Surah Al-Inshiqaq - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
إِذَا ٱلسَّمَآءُ ٱنشَقَّتۡ
Apo denga parichapatsanurwa
Surah Al-Inshiqaq, Verse 1
وَأَذِنَتۡ لِرَبِّهَا وَحُقَّتۡ
Uye roteerera Tenzi waro – uye rinofanira kudaro
Surah Al-Inshiqaq, Verse 2
وَإِذَا ٱلۡأَرۡضُ مُدَّتۡ
Uye apo pasi richatambanudzwa
Surah Al-Inshiqaq, Verse 3
وَأَلۡقَتۡ مَا فِيهَا وَتَخَلَّتۡ
Uye parichabuditsa zvose zvaiva mariri rosara risina chinhu
Surah Al-Inshiqaq, Verse 4
وَأَذِنَتۡ لِرَبِّهَا وَحُقَّتۡ
Uye roteerera Tenzi waro - uye rinofanira kudaro
Surah Al-Inshiqaq, Verse 5
يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡإِنسَٰنُ إِنَّكَ كَادِحٌ إِلَىٰ رَبِّكَ كَدۡحٗا فَمُلَٰقِيهِ
Iwe munhu! Zvirokwazvo, uchadzokera kuna Tenzi vako nemabasa ako (akanaka neakaipa) kudzokera kwechokwadi, uye uchasangana nawo (mabasa awaiita)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 6
فَأَمَّا مَنۡ أُوتِيَ كِتَٰبَهُۥ بِيَمِينِهِۦ
Kune uyo achapihwa gwaro (bhuku) rake kuruoko rwake rwekurudyi
Surah Al-Inshiqaq, Verse 7
فَسَوۡفَ يُحَاسَبُ حِسَابٗا يَسِيرٗا
Chokwadi achawana mutongo wakareruka
Surah Al-Inshiqaq, Verse 8
وَيَنقَلِبُ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِۦ مَسۡرُورٗا
Uye achadzokera kumhuri yake aine mufaro
Surah Al-Inshiqaq, Verse 9
وَأَمَّا مَنۡ أُوتِيَ كِتَٰبَهُۥ وَرَآءَ ظَهۡرِهِۦ
Asi uyo achapihwa gwaro rake nekumashure kwake
Surah Al-Inshiqaq, Verse 10
فَسَوۡفَ يَدۡعُواْ ثُبُورٗا
Achava anodaidzira matambudziko (kuparadzwa kwake)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 11
وَيَصۡلَىٰ سَعِيرًا
Uye achava anopinda moto unopisa
Surah Al-Inshiqaq, Verse 12
إِنَّهُۥ كَانَ فِيٓ أَهۡلِهِۦ مَسۡرُورًا
Zvirokwazvo, aiva pakati pevanhu vake aine mufaro
Surah Al-Inshiqaq, Verse 13
إِنَّهُۥ ظَنَّ أَن لَّن يَحُورَ
Zvirokwazvo, aifunga kuti haazombodzokeri (kwatiri)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 14
بَلَىٰٓۚ إِنَّ رَبَّهُۥ كَانَ بِهِۦ بَصِيرٗا
Hongu! Zvirokwazvo, Tenzi vake vaimuona
Surah Al-Inshiqaq, Verse 15
فَلَآ أُقۡسِمُ بِٱلشَّفَقِ
Saka ndinopika nemadeukazuva (nguva dzerubvunzavaeni)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 16
وَٱلَّيۡلِ وَمَا وَسَقَ
Uye neusiku nezvose zvaunofukidza nerima
Surah Al-Inshiqaq, Verse 17
وَٱلۡقَمَرِ إِذَا ٱتَّسَقَ
Uye nemwedzi apo paunenge wakazara
Surah Al-Inshiqaq, Verse 18
لَتَرۡكَبُنَّ طَبَقًا عَن طَبَقٖ
Muchava munofamba kubva kune chimwe chikamu kuenda kune chimwe chikamu (paupenyu hwepano pasi nehwuchatevera)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 19
فَمَا لَهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ
Dambudziko ravo nderei rekuti havatendi
Surah Al-Inshiqaq, Verse 20
وَإِذَا قُرِئَ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقُرۡءَانُ لَا يَسۡجُدُونَۤ۩
Uye kana Qur’aan richiverengwa kwavari, havaisi zviso zvavo pasi
Surah Al-Inshiqaq, Verse 21
بَلِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ يُكَذِّبُونَ
Asi, avo vasingatendi vanoramba (Muhammad (SAW) nezvose zvaakauya nazvo, Qur’aan iri nekutenda muhumwechete waAllah
Surah Al-Inshiqaq, Verse 22
وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا يُوعُونَ
Uye Allah vanoziva zvikuru zvavanounganidza (zvakanaka nezvakaipa)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 23
فَبَشِّرۡهُم بِعَذَابٍ أَلِيمٍ
Saka vaudze nezvemutongo unorwadza
Surah Al-Inshiqaq, Verse 24
إِلَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ لَهُمۡ أَجۡرٌ غَيۡرُ مَمۡنُونِۭ
Kusara kweavo vanotenda vachiita mabasa akanaka, vachava nemugove
usingazombofa wakasvika kumagumo (Paradhiso)
Surah Al-Inshiqaq, Verse 25