Surah Yunus Verse 71 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Yunus۞وَٱتۡلُ عَلَيۡهِمۡ نَبَأَ نُوحٍ إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦ يَٰقَوۡمِ إِن كَانَ كَبُرَ عَلَيۡكُم مَّقَامِي وَتَذۡكِيرِي بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ فَعَلَى ٱللَّهِ تَوَكَّلۡتُ فَأَجۡمِعُوٓاْ أَمۡرَكُمۡ وَشُرَكَآءَكُمۡ ثُمَّ لَا يَكُنۡ أَمۡرُكُمۡ عَلَيۡكُمۡ غُمَّةٗ ثُمَّ ٱقۡضُوٓاْ إِلَيَّ وَلَا تُنظِرُونِ
Uye verenga kwavari nhau dzaNowa (Nuh). Apo paakati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Kana kugara kwangu (nemi), uye yeuchidzo yangu (kwamuri) yezviratidzo zvaAllah yakakuomerai, nokudaro ndinoisa vimbo yangu muna Allah. Nokudaro pananai hurongwa hwenyu imimi nevabatsiri venyu, uye musaita kuti hurongwa hwenyu huve nekusagutsikana kwamuri. Nokudaro ndipei mutongo wenyu uye musave munondipa zororo.”