Surah An-Noor Verse 21 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Noor۞يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَتَّبِعُواْ خُطُوَٰتِ ٱلشَّيۡطَٰنِۚ وَمَن يَتَّبِعۡ خُطُوَٰتِ ٱلشَّيۡطَٰنِ فَإِنَّهُۥ يَأۡمُرُ بِٱلۡفَحۡشَآءِ وَٱلۡمُنكَرِۚ وَلَوۡلَا فَضۡلُ ٱللَّهِ عَلَيۡكُمۡ وَرَحۡمَتُهُۥ مَا زَكَىٰ مِنكُم مِّنۡ أَحَدٍ أَبَدٗا وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يُزَكِّي مَن يَشَآءُۗ وَٱللَّهُ سَمِيعٌ عَلِيمٞ
Imi vanotenda! Musatevera matsimba aSatani. Uye uyo anotevera matsimba aSatani, zvirokwazvo, anokurudzira mabasa akashata (hupombwe) uye zvitadzo (kusatenda nemamwe mabasa akaipa). Uye dai dzisiri nyasha dzaAllah kwamuri uye tsitsi dzavo, hapana kana mumwe chete wenyu aidai akachena zvachose (asina zvivi). Asi Allah vanochenura uyo wavanoda, uye Allah vanonzwa zvese, uye vanoziva zvose