡرِفُ فِي وُجُوهِهِمۡ نَضۡرَةَ ٱلنَّعِيمِ

Uchaona pazviso zvavo kubwinya kwemufaro
Surah Al-Mutaffifin, Verse 24


يُسۡقَوۡنَ مِن رَّحِيقٖ مَّخۡتُومٍ

Vachapihwa waini yakavharwa kuti vamwe
Surah Al-Mutaffifin, Verse 25


خِتَٰمُهُۥ مِسۡكٞۚ وَفِي ذَٰلِكَ فَلۡيَتَنَافَسِ ٱلۡمُتَنَٰفِسُونَ

Kwekupedzisira kwayo (waini) kuchange kuine munhuwi weMasiki (wakanaka)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 26


وَمِزَاجُهُۥ مِن تَسۡنِيمٍ

Ichange (waini) yakasanganiswa neTasneem
Surah Al-Mutaffifin, Verse 27


عَيۡنٗا يَشۡرَبُ بِهَا ٱلۡمُقَرَّبُونَ

Chitubu, chichange chichinwirwa nevari pedyo naAllah
Surah Al-Mutaffifin, Verse 28


إِنَّ ٱلَّذِينَ أَجۡرَمُواْ كَانُواْ مِنَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ يَضۡحَكُونَ

Zvirokwazvo, (panyika) avo vaiita mabasa akaipa vaiseka avo vaitenda
Surah Al-Mutaffifin, Verse 29


وَإِذَا مَرُّواْ بِهِمۡ يَتَغَامَزُونَ

Uye, pose pavaipfuura nepavari vaitsonyana
Surah Al-Mutaffifin, Verse 30


وَإِذَا ٱنقَلَبُوٓاْ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِمُ ٱنقَلَبُواْ فَكِهِينَ

Uye pose pavaidzokera kuvanhu vavo, vaidzoka vachiseka vachifara
Surah Al-Mutaffifin, Verse 31


وَإِذَا رَأَوۡهُمۡ قَالُوٓاْ إِنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ لَضَآلُّونَ

Uye pavaivaona vaiti: “Zvirokwazvo, ava ndivo vakarasika!”
Surah Al-Mutaffifin, Verse 32


وَمَآ أُرۡسِلُواْ عَلَيۡهِمۡ حَٰفِظِينَ

Asi avo (vasingatendi, vatadzi) havana kutumwa sevachengetedzi (vevanotenda)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 33


فَٱلۡيَوۡمَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنَ ٱلۡكُفَّارِ يَضۡحَكُونَ

Asi zuva ranhasi (zuva rekutongwa) avo vanotenda vachange vachiseka vasingatendi
Surah Al-Mutaffifin, Verse 34


عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِ يَنظُرُونَ

Vari pazvigaro, vachitarisa (zvinhu zvose)
Surah Al-Mutaffifin, Verse 35


هَلۡ ثُوِّبَ ٱلۡكُفَّارُ مَا كَانُواْ يَفۡعَلُونَ

Ko vasingatendi havana here kupihwa mubairo wavo (zvizere) wezvavaiita
Surah Al-Mutaffifin, Verse 36


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 82
>> Surah 84

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai